1 Samueri 16:1-3
1 Samueri 16:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kuna Samueri, “Uchasvika riniko uchichema Sauro, sezvo ini ndakamuramba kuti asava mambo wavaIsraeri? Zadza gonamombe rako namafuta ugopinda munzira yako; ndiri kukutuma kuna Jese wokuBheterehema. Ndasarudza mumwe wavanakomana vake kuti ave mambo.” Asi Samueri akati, “Ndingaenda seiko? Sauro achanzwa nezvazvo akandiuraya.” Jehovha akati, “Tora tsiru uende naro ugondoti, ‘Ndauya kuzobayira kuna Jehovha.’ Ukoke Jese kuti auye kuchibayiro, uye ini ndichakuratidza zvokuita. Unofanira kundizodzera uyo wandichakuratidza.”
1 Samueri 16:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha wakati kuna Samueri, “Uchachema Sauro kusvikira riniko, zvandakamuramba ini, kuti arege kuva mambo waIsiraeri? Zadza gonamombe rako namafuta, uende, ndikutume kuna Jese muBheterehemu; nokuti ndakazvitsvakira mambo pakati pavana vake.” Samueri akati, “Ndingaenda seiko? Kana Sauro akazvinzwa, uchandiuraya.” Jehovha akati, “Enda netsiru, uti, ‘Ndauya kuzobayira Jehovha.’ Zvino udane Jese auye kuchibayiro, ini ndichakuzivisa zvaunofanira kuita, ugondizodzera wandichakuratidza.”
1 Samueri 16:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akati kuna Samueri, “Uchasvika riniko uchingochema Sauro iwe uchiona zvako kuti ndamuramba kuti ave mambo weIsiraeri? Zadza nyanga namafuta ndikutume uende kuna Jese muBheterehemu nokuti ndazviwanira mambo mukati mavana vake.” Samueri akati, “Ndingagoenda sei? Sauro akazvinzwa anondiuraya.” Tenzi ndokuti, “Tora tsiru mudanga uende naro unoti iwe, ‘Ndauya kuzopira chibayiro kuna Tenzi.’ Zvino iwe ukoke Jese kuchibayiro, ndichakuratidza zvokuita. Unozofanira kundizodzera wandinenge ndakuudza nezita.”
1 Samueri 16:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakati kunaSamueri: Ucacema Sauro kuȿikira riniko, ɀandakamuramba ini, kuti arege kuʋa mambo waIsraeri? Zadza gonaŋombe rako namafuta, uende, ndikutume kunaJese muBeti‐rehemi; nokuti ndakaɀitȿakira mambo pakati paʋana ʋake. Samueri akati: Ndiŋgaenda seiko? Kana Sauro akaɀinzwa, ucandiʋuraya. Jehova akati: Enda netsiru, uti: Ndaʋuya kuzoɓayira Jehova. Ɀino uɗane Jese aʋuye kuciɓayiro, ini ndicakuziʋisa ɀaunofanira kuita, ugondizodzera wandicakuratidza.
1 Samueri 16:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)