Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Makoronike 1:1-17

2 Makoronike 1:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akasimbisa kwazvo ushe hwake, nokuti Jehovha Mwari wake akanga anaye uye akamuita kuti ave mukuru kwazvo. Ipapo Soromoni akataura kuIsraeri yose, kuvatungamiri vezviuru nokuvatungamiri vamazana, kuvatongi nokuvatungamiri vose muIsraeri, vakuru vemhuri, uye Soromoni neungano yose vakaenda kunzvimbo yakakwirira yeGibheoni, nokuti Tende Rokusangana raMwari rakanga ririko, iro rakanga ragadzirwa naMozisi muranda waMwari murenje. Zvino Dhavhidhi akanga auyisa areka yaMwari kubva kuKiriati Jearimi kunzvimbo yaakanga aigadzirira nokuti akanga aidzikira tende muJerusarema. Asi aritari yendarira yakanga yagadzirwa naBhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, yakanga iri muGibheoni pamberi peTabhenakeri yaJehovha; saka Soromoni neungano vakandomubvunza ipapo. Soromoni akakwira kuaritari yendarira pamberi paJehovha muTende Rokusangana akandobayira zvipiriso zvinopiswa zvinokwana chiuru pairi. Usiku ihwohwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni akati kwaari, “Kumbira chose chaungada kuti ndikupe.” Soromoni akapindura Mwari akati, “Makaratidza unyoro hwenyu hukuru kwazvo kuna Dhavhidhi baba vangu uye mukandiita mambo pachinzvimbo chavo. Zvino, Jehovha Mwari, itai henyu kuti chivimbiso chenyu kuna baba vangu Dhavhidhi chizadziswe, nokuti makandiita mambo pamusoro pavanhu vakawanda seguruva renyika. Ndipeiwo uchenjeri noruzivo, kuti ndigotungamirira vanhu ava, nokuti ndiani angagona kutonga vanhu venyu vakawanda ava?” Mwari akati kuna Soromoni, “Sezvo ichi chiri chido chemwoyo wako uye hauna kukumbira upfumi hwakawanda kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, uye nokuti hauna kukumbira upenyu hurefu asi uchenjeri noruzivo kuti utonge vanhu vangu avo vandakuita mambo pamusoro pavo, naizvozvo uchapiwa uchenjeri noruzivo. Uye ini ndichakupawo upfumi, hwakawanda nokukudzwa zvisati zvambowanikwa namadzimambo ose akakutangira zvakare hakunazve mambo achauya shure kwako achava nazvo.” Ipapo Soromoni akaenda kuJerusarema achibva kunzvimbo yakakwirira paGibheoni, kubva paTende Rokusangana. Uye akatonga Israeri. Soromoni akazviunganidzira ngoro namabhiza; aiva nengoro chiuru namazana mana, nezviuru gumi nezviviri zvamabhiza, zvaaichengetera mumaguta engoro uye nokuJerusarema kwaaivawo. Mambo akaita kuti sirivha negoridhe zviwanikwe kwose kwose muJerusarema samatombo uye misidhari ikawanda semionde mujinga mezvikomo. Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti nokuKuwe, vatengi vamambo vaitenga kubva kuKuwe. Vaitenga ngoro imwe chete kubva kuIjipiti ichiita mashekeri mazana matanhatu esirivha uye bhiza rimwe chete richiita mashekeri zana namakumi mashanu. Ivo vaizoatengeserawo kumadzimambo ose avaHiti navaAramu.

2 Makoronike 1:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akasimbiswa paushe hwake, Jehovha Mwari wake akava naye, akamukurisa zvikuru kwazvo. Zvino Soromoni akataura navaIsiraeri vose, navakuru vezviuru navamazana, navatongi, namachinda ose pakati paIsiraeri vose, ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba. Ipapo Soromoni neungano yose pamwechete naye vakaenda kudunhu rakakwirira raiva paGibheoni; nokuti ndipo pakanga pane tende rokusangana raMwari, rakanga ravakwa murenje naMosesi muranda waJehovha. Asi Dhavhidhi akanga atora areka yaMwari paKiriatijearimi, akaiisa panzvimbo, Dhavhidhi yaakanga aigadzirira; nokuti akanga aidzikira tende paJerusaremu. Neareka yendarira yakanga yaumbwa naBhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, yakanga iripo pamberi petabhenakeri yaJehovha; Soromoni neungano yose vakairangarira. Soromoni akakwirako pamberi paJehovha kuaritari yendarira, yakanga iri patende rokusangana, akabayira pamusoro payo zvipiriso zvinopiswa zvine chiuru chezana. Zvino nousiku uhwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni, akati kwaari, “Kumbira chaunoda kuti ndikupe.” Soromoni akati kuna Mwari “Makaitira baba vangu Dhavhidhi tsitsi huru, mukandiita ini mambo panzvimbo yavo. “Zvino Jehovha Mwari, shoko ramakapikira Dhavhidhi baba vangu ngarisimbiswe; nokuti makandiita mambo wavanhu vakafanana neguruva renyika pakuwanda kwavo. Zvino ndipei henyu njere nokuziva, kuti ndibude nokupinda pamberi pavanhu ava; nokuti ndiani angagona kutonga vanhu venyu ava vakawanda vakadai?” Mwari akati kuna Soromoni, “Zvawarangarira chinhu ichi mumwoyo mako, ukasakumbira pfuma, nezvakawanda, kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, kana kukumbira upenyu urefu, asi wakazvikumbirira njere nokuziva, kuti ugone kutonga vanhu vangu, vandakakuita mambo wavo; zvino njere nokuziva unozvipiwa iwe; uye ndichakupa pfuma, nezvakawanda, nokukudzwa, zvisina kumbopiwa mumwe wamadzibaba akakutangira; uye hapana mumwe achakutevera uchava nezvakadai.” Zvino Soromoni akabva panzvimbo yakakwirira yakanga iri paGibheoni, pamberi petende rokusangana, akasvika Jerusaremu, akabata ushe hwaIsiraeri. Soromoni akaunganidza ngoro navatasvi vamabhiza; akanga ane ngoro dzine chiuru chimwe namazana mana, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvine gumi nezviviri, vaakaisa mumaguta engoro nokuna mambo paJerusaremu. Mambo akaunganidza sirivha nendarama paJerusaremu zvikawanda zvikaita samabwe, nemisidhari ikaita semionde yaiva pamapani. Mabhiza aSoromoni aaiva nawo, aibva Ijipiti; vatengesi vamambo vaindoatorako vachiita mapoka-mapoka, boka rimwe nerimwe rino mutengo waro. Vakandozvitora Ijipiti, vakauya nazvo, ngoro imwe neimwe ichitengwa namashekeri esirivha ana mazana matanhatu, nebhiza rimwe nerimwe namashekeri ane zana namakumi mashanu; saizvozvowo madzimambo ose avaHiti, namadzimambo avaSiria aivigirwa izvozvo navo.

2 Makoronike 1:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akanyatsodzika midzi muumambo hwake, izvozvo Tenzi, Mwari wake aiva naye achimuita kuti ave namasimba makuru kwazvo. Soromoni akataurira Isiraeri yose navatungamiriri vezviuru navamazana navatongi navatungamiriri vose muIsiraeri yose navakuru vamadzinza avo. Soromoni negungano rose vakaenda kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira yaiva kuGibheoni nokuti ndiko kwaiva netendhe raMwari rokusanganira riya rakagadzirwa kurenje naMosesi muranda waMwari. (Asi chaivapo ndechokuti Dhavhidhi akanga atotora bhokisi raMwari rechitenderano kuKiriatijearimu akaenda naro kunzvimbo yaakanga arigadzirira nokuti akanga arimisira tendhe muJerusaremu.) Chimwewo ndechokuti, atari iya yendarira yakagadzirwa naBhezarieri mwanakomana waUri, muzukuru waHuri yaiva ikoko kumusuo kwetendhe rinoera raTenzi. Soromoni negungano iri vakandonzwa kuti Mwari anoti kudii. Soromoni akakwirako kwaiva neatari yendarira pana Tenzi yaiva mutendhe rokusanganira akapira chiuru chemipiro yokupisa pairi. Usiku ihwohwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni akati kwaari, “Kumbira chaungade kuti ndikupe.” Soromoni akapindura Mwari achiti, “Makaitira baba vangu Dhavhidhi mwoyochena mukuru kwazvo mukandiitawo kuti ndive mambo panzvimbo yavo. Nhai Tenzi Mwari, dai mukachizadzisa waro zvamakatsidzira baba wangu Dhavhidhi sezvo makandiita mambo werudzi rwavanhu vakawanda seguruva renyika kudai. Zvino ndipeiwo ungwaru noruzivo kuti ndigone kutungamirira vanhu ava nokuti ndiani angakwanise kutonga vanhu venyu ava vakawanda kudai.” Mwari akati kuna Soromoni, “Pamusana pokuti izvi ndozvawada nemwoyo wako ukarega kukumbira kuti uve nezvinhu kana upfumi kana ukuru kana kuti vanokuvenga vafe kunyange kuzvikumbirira upenyu hurefu, asi wazvikumbirira ungwaru noruzivo kuti utonge vanhu vangu vandakati iwe uve mambo wavo, naizvozvo ungwaru noruzivo watozvipiwa. Ndichakupawo upfumi nezvinhu zvakowo noukuru zvisina ati akambova nazvo pamadzimambo akakutangira kana achauya mushure mako achava nezvakadaro.” Soromoni akabva kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira kuya kuGibheoni kwaiva netendhe rokusanganira akadzokera kuJerusaremu akatonga zvake Isiraeri. Soromoni akaunganidza pamwechete ngoro dzehondo navachairi vadzo. Akanga ane chiuru chimwechete chengoro dzehondo chine mazana mana navachairi vadzo zviuru gumi nezviviri vaakaisa kuti vagare mumaguta engoro dzehondo, iye mambo ari muJerusaremu. Mambo akapa kuti muJerusaremu imomo, sirivha iyi nendarama zvinge matombo zvawo. Musidhari uyu wakanga wava kungewo mukuyu wokunyika yokumanhika, kuShefera kuwanda. Mabhiza okwaSoromoni aiatenga kuIjipiti nokuKue. Vanhu vokwamambo vaiita mhindu dzokutengesa ndovaiatengera kuKue. Kuti munhu atenge ngoro yehondo kuIjipiti paidiwa mazana matanhatu emari yesirivha yemashekeri, bhizawo richiita zana namakumi mashanu emari yesirivha yemashekeri. Vanhu ivavo vemhindu vaye vaiitawo zvimwechetezvo ndovaitozondotengeserawo ose madzimambo evaHiti namadzimambo eSiria zvinhu izvozvo.

2 Makoronike 1:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Soromoni mŋanakomana waDavidi wakasimbiswa paʋushe bgake, Jehova Mŋari wake akaʋa naye, akamukurisa ɀikuru kwaɀo. Ɀino Soromoni akataura naʋaIsraeri ʋose, naʋakuru ʋeɀuru naʋamazana, naʋatoŋgi, namacinda ose pakati paIsraeri ʋose, iʋo ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa. Ipapo Soromoni neʋuŋgano yose pamŋe cete naye ʋakaenda kuɗunhu rakakwirira raiʋa paGibeoni; nokuti ndipo pakaŋga panetente rokusoŋgana raMŋari, rakaŋga raʋakwa murenje naMosesi muranda waJehova. Asi Davidi wakaŋga atora areka yaMŋari paKiriati‐jearimi, akaiisa panɀimbo, Davidi yaakaŋga aigadzirira; nokuti wakaŋga aidzikira tente paJerusarema. Neareka yendarira yakaŋga yaʋumbga naBezareri mŋanakomana waUri, mŋanakomana waHuri, yakaŋga iri’po pamberi petabernakeri yaJehova; Soromoni neʋuŋgano yose ʋakairaŋgarira. Soromoni akakwira’ko pamberi paJehova kuartari yendarira, yakaŋga iri patente rokusoŋgana, akaɓayira pamsoro payo ɀipiriso ɀinopiswa ɀinecuru cezana. Ɀino noʋusiku ubgo Mŋari akaɀiratidza kunaSoromoni, akati kwaari: Kumbira caunoɗa kuti ndikupe. Soromoni akati kunaMŋari: Makaitira ɓaɓa ʋaŋgu Davidi tsitsi huru, mukandiita ini mambo panɀimbo yaʋo. Ɀino Jehova Mŋari, shoko ramakapikira Davidi ɓaɓa ʋaŋgu ŋgarisimbiswe; nokuti makandiita mambo waʋanhu ʋakafanana neguruʋa renyika pakuwanda kwaʋo. Ɀino ndipei henyu njere nokuziʋa, kuti ndiɓuɗe nokupinda pamberi paʋanhu aʋa; nokuti ndiani uŋgagona kutoŋga ʋanhu ʋenyu aʋa ʋakawanda ʋakaɗai? Mŋari akati kunaSoromoni: Ɀawaraŋgarira cinhu ici mumŋoyo mako, ukasakumbira fuma, neɀakawanda, kana kukudzwa, kana kufa kwaʋaʋeŋgi ʋako, kana kukumbira ʋupenyu ʋurefu, asi wakaɀikumbirira njere nokuziʋa, kuti ugone kutoŋga ʋanhu ʋaŋgu, ʋandakakuita mambo waʋo; ɀino njere nokuziʋa unoɀipiwa iwe; ʋuye ndicakupa fuma, neɀakawanda, nokukudzwa, ɀisina‐kumbopiwa mumŋe wamadziɓaɓa akakutaŋgira; ʋuye hapanomumŋe ucakuteʋera ucaʋa neɀakaɗai. Ɀino Soromoni akabva panɀimba yakakwirira yakaŋga iri paGibeoni, pamberi petente rokusoŋgana, akaȿika Jerusarema, akaɓata ʋushe bgaIsraeri. Soromoni akaʋuŋganidza ŋgoro naʋataȿi ʋamabiza; wakaŋga aneŋgoro dzinecuru cimŋe namazana manna, naʋataȿi ʋamabiza ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri, ʋaakaisa mumaguta eŋgoro nokunamambo paJerusarema. Mambo akaʋuŋganidza sirveri nendarama paJerusarema ɀikawanda ɀikaita samabge, nemisidari ikaita semiʋonde yaiʋa pamapani. Mabiza aSoromoni aaiʋa nawo, aibva Egipita; ʋateŋgesi ʋamambo ʋaindoatora’ko ʋaciita mapoka‐mapoka, ɓoka rimŋe nerimŋe rinomuteŋgo waro. Ʋakandoɀitora Egipita, ʋakaʋuya naɀo, ŋgoro imŋe neimŋe iciteŋgwa namashekeri esirveri anamazana matanhatu, nebiza rimŋe nerimŋe namashekeri anezana namakumi mashanu; saiɀoɀo ʋo madzimambo ose aʋaHiti, namadzimambo aʋaSiria aiʋigirwa iɀoɀo naʋo.

2 Makoronike 1:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)