2 Makoronike 1:9-11
2 Makoronike 1:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino, Jehovha Mwari, itai henyu kuti chivimbiso chenyu kuna baba vangu Dhavhidhi chizadziswe, nokuti makandiita mambo pamusoro pavanhu vakawanda seguruva renyika. Ndipeiwo uchenjeri noruzivo, kuti ndigotungamirira vanhu ava, nokuti ndiani angagona kutonga vanhu venyu vakawanda ava?” Mwari akati kuna Soromoni, “Sezvo ichi chiri chido chemwoyo wako uye hauna kukumbira upfumi hwakawanda kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, uye nokuti hauna kukumbira upenyu hurefu asi uchenjeri noruzivo kuti utonge vanhu vangu avo vandakuita mambo pamusoro pavo
2 Makoronike 1:9-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino Jehovha Mwari, shoko ramakapikira Dhavhidhi baba vangu ngarisimbiswe; nokuti makandiita mambo wavanhu vakafanana neguruva renyika pakuwanda kwavo. Zvino ndipei henyu njere nokuziva, kuti ndibude nokupinda pamberi pavanhu ava; nokuti ndiani angagona kutonga vanhu venyu ava vakawanda vakadai?” Mwari akati kuna Soromoni, “Zvawarangarira chinhu ichi mumwoyo mako, ukasakumbira pfuma, nezvakawanda, kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, kana kukumbira upenyu urefu, asi wakazvikumbirira njere nokuziva, kuti ugone kutonga vanhu vangu, vandakakuita mambo wavo
2 Makoronike 1:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nhai Tenzi Mwari, dai mukachizadzisa waro zvamakatsidzira baba wangu Dhavhidhi sezvo makandiita mambo werudzi rwavanhu vakawanda seguruva renyika kudai. Zvino ndipeiwo ungwaru noruzivo kuti ndigone kutungamirira vanhu ava nokuti ndiani angakwanise kutonga vanhu venyu ava vakawanda kudai.” Mwari akati kuna Soromoni, “Pamusana pokuti izvi ndozvawada nemwoyo wako ukarega kukumbira kuti uve nezvinhu kana upfumi kana ukuru kana kuti vanokuvenga vafe kunyange kuzvikumbirira upenyu hurefu, asi wazvikumbirira ungwaru noruzivo kuti utonge vanhu vangu vandakati iwe uve mambo wavo
2 Makoronike 1:9-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova Mŋari, shoko ramakapikira Davidi ɓaɓa ʋaŋgu ŋgarisimbiswe; nokuti makandiita mambo waʋanhu ʋakafanana neguruʋa renyika pakuwanda kwaʋo. Ɀino ndipei henyu njere nokuziʋa, kuti ndiɓuɗe nokupinda pamberi paʋanhu aʋa; nokuti ndiani uŋgagona kutoŋga ʋanhu ʋenyu aʋa ʋakawanda ʋakaɗai? Mŋari akati kunaSoromoni: Ɀawaraŋgarira cinhu ici mumŋoyo mako, ukasakumbira fuma, neɀakawanda, kana kukudzwa, kana kufa kwaʋaʋeŋgi ʋako, kana kukumbira ʋupenyu ʋurefu, asi wakaɀikumbirira njere nokuziʋa, kuti ugone kutoŋga ʋanhu ʋaŋgu, ʋandakakuita mambo waʋo
2 Makoronike 1:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)