Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 VaKorinde 1:12-24

2 VaKorinde 1:12-24 BDSC

Zvino uku ndiko kuzvirumbidza kwedu: Hana dzedu dzinotipupurira: kuti takazvibata nokutendeka kunobva kuna Mwari, munyika uye kunyanya paukama hwedu nemi. Hatina kuita izvi nouchenjeri hwenyama, asi maererano nenyasha dzaMwari. Nokuti hatikunyorerei zvinhu zvamusingagoni kuverenga kana kunzwisisa. Uye ndinovimba kuti, sezvamakatinzwisisa pane zvimwe, muchazosvika pakunyatsotinzwisisa zvakazara zvokuti muchazvirumbidza matiri sezvatichazvirumbidza mamuri, pazuva raIshe Jesu. Nokuti ndaiziva chinhu ichi, ndakaronga kuti nditange kuuya kwamuri kuti mugoropafadzwa kaviri. Ndakaronga kukushanyirai ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuMasedhonia, uye ndaizodzokazve nokwamuri kana ndobva kuMasedhonia, uye kuti muzondiendesa parwendo rwangu kuJudhea. Pandakaronga izvi, ndakazviita ndisingarevesi here? Kana kuti ndinoita urongwa hwangu nenzira yenyama here, zvokuti ndingati nenzira imwe cheteyo, “Hongu, hongu” uye “Kwete, kwete.” Asi zvirokwazvo naMwari akatendeka, shoko redu kwamuri harizi “Hongu” kana “Kwete.” Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo akaparidzwa pakati penyu neni naSirasi uye naTimoti, akanga asiri, “Hongu” kana “Kwete”, asi maari zvakagara zviri “Hongu.” Nokuti hazvinei kuti Mwari akativimbisa zvinhu zvizhinji zvakadii, zvose i“Hongu” muna Kristu. Uye kubudikidza naiye tinoti “Ameni” kuti Mwari akudzwe. Zvino ndiMwari anoita kuti tose imi nesu timire takasimba muna Kristu. Akatizodza, akaisawo chisimbiso patiri chokuti tava vake, uye akaisa Mweya wake mumwoyo medu kuti ave rubatso, achipa chisimbiso chezvichauya. Ndinodana Mwari kuti ave chapupu changu kuti handina kuzouya kuKorinde nokuti ndakakunzwirai tsitsi. Kwete nokuti tinoda kuremedza kutenda kwenyu, asi kuti tinobatsirana nemi kuti muve nomufaro, nokuti makamira zvakasimba nokuda kwokutenda.