2 Nhoroondo 1
1
III: MAMBO SOROMONI NOKUVAKWA KWETEMBERI
Kukumbira Mwari ungwaru kwakaita Soromoni
(1 Madzi 3:1–5)
1Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akanyatsodzika midzi muumambo hwake, izvozvo Tenzi, Mwari wake aiva naye achimuita kuti ave namasimba makuru kwazvo.
2Soromoni akataurira Isiraeri yose navatungamiriri vezviuru navamazana navatongi navatungamiriri vose muIsiraeri yose navakuru vamadzinza avo. 3Soromoni negungano rose vakaenda kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira yaiva kuGibheoni nokuti ndiko kwaiva netendhe raMwari rokusanganira riya rakagadzirwa kurenje naMosesi muranda waMwari. 4(Asi chaivapo ndechokuti Dhavhidhi akanga atotora bhokisi raMwari rechitenderano kuKiriatijearimu akaenda naro kunzvimbo yaakanga arigadzirira nokuti akanga arimisira tendhe muJerusaremu.) 5Chimwewo ndechokuti, atari iya yendarira yakagadzirwa naBhezarieri mwanakomana waUri, muzukuru waHuri yaiva ikoko kumusuo kwetendhe rinoera raTenzi. Soromoni negungano iri vakandonzwa kuti Mwari anoti kudii. 6Soromoni akakwirako kwaiva neatari yendarira pana Tenzi yaiva mutendhe rokusanganira akapira chiuru chemipiro yokupisa pairi.
7Usiku ihwohwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni akati kwaari, “Kumbira chaungade kuti ndikupe.”
8Soromoni akapindura Mwari achiti, “Makaitira baba vangu Dhavhidhi mwoyochena mukuru kwazvo mukandiitawo kuti ndive mambo panzvimbo yavo. 9Nhai Tenzi Mwari, dai mukachizadzisa waro zvamakatsidzira baba wangu Dhavhidhi sezvo makandiita mambo werudzi rwavanhu vakawanda seguruva renyika kudai. 10Zvino ndipeiwo ungwaru noruzivo kuti ndigone kutungamirira vanhu ava nokuti ndiani angakwanise kutonga vanhu venyu ava vakawanda kudai.”
11Mwari akati kuna Soromoni, “Pamusana pokuti izvi ndozvawada nemwoyo wako ukarega kukumbira kuti uve nezvinhu kana upfumi kana ukuru kana kuti vanokuvenga vafe kunyange kuzvikumbirira upenyu hurefu, asi wazvikumbirira ungwaru noruzivo kuti utonge vanhu vangu vandakati iwe uve mambo wavo, 12naizvozvo ungwaru noruzivo watozvipiwa. Ndichakupawo upfumi nezvinhu zvakowo noukuru zvisina ati akambova nazvo pamadzimambo akakutangira kana achauya mushure mako achava nezvakadaro.”
Masimba amambo Soromoni noupfumi hwake
(1 Madzi 10:26–29)
13Soromoni akabva kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira kuya kuGibheoni kwaiva netendhe rokusanganira akadzokera kuJerusaremu akatonga zvake Isiraeri. 14Soromoni akaunganidza pamwechete ngoro dzehondo navachairi vadzo. Akanga ane chiuru chimwechete chengoro dzehondo chine mazana mana navachairi vadzo zviuru gumi nezviviri vaakaisa kuti vagare mumaguta engoro dzehondo, iye mambo ari muJerusaremu. 15Mambo akapa kuti muJerusaremu imomo, sirivha iyi nendarama zvinge matombo zvawo. Musidhari uyu wakanga wava kungewo mukuyu wokunyika yokumanhika, kuShefera kuwanda.
16Mabhiza okwaSoromoni aiatenga kuIjipiti nokuKue. Vanhu vokwamambo vaiita mhindu dzokutengesa ndovaiatengera kuKue. 17Kuti munhu atenge ngoro yehondo kuIjipiti paidiwa mazana matanhatu emari yesirivha yemashekeri, bhizawo richiita zana namakumi mashanu emari yesirivha yemashekeri. Vanhu ivavo vemhindu vaye vaiitawo zvimwechetezvo ndovaitozondotengeserawo ose madzimambo evaHiti namadzimambo eSiria zvinhu izvozvo.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Nhoroondo 1: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.