Eriya ndokuti, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu wehondo nehondo wandinonamata kuti ndichatozviratidza chete kwaari iye nhasi uno.” Ipapo Obhadhiya akandoonana naAhabhu akamutaurira, Ahabhu akandoonanawo naEriya. Ahabhu paakaona Eriya, Ahabhu uyu akati kwaari, “Ndiwe here mutambudzi weIsiraeri?” Eriya akati, “Ini handisirini mutambudzi weIsiraeri, asi kutoti iyemi nevemba yababa venyu nokuti makakanda pasi mitemo yaTenzi mukanamata vana Bhaari. Saka zvino tumai vanhu muunganidze Isiraeri yose kuno kwandiri kuGomo reKarimeri, muunzewoko mazana mana avaporofita vaBhaari uye mazana mana avaporofita vamwari vechikadzi, Ashera vanodya pamwechete naJezebhero patebhuru.” Ahabhu akabvawo atumira nhume kuvanhu vose vokwaIsiraeri akaunganidza vaporofita pamwechete kuGomo reKarimero. Eriya akaenda pedyo navanhu vose akati, “Munoda kusvikira riniko muchingova nemwoyo miviri? Kana Tenzi, ari iye Mwari wenyu muteverei, kana ari Bhaari teverai iyeyo.” Vanhu havana chavakamupindura. Eriya ndokuti kuvanhu ava, “Ini ndini ndoga muprofita waTenzi asara. Asi kune vaporofita vaBhaari mazana mana namakumi mashanu. Ngatipiwei handira mbiri, ivo vazvisarudzire handira imwechete vaicheke-cheke vaiise pamusoro pehuni, asi varege kutungidzapo moto. Iniwo ndichadarowo neimwe handira yacho ndoiisawo pamusoro pehuni ndorega kutungidza moto. Imi mudaidzire nezita kuna mwari wenyu, iniwo ndigodaidzirawo nezita kuna Tenzi. Ipapa Mwari anenge apindura nomoto ndiye Mwari.” Vanhu vose vakapindura vachiti, “Zvamataura zvakanaka.”
Verenga chikamu 1 Madzimambo 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Madzimambo 18:15-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo