1 VaTesaronika 5:14-17
1 VaTesaronika 5:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye tinokukurudzirai, hama, kuti muyambire avo vano usimbe, mukurudzire vanotya, batsirai vasina simba, muite mwoyo murefu kuvanhu vose. Muve nechokwadi kuti kurege kuva nomunhu anodzorera chakaipa nechakaipa, asi edzai kuva nomwoyo munyoro kuno mumwe nomumwe wenyu uye nokuna vose. Farai nguva dzose; rambai muchinyengetera
1 VaTesaronika 5:14-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti murayire vasingateereri murayiro, musimbise vanopera mwoyo, mutsigire vasina simba, muve nomwoyo murefu kuna vose. Chenjerai kuti mumwe arege kutsiva mumwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzose mutevere zvinhu zvakanaka, mumwe kunomumwe, nokuna vose. Farai nguva dzose. Rambai muchinyengetera.
1 VaTesaronika 5:14-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tinokukurudziraizve, hama, kuti rayirai nyope muchimutsa mwoyo yavakaneta. Batsirai vasina simba. Itai mwoyo murefu navo vose. Onai kuti hapana anodzorera chakaipa nechakaipa, asi rambai muchingoedza kuitirana zvakanaka uye muitirewo vamwe vose zvakanaka. Farai nguva dzose. Namatai nguva dzose
1 VaTesaronika 5:14-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, kuti muraire ʋasiŋgatereri murairo, musimbise ʋanopera mŋoyo, mutsigire ʋasinesimba, muʋe nomŋoyo murefu kunaʋose. Cenjerai kuti mumŋe arege kutsiʋa mumŋe ɀakaipa neɀakaipa; asi ŋguʋa dzose muteʋere ɀinhu ɀakanaka, mumŋe kunomumŋe, nokunaʋose. Farai ŋguʋa dzose. Rambai mucinyeŋgetera.
1 VaTesaronika 5:14-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)