Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 18:30-39

1 Madzimambo 18:30-39 SNA2002

Ipapo Eria akati kuvanhu vose, “Swederai kwandiri;” vanhu vose vakaswedera kwaari. Zvino wakagadzira aritari yaJehovha yakanga yaputswa. Eria akatora mabwe ane gumi namaviri akaenzana namarudzi avana vaJakobho, iye, wakanga audzwa naJehovha, zvichinzi, “Zita rako richanzi Isiraeri.” Akavaka aritari namabwe iwayo nezita raJehovha, akachera goronga rakakomba aritari rakanga rakaenzana napangadzvarwa zviyero zviviri zvezviyo. Akaronga huni, akaguranya nzombe, akaiisa pamusoro pehuni, akati, “Chizadzai zvirongo zvina nemvura, muidire pamusoro pechipiriso chinopiswa, napamusoro pehuni.” Akati, “Itai izvozvo rwechipiri,” vakazviita rwechipiri. Akati, “Itai izvozvo rwechitatu;” vakazviita rwechitatu. Mvura ikayerera, ikapoteredza aritari; akazadza negorongawo nemvura. Nenguva yokubayira chipo chamadekwana, muporofita Eria akaswedera, akati, “Imi Jehovha, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaIsiraeri, uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uye kuti ndakaita izvi zvose ndarairwa nemi. Ndinzwei Jehovha, ndinzwei, kuti vanhu ava vazive kuti imi Jehovha ndimi Mwari, uye kuti ndimi makadzosazve mwoyo yavo.” Ipapo moto waJehovha wakaburuka, ukapedza chipiriso chinopiswa, nehuni, namabwe, neguruva, ukananzva mvura yakanga iri mugoronga. Vanhu vose vakati vachizviona, vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, “Jehovha ndiye Mwari, Jehovha ndiye Mwari!”