1 Petro 5:1-14
1 Petro 5:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kuvakuru vari pakati penyu, ndinokumbira hangu somukuru pamwe chete nemi, nechapupu chamatambudziko aKristu, uye somumwewo achazogovana navo mukubwinya kuchazoratidzwa ndichiti: Ivai vafudzi veboka raMwari riri pasi penyu, muchibata savatariri, musingazviiti nokuroveredzwa, asi nokuda kwokuti munoda, sezvinodikanwa naMwari kuti muve; musingakariri mari, asi muchishingaira pakushanda; musingaremedzi vaya vakaiswa kwamuri, asi muve muenzaniso kuboka. Uye mufudzi mukuru paachaonekwa, muchapiwa korona yokubwinya isingaori. Saizvozvo, imi majaya, muzviise pasi pavaya vari vakuru. Imi mose, pfekai kuzvininipisa kuno mumwe nomumwe, nokuti, “Mwari anodzivisa vanozvikudza asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.” Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira. Kandai paari kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai. Muzvidzore uye musvinure. Muvengi wenyu dhiabhori anofamba-famba achiomba seshumba inotsvaka waingadya. Mumudzivise, mumire makasimba mukutenda, nokuti munoziva kuti hama dzenyu munyika yose dziri kutambudzika saizvozvo. Uye Mwari wenyasha dzose, akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, mushure mokumbotambudzika kwechinguva chiduku, achakuponesai uye achakusimbisai, agokumisai zvakasimba uye agokutsigisai. Ngaave nesimba nokusingaperi-peri. Ameni. Ndakakunyorerai muchidimbu ndichibatsirwa naSirasi hama yangu yakatendeka, ndichikukurudzirai uye ndichipupura kuti idzi ndidzo nyasha dzaMwari dzechokwadi. Mirai makasimba madziri. Kereke iri muBhabhironi, yakasanangurwa pamwe chete nemi, inokukwazisai, uye mwanakomana wangu Mako anokukwazisaiwo. Kwazisanai nokutsvodana kworudo.
1 Petro 5:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo ndinorayira vakuru pakati penyu, ini mukuru pamwechete navo nechapupu chamadambudziko aKristu, nomugovani nawo wokubwinya kuchazoratidzwa, ndichiti: Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, musingazviiti nokurovererwa, asi nomwoyo unoda nokuda kwaMwari, musingazviiti nokuda kwokukarira pfuma yakaipa; musingaiti nesimba nezvamakagoverwa, asi muve vatungamiriri veboka. Kana Mufudzi mukuru achizoonekwa, muchawana korona yokubwinya isingasvavi. Saizvozvo imi vaduku, muzviise pasi pavakuru, nemi mose pfekai kuzvininipisa mumwe kune mumwe, nokuti Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa. Naizvozvo zvininipisei pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti akukudzei nenguva yakafanira; kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye anokuchengetai. Svinurai, murinde; muvengi wenyu Dhiabhori, anofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza. Mumudzivisei, makamira nesimba pakutenda, muchiziva kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika. Zvino Mwari wenyasha dzose, iye akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, kana mambotambudzika kanguva kaduku, achakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai, nokukuteyai. Ngaave nesimba nokusingaperiperi. Ameni. Ndakakunyorerai mashoko mashomanene naSirivhano, hama yakatendeka pakufunga kwangu, ndichirayira, nokupupura kuti idzi ndidzo nyasha dzechokwadi dzaMwari; mirai madziri. Kereke iri muBhabhironi, yakasanangurwa pamwechete nemi, naMako, mwanakomana wangu, vanokukwazisai. Kwazisanai nokutsvoda kworudo. Rugare ngaruve nemi mose muri muna Kristu.
1 Petro 5:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo ndinokurudzira vakuru–vakuru pakati penyu somumwe wavakuru–vakuruwo uye somupupuri wamatambudziko aKristu uyewo somumwe waavo vachawana mugove mumbiri icharatidzwa. Fudzai danga raMwari rakaiswa mumaoko menyu, kwete sokunge munomanikidzwa asi nomwoyo unoda, kwete pamusana pokuda kuzvipfumisa zvinonyadzisa asi muchitozvifarira. Musaite zvechisimba navari pasi penyu asi mukutova muenzaniso kudanga iroro. Kana mufudzi mukuru wooneswa, muchawana ndaza isingabhuruvari yembiri. Naizvozvowo nemi vadiki vacho ivai pasi pavakuru–vakuru. Pfekai mose kuzvidukupisa mumwe achizvininipisa kune mumwe nokuti Mwari anorwisana navanozvikudza achitsigira nenyasha vanozvininipisa. Nokudaro zvininipisei pasi poruoko rwaMwari rune simba kuti nenguva yakafanira azokupembedzai zvikuru. Turirai zvinokudyai mwoyo zvose kwaari nokuti anehanya nemi. Garai makagadzikana makarindira, mhandu yenyu Satani anobvongodza kose kose seshumba inodzvova ichitsvaka waingadye. Murwisei, makasimba muchitendero chenyu, muchiziva kuti kutambudzika kumwecheteko kunofanira kutirirwa nevehama pasi pose. Mushure mokunge mambotambudzika kwechinguva, Mwari wenyasha dzose, iye akakudaidzai kumbiri yake isingaperi muna Kristu, iye pachake achakudzorerai kuva zvamunofanira kunge muri, mudzike midzi, achikusimbisai. Iye ngaave noumambo narini narini. Ameni. Ndakunyorerai muchidimbu ndichibatsirwa naSirivhanusi, hama yakatendeka sokuona kwangu, ndichikukuridzirai ndichitaura pachena kuti idzi inyasha dzaMwari chaidzo; rambai makasimba madziri. Sangano revekuBhabhironi rakasarudzwawo semi rinokukwazisai uyewo Mako mwana wangu anokukwazisai. Kwazisanai nokutsvodana kworudo rwechikristu. Rugare ngaruve nemi mose muna Kristu.
1 Petro 5:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ndinoraira ʋakuru pakati penyu, ini mukuru pamŋe cete naʋo necapupu camaɗambudziko aKristu, nomugoʋani naʋo wokubginya kucazoratidzwa, ndiciti: Fudzai ɓoka raMŋari riri pakati penyu, musiŋgaɀiiti nokuroʋererwa, asi nomŋoyo unoɗa nokuɗa kwaMŋari, musiŋgaɀiiti nokuɗa kwokukarira fuma yakaipa; musiŋgaiti nesimba neɀamakagoʋerwa, asi muʋe ʋatuŋgamiriri ʋeɓoka. Kana Mufudzi mukuru acizoʋonekwa, mucawana korona yokubginya isiŋgaȿaʋi. Saiɀoɀo imi ʋaɗuku, muɀiise pasi paʋakuru, nemi mose pfekai kuɀininipisa mumŋe kunomumŋe, nokuti Mŋari unodziʋisa ʋanoɀikudza, asi unopa nyasha ʋanoɀininipisa. Naiɀoɀo ɀininipisei pasi poruʋoko runesimba rwaMŋari, kuti akukudzei neŋguʋa yakafanira; kandirai pamsoro pake kufuŋganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuceŋgetai. Ȿinurai, murinde; muʋeŋgi wenyu Diaborosi, unofamba‐famba seshumba inorira, icitȿaka waiŋgaparadza. Mumudziʋisei, makamira nesimba pakutenda, muciziʋa kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika. Ɀino Mŋari wenyasha dzose, iye wakakuɗanirai kukubginya kwake kusiŋgaperi munaKristu, kana mambotambudzika kaŋguʋa kaɗuku, ucakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai, nokukuteyai. Ŋgaaʋe nesimba nokusiŋgaperi‐peri. Ameni. Ndakakunyorerai mashoko mashomanene naSirvano, hama yakatendeka pakufuŋga kwaŋgu, ndiciraira, nokupupura kuti idzi ndidzo nyasha dzaɀokwaɗi dzaMŋari; mirai madziri. Kereke iri muBabironi, yakasanaŋgurwa pamŋe cete nemi, naMarko, mŋanakomana waŋgu, ʋanokukwazisai. Kwazisanai nokuȿeta kworuɗo. Rugare ŋgaruʋe nemi mose muri munaKristu.
1 Petro 5:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)