I Samueri 16
16
Samueri unozodza Davidi.
1Ɀino Jehova wakati kunaSamueri: Ucacema Sauro kuȿikira riniko, ɀandakamuramba ini, kuti arege kuʋa mambo waIsraeri? Zadza gonaŋombe rako namafuta, uende, ndikutume kunaJese muBeti‐rehemi; nokuti ndakaɀitȿakira mambo pakati paʋana ʋake. 2Samueri akati: Ndiŋgaenda seiko? Kana Sauro akaɀinzwa, ucandiʋuraya. Jehova akati: Enda netsiru, uti: Ndaʋuya kuzoɓayira Jehova. 3Ɀino uɗane Jese aʋuye kuciɓayiro, ini ndicakuziʋisa ɀaunofanira kuita, ugondizodzera wandicakuratidza. 4Samueri akaita ɀakataurwa naJehova, akaenda Beti‐rehemi. Ʋakuru ʋeguta ʋakandosoŋgana naye, ʋacibvunda, ʋakati: Maʋuya norugare here? 5Akati: Hoŋo, norugare; ndaʋuya kuzoɓayira Jehova, muɀinatsei, muende neni kundoɓayira. Ipapo akanatsa Jese naʋanakomana ʋake, akaʋaɗana kuciɓayiro. 6Ɀino ʋakati ʋaȿika, akatarira Eriabi, akati: Ɀirokwaɀo, muzodzwa waJehova uri pamberi pake. 7Asi Jehova wakati kunaSamueri: Usatarira ciso cake, kana mumhu wake, nokuti ndamuramba; nokuti Jehova haaʋoni somunhu, nokuti munhu unotarira ɀiri kunze, asi Jehova unotarira ɀiri pamŋoyo. 8Ɀino Jese akaɗana Abinadabi, akamupfuʋudza pamberi paSamueri. Akati: Kunyaŋge noyuyu Jehova haana‐kumutsaura. 9Ɀino Jese akapfuʋudza Shama. Akati: Noyuyu Jehova haana‐kumutsaura. 10Jese akapfuʋudza ʋanomŋe ʋaʋanakomana ʋake pamberi paSamueri. Samueri akati kunaJese: Jehova haanakutsaura aʋa. 11Ɀino Samueri akati kunaJese: Ʋana ʋako ʋari pano ʋose here? Akati: Muɗuku kunaʋose ndiye wasara; tarirai unorisa makwai. Samueri akati kunaJese: Tuma munhu amutore, nokuti hatiŋgagari pakudya kuȿika iye aʋuya pano. 12Akatuma munhu, akapinda naye. Ɀino wakaŋga ari mutȿuku, akanaka kumeso, anomuʋiri wakanaka. Jehova akati: Simuka, umuzodze, nokuti ndiye. 13Ipapo Samueri akatora gonaŋombe ramafuta, akamuzodza pakati pehama dzake. Mŋeya waJehova akaʋuya pamsoro paDavidi nesimba, kubva pazuʋa iro ɀicienda mberi. Ɀino Samueri akasimuka, akaenda Rama.
Davidi unonyaradza mŋeya waSauro.
14Ɀino Mŋeya waJehova wakaŋga abva kunaSauro, mŋeya wakaipa, wakaŋga watumŋa naJehova, ukamuvundusa. 15Ʋaranda ʋaSauro ʋakati kwaari: Tarirai ɀino, mŋeya wakaipa, wakatumŋa naMŋari, unokuvundusai. 16Ɀino tenzi weɗu ŋgaatiraire isu ʋaranda ʋenyu ʋari pamberi penyu, kuti titȿake munhu unoziʋa kuridza mbira kwaɀo; ɀino kana mŋeya wakaipa, unotumŋa naMŋari, aciʋuya pamsoro penyu, iye aridze noruʋoko rwake, mupore. 17Sauro akati kuʋaranda ʋake: Cinditȿakirai munhu unogona kuridza ɀakanaka, muʋuye naye kwandiri. 18Ɀino mumŋe wamajaya akapindura, akati: Tarirai, ndakaʋona mŋanakomana waJese muBeti‐rehemi unoziʋa kuridza kwaɀo, munhu unesimba noʋumhare, murwi, wakacenjera pakutaura, munhu wakanaka, ʋuye Jehova unaye. 19Naiɀoɀo Sauro akatuma nhume kunaJese, akati: Nditumire mŋanakomana wako Davidi, uri kumakwai. 20Jese akatora mboŋgoro, akaitakudza ciŋgwa, neɗende rewaini, nembudzana, akaɀituma kunaSauro nomŋanakomana wake Davidi. 21Davidi akaȿika kunaSauro, akamira pamberi pake; iye akamuɗa kwaɀo, akaʋa muɓati wenhumbi dzake dzokurwa. 22Sauro akatuma shoko kunaJese, akati: Tendera hako Davidi amire pamberi paŋgu, nokuti ndinomufarira kwaɀo. 23Ɀino ŋguʋa dzose kana mŋeya wakaipa, wakatumŋa naMŋari, uciʋuya pamsoro paSauro, Davidi ndokutora mbira, nokuridza noruʋoko rwake; Sauro akanyaradzwa, akapora, mŋeya wakaipa ndokubva kwaari.
Zvasarudzwa nguva ino
I Samueri 16: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018