Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Samueri 18

18
Kuɗana kwaJonatani naDavidi.
1Ɀino wakati apedza kutaura naSauro, mŋoyo waJonatani ukanamatira mŋoyo waDavidi, Jonatani akamuɗa seɀaakaŋga aciɗa mŋoyo wake. 2Sauro akamutora zuʋa iro, akasaɗa kumutendera kudzokera kumusha kwake, kumba kwaɓaɓa ʋake. 3Ɀino Jonatani akaita suŋgano naDavidi, nokuti wakaŋga acimuɗa seɀaakaŋga aciɗa mŋoyo wake. 4Jonatani akabvisa ŋguʋo yaakaŋga akafuka, akaipa Davidi, neɀisimiro ɀake, kunyaŋge nomunondo wake, noʋuta bgake, nebanhire rake. 5Davidi akasienda kwose kwaaitumŋa naSauro, akaɓata maɓasa ose nokuŋgwara; Sauro akamuita mukuru waʋarume ʋehondo; ɀikafadza ʋanhu ʋose ʋuye naʋaranda ʋaSauro ʋo.
6Ɀino ʋakati ʋaciȿika pakudzoka kwaDavidi pakuʋuraya muFiristia, ʋakadzi ʋakaɓuɗa kumaguta ose aʋaIsraeri ʋaciimba, ʋacitamba, kuzosoŋgana namambo Sauro neŋgoma, nokufara, ʋuye neɀimŋe ɀokuridza. 7Ʋakadzi ʋakaimba ʋacibvumirana pakuridza kwaʋo, ʋakati:
Sauro wakaʋuraya ɀuru ɀamazana ake,
Asi Davidi makumi eɀuru ɀamazana ake.
8Sauro akatsamŋa kwaɀo, shoko iri rikasamufadza, akati: Ʋakapa Davidi makumi eɀuru ɀamazana, asi ini ʋakandipa ɀuru ɀoga; caanoshaiwa ɀino cinyiko, asi ʋushe bgoga? 9Ɀino kubva pazuʋa iro namazuʋa ose Sauro akacenjerera Davidi.
10Ɀino fume maŋgwana mŋeya wakaipa, wakaŋga watumŋa naMŋari, ukaʋuya pamsoro paSauro nesimba, iye akataura nokupeŋga mukati meimba yake; Davidi akaridza noruʋoko rwake seɀaaiita zuʋa rimŋe nerimŋe; Sauro wakaŋga akaɓata pfumo muruʋoko rwake. 11Sauro akaposha pfumo, nokuti wakati: Ndicaɓayira Davidi pamadziro. Davidi akanɀeŋga kaʋiri pamberi pake. 12Sauro akatya Davidi, nokuti Jehova wakaŋga anaye, asi wakaŋga abva kunaSauro. 13Naiɀoɀo Sauro akamutamisa abve kwaari, akamuita mukuru wecuru, akaɓuɗa nokupinda pakati paʋanhu. 14Davidi akafamba nokuŋgwara paɀose ɀaakaita, Jehova akaʋa naye. 15Ɀino Sauro wakati aciʋona kuti unofamba nokuŋgwara kukuru, akamutya kwaɀo. 16Asi ʋaIsraeri ʋose naʋaJuda ʋose ʋakaɗa Davidi, nokuti waiɓuɗa nokupinda pakati paʋo.
Davidi unowana Mikari, mukunda waSauro.
17Ɀino Sauro akati kunaDavidi: Tarira, mukunda waŋgu mukuru Merabi, ndicakupa iye aʋe mukadzi wako; asi iwe uʋe mhare yaŋgu, urwe hondo dzaJehova. Nokuti Sauro wakati: Ruʋoko rwaŋgu ŋgarurege kumuʋuraya, asi maʋoko aʋaFiristia ŋgaamuʋuraye. 18Davidi akati kunaSauro: Ini ndini aniko, noʋupenyu bgaŋgu cinyiko, kana imba yaɓaɓa ʋaŋgu pakati paIsraeri, kuti ndiʋe mukwambo wamambo? 19Asi ŋguʋa iyo Merabi mukunda waSauro yaaifanira kupiwa Davidi, iye akapiwa Adrieri muMehorati, aʋe mukadzi wake. 20Ɀino Mikari mukunda waSauro, wakaŋga aciɗa Davidi; ʋakaʋudza Sauro, akafara naɀo. 21Ipapo Sauro akati: Ndicamupa iye, aʋe musuŋgo kwaari, ʋuye kuti ʋaFiristia ʋarwe naye. Naiɀoɀo Sauro akati kunaDavidi: Nhasi ucaʋa mukwambo waŋgu rwecipiri. 22Ipapo Sauro akaraira ʋaranda ʋake, akati: Tauriranai naDavidi pakaʋanda, muti: Tarira, mambo unokufarira, naʋaranda ʋake ʋose ʋanokuɗa; naiɀoɀo ɀino ciʋa mukwambo wamambo. 23Ʋaranda ʋaSauro ʋakataura mashoko iwayo munzeʋe dzaDavidi. Davidi akati: Imi munoti ɀitete here kuʋa mukwambo wamambo, ɀandiri murombo haŋgu usiŋgakudzwi? 24Ʋaranda ʋaSauro ʋakamuʋudza ʋakati: Davidi wataura mashoko okuti. 25Sauro akati: Muti kunaDavidi: Mambo haatȿaki kuroʋorerwa, asi ɀikanda ɀapamberi ɀinezana ɀaʋaFiristia, kuti mambo atsiʋe ʋaʋeŋgi ʋake. Asi Sauro wakafuŋga kuʋurayisa Davidi naʋaFiristia. 26Ɀino ʋaranda ʋake ʋakati ʋaciʋudza Davidi mashoko iwayo, Davidi akafara kuʋa mukwambo wamambo. Ɀino mazuʋa asati apera, 27Davidi akasimuka, akaenda iye naʋanhu ʋake, akaʋuraya ʋarume ʋanamazana maʋiri aʋaFiristia; Davidi akaʋuya neɀikanda ɀaʋo ɀapamberi, akaɀipa ɀiri ɀose kunamambo, kuti aʋe mukwambo wamambo. Ipapo Sauro akamupa Mikari mukunda wake, aʋe mukadzi wake. 28Naiɀoɀo Sauro akaziʋa nokuʋona kuti Jehova unaDavidi; Mikari mukunda waSauro akamuɗa. 29Sauro akanyanya kutya Davidi; Sauro akaramba aciʋeŋga Davidi.
30Ɀino macinda aʋaFiristia akaɓuɗa; ŋguʋa dzose kana ʋoɓuɗa, Davidi akakunda ʋamŋe ʋaranda ʋose ʋaSauro pakuŋgwara; naiɀoɀo zita rake rikakurumbira kwaɀo.

Zvasarudzwa nguva ino

I Samueri 18: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda