2 Makoronike 1:6-12
2 Makoronike 1:6-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Soromoni akakwira kuaritari yendarira pamberi paJehovha muTende Rokusangana akandobayira zvipiriso zvinopiswa zvinokwana chiuru pairi. Usiku ihwohwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni akati kwaari, “Kumbira chose chaungada kuti ndikupe.” Soromoni akapindura Mwari akati, “Makaratidza unyoro hwenyu hukuru kwazvo kuna Dhavhidhi baba vangu uye mukandiita mambo pachinzvimbo chavo. Zvino, Jehovha Mwari, itai henyu kuti chivimbiso chenyu kuna baba vangu Dhavhidhi chizadziswe, nokuti makandiita mambo pamusoro pavanhu vakawanda seguruva renyika. Ndipeiwo uchenjeri noruzivo, kuti ndigotungamirira vanhu ava, nokuti ndiani angagona kutonga vanhu venyu vakawanda ava?” Mwari akati kuna Soromoni, “Sezvo ichi chiri chido chemwoyo wako uye hauna kukumbira upfumi hwakawanda kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, uye nokuti hauna kukumbira upenyu hurefu asi uchenjeri noruzivo kuti utonge vanhu vangu avo vandakuita mambo pamusoro pavo, naizvozvo uchapiwa uchenjeri noruzivo. Uye ini ndichakupawo upfumi, hwakawanda nokukudzwa zvisati zvambowanikwa namadzimambo ose akakutangira zvakare hakunazve mambo achauya shure kwako achava nazvo.”
2 Makoronike 1:6-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Soromoni akakwirako pamberi paJehovha kuaritari yendarira, yakanga iri patende rokusangana, akabayira pamusoro payo zvipiriso zvinopiswa zvine chiuru chezana. Zvino nousiku uhwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni, akati kwaari, “Kumbira chaunoda kuti ndikupe.” Soromoni akati kuna Mwari “Makaitira baba vangu Dhavhidhi tsitsi huru, mukandiita ini mambo panzvimbo yavo. “Zvino Jehovha Mwari, shoko ramakapikira Dhavhidhi baba vangu ngarisimbiswe; nokuti makandiita mambo wavanhu vakafanana neguruva renyika pakuwanda kwavo. Zvino ndipei henyu njere nokuziva, kuti ndibude nokupinda pamberi pavanhu ava; nokuti ndiani angagona kutonga vanhu venyu ava vakawanda vakadai?” Mwari akati kuna Soromoni, “Zvawarangarira chinhu ichi mumwoyo mako, ukasakumbira pfuma, nezvakawanda, kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, kana kukumbira upenyu urefu, asi wakazvikumbirira njere nokuziva, kuti ugone kutonga vanhu vangu, vandakakuita mambo wavo; zvino njere nokuziva unozvipiwa iwe; uye ndichakupa pfuma, nezvakawanda, nokukudzwa, zvisina kumbopiwa mumwe wamadzibaba akakutangira; uye hapana mumwe achakutevera uchava nezvakadai.”
2 Makoronike 1:6-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Soromoni akakwirako kwaiva neatari yendarira pana Tenzi yaiva mutendhe rokusanganira akapira chiuru chemipiro yokupisa pairi. Usiku ihwohwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni akati kwaari, “Kumbira chaungade kuti ndikupe.” Soromoni akapindura Mwari achiti, “Makaitira baba vangu Dhavhidhi mwoyochena mukuru kwazvo mukandiitawo kuti ndive mambo panzvimbo yavo. Nhai Tenzi Mwari, dai mukachizadzisa waro zvamakatsidzira baba wangu Dhavhidhi sezvo makandiita mambo werudzi rwavanhu vakawanda seguruva renyika kudai. Zvino ndipeiwo ungwaru noruzivo kuti ndigone kutungamirira vanhu ava nokuti ndiani angakwanise kutonga vanhu venyu ava vakawanda kudai.” Mwari akati kuna Soromoni, “Pamusana pokuti izvi ndozvawada nemwoyo wako ukarega kukumbira kuti uve nezvinhu kana upfumi kana ukuru kana kuti vanokuvenga vafe kunyange kuzvikumbirira upenyu hurefu, asi wazvikumbirira ungwaru noruzivo kuti utonge vanhu vangu vandakati iwe uve mambo wavo, naizvozvo ungwaru noruzivo watozvipiwa. Ndichakupawo upfumi nezvinhu zvakowo noukuru zvisina ati akambova nazvo pamadzimambo akakutangira kana achauya mushure mako achava nezvakadaro.”
2 Makoronike 1:6-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Soromoni akakwira’ko pamberi paJehova kuartari yendarira, yakaŋga iri patente rokusoŋgana, akaɓayira pamsoro payo ɀipiriso ɀinopiswa ɀinecuru cezana. Ɀino noʋusiku ubgo Mŋari akaɀiratidza kunaSoromoni, akati kwaari: Kumbira caunoɗa kuti ndikupe. Soromoni akati kunaMŋari: Makaitira ɓaɓa ʋaŋgu Davidi tsitsi huru, mukandiita ini mambo panɀimbo yaʋo. Ɀino Jehova Mŋari, shoko ramakapikira Davidi ɓaɓa ʋaŋgu ŋgarisimbiswe; nokuti makandiita mambo waʋanhu ʋakafanana neguruʋa renyika pakuwanda kwaʋo. Ɀino ndipei henyu njere nokuziʋa, kuti ndiɓuɗe nokupinda pamberi paʋanhu aʋa; nokuti ndiani uŋgagona kutoŋga ʋanhu ʋenyu aʋa ʋakawanda ʋakaɗai? Mŋari akati kunaSoromoni: Ɀawaraŋgarira cinhu ici mumŋoyo mako, ukasakumbira fuma, neɀakawanda, kana kukudzwa, kana kufa kwaʋaʋeŋgi ʋako, kana kukumbira ʋupenyu ʋurefu, asi wakaɀikumbirira njere nokuziʋa, kuti ugone kutoŋga ʋanhu ʋaŋgu, ʋandakakuita mambo waʋo; ɀino njere nokuziʋa unoɀipiwa iwe; ʋuye ndicakupa fuma, neɀakawanda, nokukudzwa, ɀisina‐kumbopiwa mumŋe wamadziɓaɓa akakutaŋgira; ʋuye hapanomumŋe ucakuteʋera ucaʋa neɀakaɗai.
2 Makoronike 1:6-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)