Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 18:30-39

1 Madzimambo 18:30-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Eria akati kuvanhu vose, “Uyai kuno kwandiri.” Vakauya kwaari, iye akagadzira aritari yaJehovha yakanga yaputswa. Eria akatora mabwe gumi namaviri, rimwe chete rakamirira rudzi rumwe chete rwavanakomana vaJakobho, uyo akanga audzwa naJehovha kuti, “Zita rako richava Israeri.” Akashandisa mabwe aya kuvaka aritari muzita raJehovha, uye akachera mugero waipoteredza aritari wakanga wakakura zvokuti waikwana maseya maviri embeu. Akaronga huni, akacheka hando kuita zvidimbu zvidimbu, akaiisa pamusoro pehuni. Ipapo akati kwavari, “Zadzai zvirongo zvikuru zvina nemvura mugoidira pamusoro pechipiriso napamusoro pehuni.” Akati, “Pamhidzai zvakare,” ivo vakapamhazve. Akatizve, “Pamhidzai kechitatu.” Mvura yakaerera ichipoteredza aritari ikazadzawo nomugero. Panguva yechibayiro, muprofita Eria akaenda pamberi akanamata akati, “Haiwa Jehovha, Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri, ngazvizivikanwe nhasi kuti ndimi Mwari munyika yeIsraeri uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uyewo kuti ndaita zvinhu zvose izvi sezvamakandirayira. Haiwa Jehovha, ndipindurei, ndipindurei, kuitira kuti vanhu ava vazive kuti imi, Jehovha, ndimi Mwari, uye kuti muri kudzora mwoyo yavo zvakare.” Ipapo moto waJehovha wakaburuka ukapisa chibayiro, nehuni namabwe nevhu, ukananzva mvura yose yaiva mumugero. Vanhu vose pavakaona izvi, vakawira pasi nezviso zvavo, vakadanidzira vachiti, “Jehovha ndiye Mwari! Jehovha ndiye Mwari!”

1 Madzimambo 18:30-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Eriya akati kuvanhu vose zvavo, “Chiswederai kuno kwandiri.” Vanhu vose vakaswederawo kwaari akabva avakiridza atari yaTenzi yakanga yapunzwa. Eriya akatora matombo gumi namaviri anoenderana namadzinza avanakomana vaJakobho vaya vokunzi neshoko raTenzi, “Zita rako rava kunzi Isiraeri.” Namatombo iwayo akavakira Tenzi atari. Akachera mugero kutenderera atari iyi waiva wakakura zvokutokwana bhagidhi rembesanwa. Akaronga huni akachekacheka handira iyoyo ndokuironga pamusoro pehuni dziya akati, “Zadzai zvirongo zvina nemvura mudire pamupiro wokupisa napahuni.” Akatizve, “Dirai rwechipiri” ndokubva vadirazve rwechipiri. Akati “Itaizve kechitatu. Ndokubva vadirawo rwechitatu.” Mvura yakaerera kutenderera atari yose mugero ukati tuba kuzara nemvura. Kuzoti zvino nguva yokupira chibayiro yasvika muporofita Eriya asvederapo ndokuti, “Tenzi, Mwari waAbhurahamu naIsaki naIsiraeri, ngazvizivike nhasi uno kuti ndimi Mwari muIsiraeri uye kuti ini ndiri muranda wenyu uyewo kuti zvose zvandakaita ndatozviita zvabva mumuromo menyu. Ndipindureiwo Tenzi mundidavire kuitira kuti vanhu ava vazive kuti imi Tenzi ndimi Mwari uyewo kuti ndimi munotendeutsa mwoyo yavo.” Moto waTenzi wakatozomoka ukaroromesa chibayiro chokupisa ichocho, ukaroromesa huni, namatombo nevhu, ukananzva mvura yakanga iri mumugero. Vanhu vose pavakazviona vakati pasi gwadagwa nouso vachiti, “Tenzi ndiye Mwari, Tenzi ndiye Mwari.”

1 Madzimambo 18:30-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ipapo Eria akati kuʋanhu ʋose: Sweɗerai kwandiri; ʋanhu ʋose ʋakasweɗera kwaari. Ɀino wakagadzira artari yaJehova yakaŋga yaputswa. Eria akatora mabge anegumi namaʋiri akaenzana namarudzi aʋana ʋaJakobo, iye, wakaŋga aʋudzwa naJehova, ɀicinzi: Zita rako ricanzi Israeri. Akaʋaka artari namabge iwayo nezita raJehova, akacera goroŋga rakakomba artari rakaŋga rakaenzana napaŋgadɀarwa ɀiyero ɀiʋiri ɀeɀiyo. Akaroŋga huni, akaguranya nzombe, akaiisa pamsoro pehuni, akati: Cizadzai ɀiroŋgo ɀinna nemvura, muiɗire pamsoro pecipiriso cinopiswa, napamsoro pehuni. Akati: Itai iɀoɀo rwecipiri, ʋakaɀiita rwecipiri. Akati: Itai iɀoɀo rwecitatu; ʋakaɀiita rwecitatu. Mvura ikayerera, ikapoteredza artari; akazadza negoroŋga ʋo nemvura. Neŋguʋa yokuɓayira cipo camaɗekwana, muprofita Eria akasweɗera, akati: Imi Jehova, Mŋari waAbrahama, nowaIsaka, nowaIsraeri, ŋgakuzikanwe nhasi kuti ndimi Mŋari pakati paIsraeri, ʋuye kuti ini ndiri muranda wenyu, ʋuye kuti ndakaita iɀi ɀose ndarairwa nemi. Ndinzwei Jehova, ndinzwei, kuti ʋanhu aʋa ʋaziʋe kuti imi Jehova ndimi Mŋari, ʋuye kuti ndimi makadzosa ɀe mŋoyo yaʋo. Ipapo mŋoto waJehova wakaɓuruka, ukapedza cipiriso cinopiswa, nehuni, namabge, neguruʋa, ukananɀa mvura yakaŋga iri mugoroŋga. Ʋanhu ʋose ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo, ʋakati: Jehova ndiye Mŋari, Jehova ndiye Mŋari!

1 Madzimambo 18:30-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)