Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 18:1-16

1 Samueri 18:1-16 BDSC

Dhavhidhi akati apedza kutaura naSauro, Jonatani akanamatirana naDhavhidhi mumweya, uye akamuda sezvaaizvida iye. Kubva pazuva iroro, Sauro akachengeta Dhavhidhi uye haana kuzomutendera kuti adzokere kumba kwababa vake. Uye Jonatani akaita sungano naDhavhidhi nokuti aimuda sezvaaizvida iye. Jonatani akakurura nguo yaakanga akapfeka akaipa kuna Dhavhidhi, pamwe chete nechunika yake, uye kunyange munondo wake, uta hwake nebhanhire rake. Chimwe nechimwe chaaitumwa naSauro kuti aite, Dhavhidhi aizviita nomazvo chaizvo zvokuti Sauro akazomupa chinzvimbo chapamusoro-soro muhondo. Izvi zvakafadza vanhu vose, uye namachinda aSaurowo. Varume vakati vodzoka kumba, mushure mokunge Dhavhidhi auraya muFiristia, vakadzi vakabuda kundochingamidza Mambo Sauro vachibva kumaguta ose eIsraeri vachiimba, vachitamba nziyo dzomufaro, namatambureni nenyere. Pavaitamba, vaiimba vachiti: “Sauro akauraya zviuru zvamazana ake, naDhavhidhi makumi ezviuru zvamazama ake.” Sauro akatsamwa zvikuru; kuimba uku kwakamutsa hasha dzake akati, “Vapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini zviuru chete. Chimwe chii chaangawana kunze kwoumambo?” Kubva panguva iyoyo Sauro akatarira Dhavhidhi neziso rine godo. Fume mangwana, mweya wakaipa wakabva kuna Mwari wakauya nesimba pamusoro paSauro. Akanga achiprofita ari mumba make, Dhavhidhi achiridza mbira, sezvaaisiita nguva dzose. Sauro akanga ane pfumo muruoko rwake, uye akaripotsera, achiti mumwoyo make, “Ndichabayira Dhavhidhi kumadziro.” Asi Dhavhidhi akamunzvenga kaviri kose. Sauro akanga achitya Dhavhidhi, nokuti Jehovha akanga anaye asi akanga abva kuna Sauro. Saka akamuendesa kure naye uye akamuita kuti ave mukuru wechiuru chavarwi, uye Dhavhidhi akatungamirira varwi muhondo dzavo. Pazvinhu zvose zvaaiita aibudirira zvikuru kwazvo, nokuti Jehovha akanga anaye. Sauro akati achiona kuti Dhavhidhi aibudirira sei, akamutya. Asi vaIsraeri navaJudha vose vaida Dhavhidhi, nokuti akavatungamirira muhondo dzavo.