1 Samueri 25:3
1 Samueri 25:3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zita rake rainzi Nabhari uye zita romukadzi wake rainzi Abhigairi. Mukadzi akanga akangwara uye akanaka kwazvo, asi murume wake muKarebhu, akanga ane mwoyo mukukutu akaipa pamagariro ake.
1 Samueri 25:3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zita romunhu uyu raiva Nabhari, uye zita romukadzi wake Abhigairi; mukadzi wakanga akangwara, uye wakanga akanaka kumeso; asi murume wakanga ano mwoyo mukukutu, akaipa pamugarire wake; waive weimba yaKarebhi.
1 Samueri 25:3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Murume iyeye ainzi Nabhari, mudzimai wake achinzi Abhigairi. Aiva mukadzi anonzwisisa ane chimiro chakanaka. Asi murume iyeyo akanga aine mwoyo mukukutu. Aiva wokwaKarebhu.
1 Samueri 25:3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Zita romunhu uyu raiʋa Nabari, ʋuye zita romukadzi wake Abigairi; mukadzi wakaŋga akaŋgwara, ʋuye wakaŋga akanaka kumeso; asi murume wakaŋga anomŋoyo mukukutu, akaipa pamugarire wake; waiʋa weimba yaKarebi.