Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 18:1-16

1 Samueri 18:1-16 SCLB

Pakapedza Dhavhidhi kutaura naSauro, pakabva pamuka ushamwari chaihwoihwo hwapamwoyo pakati paJonatani naDhavhidhi. Jonatani akamuda sokuda kwaaizviita iye pachake. Sauro akamutora zuva iroro akamurambidza kudzokera kumusha kwababa vake. Jonatani akaita chitsidzirano naDhavhidhi pamusana pokuti aimuda sokuda kwaaizviita iye pachake. Jonatani akabvisa gemenzi rake raaiva akapfeka, akapa Dhavhidhi nechidemataure chokuzvidzivirira nacho muhondo kunyangewo nebakatwa rake nouta hwake nebhande rake. Dhavhidhi aibudirira kupi nokupi zvako kwaainge atumwa naSauro. Saurowo ndokubva amuita mutungamiriri wavarwi vehondo. Izvi zvakafadza vanhu vose namakurukota aSauro. Pavakanga vachidzokera kumusha, Dhavhidhi abva mukuuraya muFirisitia uya, vakadzi vakabuda mumaguta ose eIsiraeri vachiimba vaine vamwe vaitamba kuzochingura mambo Sauro vaine ngoma, vachipembera kufara vaine zvimwewo zvairidzwa. Vakadzi ava vachidairana vachipembera kufara vachiti, “Sauro wakauraya zviuru asi Dhavhidhi makumi namakumi ezviuru.” Izvi hazvina kufadza Sauro, akatsamwa kwazvo nezvaitaurwa. Akati, “Heya vava kutopa zvavo Dhavhidhi makumi namakumi ezviuru nhai? Ini vachindipa zviuru chete? Chavasara kumupa zvino ipapa chii, umamboka chete?” Kubvira musi iwoyo Sauro akabva avakuitira Dhavhidhi shanje. Ramangwana racho mweya wakaipa wakabva kuna Mwari ukawira Sauro ukamupengesa mumba make imomo. Dhavhidhi akanga achiridza dimbwa samazuva ose, izvozvo Sauro pfumo riri mumaoko. Sauro akakanda Dhavhidhi pfumo achiti regai ndimubayirire naro kumadziro, Dhavhidhi akaita zvokurinzvenga ruviri rwose. Sauro akanga ava kutya Dhavhidhi nokuti Tenzi akanga aina Dhavhidhi, asiya Sauro. Nokudaro Sauro akaendesa Dhavhidhi kure naye akamuita mutungamiriri wechiuru. Dhavhidhi ndiye aitungamirira vanhu vacho. Aibudirira mune zvose zvaaiita nokuti Tenzi aiva naye. Sauro paakaona kuti Dhavhidhi ari kubudirira zvikuru kwazvo, akamutya. Asi vaIsiraeri vose novokwaJudha vaimuda nokuti aivatungamirira.