Eria akati, “NaJehovha wehondo mupenyu, iye wandimire pamberi pake, ndichazviratidza kwaari nhasi zvirokwazvo.” Naizvozvo Obhadhiya akaenda kuna Ahabhi, akamuudza Ahabhi akandosangana naEria.
Zvino Ahabhi wakati achiona Eria, Ahabhi akati kwaari, “Ndiwe here, iwe mutambudzi waIsiraeri?” Iye akati, “Ini handina kutambudza Isiraeri; asi ndiwe neimba yababa vako, nokuti makasiya mirairo yaJehovha, mukatevera vaBhaari. Naizvozvo zvino chituma vanhu uunganidze vaIsiraeri vose pagomo reKarimeri, navaporofita vaBhaari vana mazana mana vanodya patafura yaIzebheri.”
Naizvozvo Ahabhi akatuma vanhu kuvana vaIsiraeri vose, akaunganidza vaporofita pagomo reKarimeri. Zvino Eria akaswedera kuvanhu vose, akati, “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira riniko? Kana Jehovha ari Mwari, mumutevere, kana ari Bhaari, mumutevere iye.” Asi vanhu havana kupindura shoko rimwe.
Ipapo Eria akati kuvanhu, “Ini, iyeni ndoga, ndini ndasara kuvaporofita vaJehovha, asi vaporofita vaBhaari vanosvika varume vana mazana mana namakumi mashanu.” Naizvozvo ngavatipe nzombe mbiri, ivo vazvitsaurire nzombe imwe, vaiguranye, vaiise pamusoro pehuni, asi varege kuisa moto pasi payo; neniwo ndichagadzira imwe nzombe, ndichiisa pamusoro pehuni, asi ndisingaisi moto pasi payo. Zvino imi mudane zita ramwari wenyu, ini ndidanewo zita raJehovha; Mwari unopindura nomoto, iye ngaave Mwari. Vanhu vose vakapindura, vakati, “Zvarehwa zvakanaka.”