1 Samueri 12:23-25
1 Samueri 12:23-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana ndiri ini, ngazvive kure neni kuti nditadzire Jehovha nokurega kukunyengetererai. Uye ndichakudzidzisai nzira yakanaka uye yakarurama. Asi ityai Jehovha, mumushumire iye nokutendeka, nomwoyo wenyu wose; rangarirai zvinhu zvikuru zvaakakuitirai. Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa, imi namambo wenyu muchaparadzwa.”
1 Samueri 12:23-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana ndirini, Mwari ngaandibatsire ndirege kutadzira Jehovha pakurega kukunyengetererai imi, asi ndichakudzidzisai nzira yakanaka yakarurama. Asi ityai Jehovha, mumushumire nezvokwadi nemwoyo yenyu yose, nokuti rangarirai zvinhu zvikuru zvaakakuitirai. “Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa, muchaparadzwa, imi namambo wenyu.”
1 Samueri 12:23-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uyewo kana ndiri ini hazvimbofa zvakaitika kuti nditadzire Tenzi nechitadzo chokurega kukunamatirai, ndichikudzidzisai zvakanaka zvakarurama. Chenyu imi, kutya Tenzi, mumunamate nomwoyo wose, makatendeka nokuti munofanira kuyeuka zvinhu zvikuru zvaakakuitirai. Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa muchaparadzwa mose iyemi pamwechete namambo wenyu.”
1 Samueri 12:23-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana ndirini, Mŋari ŋgaandiɓatsire ndirege kutadzira Jehova pakurega kukunyeŋgetererai imi, asi ndicakudzidzisai nzira yakanaka yakarurama. Asi ityai Jehova, mumushumire neɀokwaɗi nemŋoyo yenyu yose, nokuti raŋgarirai ɀinhu ɀikuru ɀaakakuitirai. Asi kana mukaramba muciita ɀakaipa, mucaparadzwa, imi namambo wenyu.
1 Samueri 12:23-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)