Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 18:15-24

1 Madzimambo 18:15-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Eria akati, “NaJehovha Wamasimba Ose mupenyu, wandinoshandira, zvirokwazvo ndichazvipira kuna Ahabhu nhasi.” Saka Obhadhia akaenda kundosangana naAhabhu akamuudza, uye Ahabhu akaenda kundosangana naEria. Paakaona Eria, akati kwaari, “Ndiwe here, iwe mutambudzi weIsraeri?” Eria akapindura akati, “Handina kuuyisa dambudziko kuIsraeri, asi imi nemhuri yenyu ndimi makadaro. Makasiya mirayiro yaJehovha mukatevera Bhaari. Zvino danai vanhu muIsraeri yose kuti vazosangana neni paGomo reKarimeri. Muuyewo namazana mana namakumi mashanu avaprofita vaBhaari namazana mana avaprofita vaAshera vanodya patafura yaJezebheri.” Saka Ahabhu akatuma shoko muIsraeri yose akaunganidza vaprofita paGomo reKarimeri. Eria akaenda pamberi pavanhu akati, “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira riniko? Kana Jehovha ari Mwari, muteverei; asi kana Bhaari ari Mwari, muteverei.” Asi vanhu havana chavakataura. Zvino Eria akati kwavari, “Ini chete pavaprofita vaJehovha ndini ndasara, asi Bhaari ane vaprofita mazana mana namakumi mashanu. Titorerei hando mbiri. Ivo ngavazvisarudzire yavo, uye ngavaicheke-cheke kuita zvidimbu zvidimbu vagoiisa pamusoro pehuni, asi havafaniri kudzitungidza nomoto. Ini ndichagadzira imwe hando yacho ndigoiisa pamusoro pehuni asi handizodzitungidzi nomoto. Ipapo mudane kuzita ramwari wenyu, uye ini ndichadana kuzita raJehovha. Mwari achapindura nomoto ndiye Mwari.” Ipapo vanhu vose vakati, “Zvawataura zvakanaka.”

1 Madzimambo 18:15-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Eria akati, “NaJehovha wehondo mupenyu, iye wandimire pamberi pake, ndichazviratidza kwaari nhasi zvirokwazvo.” Naizvozvo Obhadhiya akaenda kuna Ahabhi, akamuudza Ahabhi akandosangana naEria. Zvino Ahabhi wakati achiona Eria, Ahabhi akati kwaari, “Ndiwe here, iwe mutambudzi waIsiraeri?” Iye akati, “Ini handina kutambudza Isiraeri; asi ndiwe neimba yababa vako, nokuti makasiya mirairo yaJehovha, mukatevera vaBhaari. Naizvozvo zvino chituma vanhu uunganidze vaIsiraeri vose pagomo reKarimeri, navaporofita vaBhaari vana mazana mana vanodya patafura yaIzebheri.” Naizvozvo Ahabhi akatuma vanhu kuvana vaIsiraeri vose, akaunganidza vaporofita pagomo reKarimeri. Zvino Eria akaswedera kuvanhu vose, akati, “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira riniko? Kana Jehovha ari Mwari, mumutevere, kana ari Bhaari, mumutevere iye.” Asi vanhu havana kupindura shoko rimwe. Ipapo Eria akati kuvanhu, “Ini, iyeni ndoga, ndini ndasara kuvaporofita vaJehovha, asi vaporofita vaBhaari vanosvika varume vana mazana mana namakumi mashanu.” Naizvozvo ngavatipe nzombe mbiri, ivo vazvitsaurire nzombe imwe, vaiguranye, vaiise pamusoro pehuni, asi varege kuisa moto pasi payo; neniwo ndichagadzira imwe nzombe, ndichiisa pamusoro pehuni, asi ndisingaisi moto pasi payo. Zvino imi mudane zita ramwari wenyu, ini ndidanewo zita raJehovha; Mwari unopindura nomoto, iye ngaave Mwari. Vanhu vose vakapindura, vakati, “Zvarehwa zvakanaka.”

1 Madzimambo 18:15-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Eriya ndokuti, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu wehondo nehondo wandinonamata kuti ndichatozviratidza chete kwaari iye nhasi uno.” Ipapo Obhadhiya akandoonana naAhabhu akamutaurira, Ahabhu akandoonanawo naEriya. Ahabhu paakaona Eriya, Ahabhu uyu akati kwaari, “Ndiwe here mutambudzi weIsiraeri?” Eriya akati, “Ini handisirini mutambudzi weIsiraeri, asi kutoti iyemi nevemba yababa venyu nokuti makakanda pasi mitemo yaTenzi mukanamata vana Bhaari. Saka zvino tumai vanhu muunganidze Isiraeri yose kuno kwandiri kuGomo reKarimeri, muunzewoko mazana mana avaporofita vaBhaari uye mazana mana avaporofita vamwari vechikadzi, Ashera vanodya pamwechete naJezebhero patebhuru.” Ahabhu akabvawo atumira nhume kuvanhu vose vokwaIsiraeri akaunganidza vaporofita pamwechete kuGomo reKarimero. Eriya akaenda pedyo navanhu vose akati, “Munoda kusvikira riniko muchingova nemwoyo miviri? Kana Tenzi, ari iye Mwari wenyu muteverei, kana ari Bhaari teverai iyeyo.” Vanhu havana chavakamupindura. Eriya ndokuti kuvanhu ava, “Ini ndini ndoga muprofita waTenzi asara. Asi kune vaporofita vaBhaari mazana mana namakumi mashanu. Ngatipiwei handira mbiri, ivo vazvisarudzire handira imwechete vaicheke-cheke vaiise pamusoro pehuni, asi varege kutungidzapo moto. Iniwo ndichadarowo neimwe handira yacho ndoiisawo pamusoro pehuni ndorega kutungidza moto. Imi mudaidzire nezita kuna mwari wenyu, iniwo ndigodaidzirawo nezita kuna Tenzi. Ipapa Mwari anenge apindura nomoto ndiye Mwari.” Vanhu vose vakapindura vachiti, “Zvamataura zvakanaka.”

1 Madzimambo 18:15-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Eria akati: NaJehova wehondo mupenyu, iye wandimire pamberi pake, ndicaɀiratidza kwaari nhasi ɀirokwaɀo. Naiɀoɀo Obadia akaenda kunaAhabi, akamuʋudza, Ahabi akandosoŋgana naEria. Ɀino Ahabi wakati aciʋona Eria, Ahabi akati kwaari: Ndiwe here, iwe mutambudzi waIsraeri? Iye akati: Ini handina‐kutambudza Israeri; asi ndiwe neimba yaɓaɓa ʋako, nokuti makasiya mirairo yaJehova, mukateʋera ʋaBaari. Naiɀoɀo ɀino cituma ʋanhu uʋuŋganidze ʋaIsraeri ʋose pagomo reKarmeri, naʋaprofita ʋaBaari ʋanamazana manna namakumi mashanu, naʋaprofita ʋamatanda okunamata nawo ʋanamazana manna ʋanodya patafura yaIzeberi. Naiɀoɀo Ahabi akatuma ʋanhu kuʋana ʋaIsraeri ʋose, akaʋuŋganidza ʋaprofita pagomo reKarmeri. Ɀino Eria akasweɗera kuʋanhu ʋose, akati: Mucaramba mucifuŋga mifuŋgo miʋiri kuȿikira riniko? Kana Jehova ari Mŋari, mumuteʋere, kana ari Baari, mumuteʋere iye. Asi ʋanhu haʋana‐kupindura shoko rimŋe. Ipapo Eria akati kuʋanhu: Ini, iyeni ndoga, ndini ndasara kuʋaprofita ʋaJehova, asi ʋaprofita ʋaBaari ʋanoȿika ʋarume ʋanamazana manna namakumi mashanu. Naiɀoɀo ŋgaʋatipe nzombe mbiri, iʋo ʋaɀitsaurire nzombe imŋe, ʋaiguranye, ʋaiise pamsoro pehuni, asi ʋarege kuisa mŋoto pasi payo; neni ʋo ndicagadzira imŋe nzombe, ndiciiisa pamsoro pehuni, asi ndisiŋgaisi mŋoto pasi payo. Ɀino imi muɗane zita ramŋari wenyu, ini ndiɗane ʋo zita raJehova; Mŋari unopindura nomŋoto, iye ŋgaaʋe Mŋari. Ʋanhu ʋose ʋakapindura, ʋakati: Ɀarebga ɀakanaka.

1 Madzimambo 18:15-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)