Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 ƲaKorinte 1:12-24

2 ƲaKorinte 1:12-24 SUB1949

Nokuti kuɀirumbidza kweɗu ndikoku: Kupupura kwehana yeɗu, kuti takafamba panyika, ɀikuru kwamuri, noʋutȿene neɀokwaɗi yaMŋari, tisiŋgafambi noʋucenjeri bgenyama, asi nenyasha dzaMŋari. Nokuti hatikunyoreriyi ɀimŋe ɀinhu, asi iɀo ɀamunoraʋa neɀamunotenda; ndinoti ɗai muciɀitenda kuȿikira pakuguma; seɀamakatitenda ʋo paneɀimŋe, kuti isu tiri kurumbidzwa kwenyu, semi ʋo mucaʋa kurumbidzwa kweɗu nezuʋa raShe Jesu. Ndiciziʋa iɀoɀi, ndakaŋga ndiciɗa kutaŋga kuʋuya kwamuri, kuti mukomborerwe rwecipiri; ndipfuʋure nokwenyu ndicienda Makedonia, nokuʋuya nokwenyu ɀe, ndicibva Makedonia, ndiperekedzwe nemi ndicienda Judea. Ɀino ɀandakaŋga ndiciɗa kuita iɀoɀo, ndakaita nokushanduka mŋoyo here? Kana, ɀandinoɗa kuita ndinoɀiɗa nenyama here, kuti ini pamŋe nditi: Hoŋo, hoŋo, pamŋe: Kwete, kwete? NaMŋari wakatendeka, shoko reɗu kwamuri harizi hoŋo nakwete. Nokuti Mŋanakomana waMŋari, Jesu Kristu, uyo wakaparidzwa pakati penyu nesu — neni naSirvano naTimotio — wakaŋga asiri hoŋo nakwete, asi wakaŋga ari hoŋo maari. Nokuti ɀipikirwa ɀaMŋari, kunyaŋge ɀiri ɀizhinji sei, maari ndihoŋo; naiɀoɀo naiye ʋo ndiAmeni, kuti Mŋari akudzwe nesu. Ɀino, uyo unotisimbisa munaKristu pamŋe cete nemi, nokutizodza, ndiMŋari; uyo wakatiisira ʋo cisimbiso, akatipa ruɓatso rwoMŋeya mumŋoyo meɗu. Asi ndinoɗana Mŋari, aʋe capupu pamŋoyo waŋgu, kuti handina‐kuzoʋuya Korinte, nokuti ndakakunzwirai tsitsi. Hatiiti simba nokutenda kwenyu, asi tinokuɓatsirai kuti mufare; nokuti mumire nokutenda.