1 Samueri 16:12-13
1 Samueri 16:12-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka akatuma munhu kuti andouya naye. Akanga ari mutsvuku, ane chiso chakaisvonaka nechimiro chakanaka. Ipapo Jehovha akati, “Simuka umuzodze, nokuti ndiyeyu.” Saka Samueri akatora gonamombe ramafuta akamuzodza pamberi pamadzikoma ake, uye kubva pazuva iroro Mweya waJehovha wakauya pamusoro paDhavhidhi nesimba. Ipapo Samueri akaenda kuRama.
1 Samueri 16:12-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akatuma munhu, akapinda naye. Zvino wakanga ari mutsvuku, akanaka kumeso, ano muviri wakanaka. Jehovha akati, “Simuka, umuzodze, nokuti ndiye.” Ipapo Samueri akatora gonamombe ramafuta, akamuzodza pakati pehama dzake. Mweya waJehovha akauya pamusoro paDhavhidhi nesimba, kubva pazuva iro zvichienda mberi. Zvino Samueri akasimuka, akaenda Rama.
1 Samueri 16:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokudaro akatumira munhu akauya naye. Wakanga akati tsvukurukei aine maziso anoyevedza ane chimiro chakanaka kwazvo. Tenzi ndokuti, “Simuka uzodze iyeyu ndiyeyu wacho.” Samueri akatora nyanga izere mafuta akamuzodza pakati pavakoma vake. Mweya waTenzi wakabvawo wauya zvine simba guru kwazvo pana Dhavhidhi kubvira musi iwoyo zvichienda mberi. Samueri akasimuka ndokudzokera zvake kuRama.
1 Samueri 16:12-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akatuma munhu, akapinda naye. Ɀino wakaŋga ari mutȿuku, akanaka kumeso, anomuʋiri wakanaka. Jehova akati: Simuka, umuzodze, nokuti ndiye. Ipapo Samueri akatora gonaŋombe ramafuta, akamuzodza pakati pehama dzake. Mŋeya waJehova akaʋuya pamsoro paDavidi nesimba, kubva pazuʋa iro ɀicienda mberi. Ɀino Samueri akasimuka, akaenda Rama.
1 Samueri 16:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)