Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 18:30-39

1 Madzimambo 18:30-39 SCLBD

Eriya akati kuvanhu vose zvavo, “Chiswederai kuno kwandiri.” Vanhu vose vakaswederawo kwaari akabva avakiridza atari yaTenzi yakanga yapunzwa. Eriya akatora matombo gumi namaviri anoenderana namadzinza avanakomana vaJakobho vaya vokunzi neshoko raTenzi, “Zita rako rava kunzi Isiraeri.” Namatombo iwayo akavakira Tenzi atari. Akachera mugero kutenderera atari iyi waiva wakakura zvokutokwana bhagidhi rembesanwa. Akaronga huni akachekacheka handira iyoyo ndokuironga pamusoro pehuni dziya akati, “Zadzai zvirongo zvina nemvura mudire pamupiro wokupisa napahuni.” Akatizve, “Dirai rwechipiri” ndokubva vadirazve rwechipiri. Akati “Itaizve kechitatu. Ndokubva vadirawo rwechitatu.” Mvura yakaerera kutenderera atari yose mugero ukati tuba kuzara nemvura. Kuzoti zvino nguva yokupira chibayiro yasvika muporofita Eriya asvederapo ndokuti, “Tenzi, Mwari waAbhurahamu naIsaki naIsiraeri, ngazvizivike nhasi uno kuti ndimi Mwari muIsiraeri uye kuti ini ndiri muranda wenyu uyewo kuti zvose zvandakaita ndatozviita zvabva mumuromo menyu. Ndipindureiwo Tenzi mundidavire kuitira kuti vanhu ava vazive kuti imi Tenzi ndimi Mwari uyewo kuti ndimi munotendeutsa mwoyo yavo.” Moto waTenzi wakatozomoka ukaroromesa chibayiro chokupisa ichocho, ukaroromesa huni, namatombo nevhu, ukananzva mvura yakanga iri mumugero. Vanhu vose pavakazviona vakati pasi gwadagwa nouso vachiti, “Tenzi ndiye Mwari, Tenzi ndiye Mwari.”