Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 18:1-16

1 Samueri 18:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Dhavhidhi akati apedza kutaura naSauro, Jonatani akanamatirana naDhavhidhi mumweya, uye akamuda sezvaaizvida iye. Kubva pazuva iroro, Sauro akachengeta Dhavhidhi uye haana kuzomutendera kuti adzokere kumba kwababa vake. Uye Jonatani akaita sungano naDhavhidhi nokuti aimuda sezvaaizvida iye. Jonatani akakurura nguo yaakanga akapfeka akaipa kuna Dhavhidhi, pamwe chete nechunika yake, uye kunyange munondo wake, uta hwake nebhanhire rake. Chimwe nechimwe chaaitumwa naSauro kuti aite, Dhavhidhi aizviita nomazvo chaizvo zvokuti Sauro akazomupa chinzvimbo chapamusoro-soro muhondo. Izvi zvakafadza vanhu vose, uye namachinda aSaurowo. Varume vakati vodzoka kumba, mushure mokunge Dhavhidhi auraya muFiristia, vakadzi vakabuda kundochingamidza Mambo Sauro vachibva kumaguta ose eIsraeri vachiimba, vachitamba nziyo dzomufaro, namatambureni nenyere. Pavaitamba, vaiimba vachiti: “Sauro akauraya zviuru zvamazana ake, naDhavhidhi makumi ezviuru zvamazama ake.” Sauro akatsamwa zvikuru; kuimba uku kwakamutsa hasha dzake akati, “Vapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini zviuru chete. Chimwe chii chaangawana kunze kwoumambo?” Kubva panguva iyoyo Sauro akatarira Dhavhidhi neziso rine godo. Fume mangwana, mweya wakaipa wakabva kuna Mwari wakauya nesimba pamusoro paSauro. Akanga achiprofita ari mumba make, Dhavhidhi achiridza mbira, sezvaaisiita nguva dzose. Sauro akanga ane pfumo muruoko rwake, uye akaripotsera, achiti mumwoyo make, “Ndichabayira Dhavhidhi kumadziro.” Asi Dhavhidhi akamunzvenga kaviri kose. Sauro akanga achitya Dhavhidhi, nokuti Jehovha akanga anaye asi akanga abva kuna Sauro. Saka akamuendesa kure naye uye akamuita kuti ave mukuru wechiuru chavarwi, uye Dhavhidhi akatungamirira varwi muhondo dzavo. Pazvinhu zvose zvaaiita aibudirira zvikuru kwazvo, nokuti Jehovha akanga anaye. Sauro akati achiona kuti Dhavhidhi aibudirira sei, akamutya. Asi vaIsraeri navaJudha vose vaida Dhavhidhi, nokuti akavatungamirira muhondo dzavo.

1 Samueri 18:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino wakati apedza kutaura naSauro, mwoyo waJonatani ukanamatira mwoyo waDhavhidhi, Jonatani akamuda sezvaakanga achida mwoyo wake. Sauro akamutora zuva iro, akasada kumutendera kudzokera kumusha kwake, kumba kwababa vake. Zvino Jonatani akaita sungano naDhavhidhi, nokuti wakanga achimuda sezvaakanga achida mwoyo wake. Jonatani akabvisa nguo yaakanga akafuka, akaipa Dhavhidhi, nezvisimiro zvake, kunyange nomunondo wake, nouta hwake, nebanhire rake. Dhavhidhi akasienda kwose kwaaitumwa naSauro, akabata mabasa ose nokungwara; Sauro akamuita mukuru wavarume vehondo; zvikafadza vanhu vose uye navaranda vaSaurowo. Zvino vakati vachisvika pakudzoka kwaDhavhidhi pakuuraya muFirisitia, vakadzi vakabuda kumaguta ose avaIsiraeri vachiimba, vachitamba, kuzosangana namambo Sauro nengoma, nokufara uye nezvimwe zvokuridza. Vakadzi vakaimba vachibvumirana pakuridza kwavo, vakati, “Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake, Asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake.” Sauro akatsamwa kwazvo, shoko iri rikasamufadza, akati, “Vakapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini vakandipa zviuru zvoga; chaanoshaiwa zvino chinyiko, asi ushe hwoga?” Zvino kubva pazuva iro namazuva ose Sauro akachenjerera Dhavhidhi. Zvino fume mangwana mweya wakaipa, wakanga watumwa naMwari, ukauya pamusoro paSauro nesimba, iye akataura nokupenga mukati meimba yake; Dhavhidhi akaridza noruoko rwake sezvaaita zuva rimwe nerimwe; Sauro wakanga akabata pfumo muruoko rwake. Sauro akaposha pfumo, nokuti wakati, “Ndichabayira Dhavhidhi pamadziro.” Dhavhidhi akanzvenga kaviri pamberi pake. Sauro akatya Dhavhidhi, nokuti Jehovha wakanga abva kuna Sauro. Naizvozvo Sauro akamutamisa abve kwaari, akamuita mukuru wechiuru, akabuda nokupinda pakati pavanhu. Dhavhidhi akafamba nokungwara pazvose zvaakaita, Jehovha akava naye. Zvino Sauro wakati achiona kuti unofamba nokungwara kukuru, akamutya kwazvo. Asi vaIsiraeri vose navaJudha vose vakada Dhavhidhi, nokuti waibuda nokupinda pakati pavo.

1 Samueri 18:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Pakapedza Dhavhidhi kutaura naSauro, pakabva pamuka ushamwari chaihwoihwo hwapamwoyo pakati paJonatani naDhavhidhi. Jonatani akamuda sokuda kwaaizviita iye pachake. Sauro akamutora zuva iroro akamurambidza kudzokera kumusha kwababa vake. Jonatani akaita chitsidzirano naDhavhidhi pamusana pokuti aimuda sokuda kwaaizviita iye pachake. Jonatani akabvisa gemenzi rake raaiva akapfeka, akapa Dhavhidhi nechidemataure chokuzvidzivirira nacho muhondo kunyangewo nebakatwa rake nouta hwake nebhande rake. Dhavhidhi aibudirira kupi nokupi zvako kwaainge atumwa naSauro. Saurowo ndokubva amuita mutungamiriri wavarwi vehondo. Izvi zvakafadza vanhu vose namakurukota aSauro. Pavakanga vachidzokera kumusha, Dhavhidhi abva mukuuraya muFirisitia uya, vakadzi vakabuda mumaguta ose eIsiraeri vachiimba vaine vamwe vaitamba kuzochingura mambo Sauro vaine ngoma, vachipembera kufara vaine zvimwewo zvairidzwa. Vakadzi ava vachidairana vachipembera kufara vachiti, “Sauro wakauraya zviuru asi Dhavhidhi makumi namakumi ezviuru.” Izvi hazvina kufadza Sauro, akatsamwa kwazvo nezvaitaurwa. Akati, “Heya vava kutopa zvavo Dhavhidhi makumi namakumi ezviuru nhai? Ini vachindipa zviuru chete? Chavasara kumupa zvino ipapa chii, umamboka chete?” Kubvira musi iwoyo Sauro akabva avakuitira Dhavhidhi shanje. Ramangwana racho mweya wakaipa wakabva kuna Mwari ukawira Sauro ukamupengesa mumba make imomo. Dhavhidhi akanga achiridza dimbwa samazuva ose, izvozvo Sauro pfumo riri mumaoko. Sauro akakanda Dhavhidhi pfumo achiti regai ndimubayirire naro kumadziro, Dhavhidhi akaita zvokurinzvenga ruviri rwose. Sauro akanga ava kutya Dhavhidhi nokuti Tenzi akanga aina Dhavhidhi, asiya Sauro. Nokudaro Sauro akaendesa Dhavhidhi kure naye akamuita mutungamiriri wechiuru. Dhavhidhi ndiye aitungamirira vanhu vacho. Aibudirira mune zvose zvaaiita nokuti Tenzi aiva naye. Sauro paakaona kuti Dhavhidhi ari kubudirira zvikuru kwazvo, akamutya. Asi vaIsiraeri vose novokwaJudha vaimuda nokuti aivatungamirira.

1 Samueri 18:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino wakati apedza kutaura naSauro, mŋoyo waJonatani ukanamatira mŋoyo waDavidi, Jonatani akamuɗa seɀaakaŋga aciɗa mŋoyo wake. Sauro akamutora zuʋa iro, akasaɗa kumutendera kudzokera kumusha kwake, kumba kwaɓaɓa ʋake. Ɀino Jonatani akaita suŋgano naDavidi, nokuti wakaŋga acimuɗa seɀaakaŋga aciɗa mŋoyo wake. Jonatani akabvisa ŋguʋo yaakaŋga akafuka, akaipa Davidi, neɀisimiro ɀake, kunyaŋge nomunondo wake, noʋuta bgake, nebanhire rake. Davidi akasienda kwose kwaaitumŋa naSauro, akaɓata maɓasa ose nokuŋgwara; Sauro akamuita mukuru waʋarume ʋehondo; ɀikafadza ʋanhu ʋose ʋuye naʋaranda ʋaSauro ʋo. Ɀino ʋakati ʋaciȿika pakudzoka kwaDavidi pakuʋuraya muFiristia, ʋakadzi ʋakaɓuɗa kumaguta ose aʋaIsraeri ʋaciimba, ʋacitamba, kuzosoŋgana namambo Sauro neŋgoma, nokufara, ʋuye neɀimŋe ɀokuridza. Ʋakadzi ʋakaimba ʋacibvumirana pakuridza kwaʋo, ʋakati: Sauro wakaʋuraya ɀuru ɀamazana ake, Asi Davidi makumi eɀuru ɀamazana ake. Sauro akatsamŋa kwaɀo, shoko iri rikasamufadza, akati: Ʋakapa Davidi makumi eɀuru ɀamazana, asi ini ʋakandipa ɀuru ɀoga; caanoshaiwa ɀino cinyiko, asi ʋushe bgoga? Ɀino kubva pazuʋa iro namazuʋa ose Sauro akacenjerera Davidi. Ɀino fume maŋgwana mŋeya wakaipa, wakaŋga watumŋa naMŋari, ukaʋuya pamsoro paSauro nesimba, iye akataura nokupeŋga mukati meimba yake; Davidi akaridza noruʋoko rwake seɀaaiita zuʋa rimŋe nerimŋe; Sauro wakaŋga akaɓata pfumo muruʋoko rwake. Sauro akaposha pfumo, nokuti wakati: Ndicaɓayira Davidi pamadziro. Davidi akanɀeŋga kaʋiri pamberi pake. Sauro akatya Davidi, nokuti Jehova wakaŋga anaye, asi wakaŋga abva kunaSauro. Naiɀoɀo Sauro akamutamisa abve kwaari, akamuita mukuru wecuru, akaɓuɗa nokupinda pakati paʋanhu. Davidi akafamba nokuŋgwara paɀose ɀaakaita, Jehova akaʋa naye. Ɀino Sauro wakati aciʋona kuti unofamba nokuŋgwara kukuru, akamutya kwaɀo. Asi ʋaIsraeri ʋose naʋaJuda ʋose ʋakaɗa Davidi, nokuti waiɓuɗa nokupinda pakati paʋo.

1 Samueri 18:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)