1 Samueri 16:16
1 Samueri 16:16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino tenzi wedu ngaatiraire isu varanda venyu vari pamberi penyu, kuti titsvake munhu unoziva kuridza mbira kwazvo; zvino kana mweya wakaipa, unotumwa naMwari, uchiuya pamusoro penyu, iye aridze noruoko rwake, mupore.
1 Samueri 16:16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ishe ngaarayire varanda vake vari pano kuti vatsvake mumwe munhu anogona kuridza mbira. Acharidza kana mweya wakaipa unobva kuna Mwari wauya pamusoro penyu, uye imi muchanzwa zviri nani.”
1 Samueri 16:16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Changamire. Dai zvenyu mukati isu varanda venyu, iyesu vokukushandirai, tikutsvakirei munhu anonyatsogona kuridza dimbwa wokuti kana mweya wakaipa wakabva kuna Tenzi uchinge wauya pamuri apote achiriridza imi mova zvenyu nani.”
1 Samueri 16:16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino tenzi weɗu ŋgaatiraire isu ʋaranda ʋenyu ʋari pamberi penyu, kuti titȿake munhu unoziʋa kuridza mbira kwaɀo; ɀino kana mŋeya wakaipa, unotumŋa naMŋari, aciʋuya pamsoro penyu, iye aridze noruʋoko rwake, mupore.
1 Samueri 16:16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)