Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 16:8-20

1 Madzimambo 16:8-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mugore ramakumi maviri namatanhatu raAsa mambo weJudha, Era, mwanakomana waBhaasha akava mambo weIsraeri, uye akatonga muTiza kwamakore maviri. Zimuri, mumwe wamachinda ake, aitungamirira hafu yengoro dzake, akamumukira. Era akanga ari muTiza panguva iyoyo, achidhakwa zvake pamba paAza, murume aichengeta muzinda wamambo paTiza. Zimuri akapinda, akamubaya akamuuraya, mugore ramakumi maviri namanomwe raAsa, mambo weJudha. Ipapo akabva amutevera paumambo. Paakatanga kutonga, achangogara pachigaro choushe, akauraya mhuri yose yaBhaasha. Haana kusiya murume mumwe chete, hama kana shamwari. Saizvozvo Zimuri akaparadza mhuri yose yaBhaasha, sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha rakataurwa richipikisa Bhaasha nokumuprofita Jehu, nokuda kwezvivi zvose zvakanga zvaitwa naBhaasha nomwanakomana wake Era nezvaakaita kuti Israeri iite, zvokuti vakaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe, nokuda kwezvifananidzo zvavo zvisina maturo. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaEra, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri? Mugore ramakumi maviri namanomwe raAsa, mambo weJudha, Zimuri akatonga muTiza kwamazuva manomwe. Varwi vakanga vakadzika misasa pedyo neGibhetoni, guta ravaFiristia. VaIsraeri vakanga vari kumisasa pavakanzwa kuti Zimuri akanga amukira mambo akamuuraya, vakagadza Omuri mutungamiri wehondo, kuti ave mambo weIsraeri musi iwoyo mumusasa. Zvino Omuri, navaIsraeri vose vaaiva navo, vakabva kuGibhetoni vakauya kuzokomba Tiza. Zimuri paakaona kuti guta rakanga ratorwa, akaenda kunhare yomuzinda wamambo akabva azvipisira mumuzinda. Naizvozvo akafa, nokuda kwezvivi zvaakanga aita, achiita zvakaipa pamberi paJehovha uye achifamba munzira dzaJerobhoamu nomuchivi chaakanga aita, uye nechivi chaakanga aita kuti Israeri iite. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaZimuri, nokumukira kwake kwaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo aIsraeri?

1 Madzimambo 16:8-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Negore ramakumi maviri namatanhatu raAsa mambo waJudha, Era mwanakomana waBhaasha, wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paTiriza, akabata makore maviri. Ipapo muranda wake Zimiri, mukuru wehafu yengoro dzake, akamumukira; zvino iye wakanga ari paTiriza, achinwa achibatwa mumba maAriza mutariri weimba yake paTiriza. Zimiri akapinda, akamubaya, akamuuraya negore ramakumi maviri namanomwe raAsa mambo waJudha, akamutevera paushe. Zvino pakutanga kwake kubata ushe, achangogara pachigaro chake choushe, akauraya vose veimba yaBhaasha; haana kumusiyira mwana mumwe womukomana, kana mumwe wehama dzake, kana mumwe weshamwari dzake. Naizvozvo Zimiri wakaparadza imba yose yaBhaasha, sezvakanga zvarehwa naJehovha, shoko iro raakataura pamusoro paBhaasha nomuporofita Jehu, nokuda kwezvivi zvose zvaBhaasha, nezvivi zvaEra mwanakomana wake, zvavakaita, nezvavakatadzisa Isiraeri nazvo, vakamutsa shungu dzaJehovha Mwari waIsiraeri, nezvinhu zvavo zvisina maturo. Mamwe mabasa aEra, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri? Negore ramakumi maviri namanomwe raAsa mambo waJudha, Zimiri akabata ushe paTiriza mazuva manomwe. Zvino vanhu vakanga vari kumisasa, vachida kurwa navaGibhetoni raiva ravaFirisitia. Zvino vanhu, vakanga vari kumisasa, vakanzwa, zvichinzi, “Zimiri wamukira mambo akamuuraya; naizvozvo vaIsiraeri vose, vakanga vari kumisasa, vakagadza Omiri, mukuru wehondo, ave mambo waIsiraeri zuva iro.” Ipapo Omiri akabva paGibhetoni, akaenda navaIsiraeri vose kuzokomba Tiriza. Zvino Zimiri wakati achiona kuti guta rakundwa, akapinda munhare paimba yamambo, akapisira imba yamambo pamusoro pake, akafa; nokuda kwezvivi zvake pakuita kwake zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba nenzira yaJerobhoamu, nomuzvivi zvake zvaakaita, achitadzisa Isiraeri nazvo. Mamwe mabasa aZimiri, nokumukira kwake mambo, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri?

1 Madzimambo 16:8-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mugore remakumi maviri nechitanhatu rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha, Era mwanakomana waBhaasha akatanga kutonga vokwaIsiraeri ari kuTiriza; akatonga kwamakore maviri. Asi gurukota rake rainzi Zimuri raiva mutungamiriri wechimwe chikamu chechikwata chevengoro dzehondo akamupandukira. Ari kuTiriza ikoko akati zvake achinwira-nwira iwe zvokutoraradza mumba maAriza mukuru mukuru aiona zvomumuzinda muTiriza imomo, Zimuri akapindamo akamurova akamuuraya muri mugore ramakumi maviri nechinomwe rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha ndokubva ava kutonga panzvimbo pake. Paakatanga kutonga, achangoti garei pachigaro chake choumambo, akauraya vemba yaBhaasha vose zvavo asingamusiyire kana munhurume mumwechete akadai kuhama dzake kana kushamwari dzake. Ikoku ndokuuraya kwakaita Zimuri vose vemba yaBhaasha maererano neshoko raTenzi rakauya nokumuporofita Jehu rakananga Bhaasha pamusana pezvitadzo zvaBhaasha nezvomwana wake zvavakapara zvavakapinzawo nazvo vokwaIsiraeri mukutadza vachishatirisa Tenzi, Mwari weIsiraeri uyewo nezvifananidzo zvokunamata. Inga dzimwe nyaya dzezvaEra nezvinhu zvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri. Mugore ramakumi maviri nechinomwe rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha, Zimuri akatonga kwamazuva manomwe ari muTiriza. Izvozvo hondo dzake dzakanga dzakakomba kurwisa guta ravaFirisitia reGibhetoni. Hondo idzi dzakanga dziri mumatendhe iwayo dzakanzwa kuti Zimuri akamukira mambo akamuuraya naizvozvo vokwaIsiraeri vose vakabva vatora Omuri mutungamiriri wehondo vakamugadza umambo hwokwaIsiraeri zuva iroro kumatendhe avo ikoko. Nokudaro Omuri akabva kuGibhetoni vokwaIsiraeri vose vainaye vakandokomba Tiriza vorirwisa. Pakaona Zimuri kuti guta rakurirwa akatizira mumuzinda wamambo. Akapisa imba yamambo nomoto akatsviramo akafa pamusana pezvitadzo zvake zvaakapara zvokuita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi achitevera zvake gwara raJerobhoamu, uyewo pamusana pechitadzo chake chaakaita chaakapinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo. Inga dzimwe nyaya dzezvaZimuri nokupanduka kwaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsraeri.

1 Madzimambo 16:8-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Negore ramakumi maʋiri namatanhatu raAsa mambo waJuda, Era mŋanakomana waBaasha, wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri paTirza, akaɓata makore maʋiri. Ipapo muranda wake Zimri, mukuru wehafu yeŋgoro dzake, akamumukira; ɀino iye wakaŋga ari paTirza, acinwa aciɓatwa mumba maArza, mutariri weimba yake paTirza. Zimri akapinda, akamuɓaya, akamuʋuraya negore ramakumi maʋiri namanomŋe raAsa mambo waJuda, akamuteʋera paʋushe. Ɀino pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, acaŋgogara pacigaro cake coʋushe, akaʋuraya ʋose ʋeimba yaBaasha; haana‐kumusiyira mŋana mumŋe womukomana, kana mumŋe wehama dzake, kana mumŋe weshamŋari dzake. Naiɀoɀo Zimri wakaparadza imba yose yaBaasha, seɀakaŋga ɀarebga naJehova, shoko iro raakataura pamsoro paBaasha nomuprofita Jehu, nokuɗa kweɀiʋi ɀose ɀaBaasha, neɀiʋi ɀaEra mŋanakomana wake, ɀaʋakaita, neɀaʋakatadzisa Israeri naɀo, ʋakamutsa shuŋgu dzaJehova Mŋari waIsraeri, neɀinhu ɀaʋo ɀisinamaturo. Mamŋe maɓasa aEra, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri? Negore ramakumi maʋiri namanomŋe raAsa mambo waJuda, Zimri akaɓata ʋushe paTirza mazuʋa manomŋe. Ɀino ʋanhu ʋakaŋga ʋari kumisasa, ʋaciɗa kurwa naʋaGibetoni raiʋa raʋaFiristia. Ɀino ʋanhu, ʋakaŋga ʋari kumisasa, ʋakanzwa, ɀicinzi: Zimri wamukira mambo akamuʋuraya; naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋose, ʋakaŋga ʋari kumisasa, ʋakagadza Omri, mukuru wehondo, aʋe mambo waIsraeri zuʋa iro. Ipapo Omri akabva paGibetoni, akaenda naʋaIsraeri ʋose kuzokomba Tirza. Ɀino Zimri wakati aciʋona kuti guta rakundwa, akapinda munhare paimba yamambo, akapisira imba yamambo pamsoro pake, akafa; nokuɗa kweɀiʋi ɀake pakuita kwake ɀakaipa pamberi paJehova, acifamba nenzira yaJeroboami, nomuɀiʋi ɀake ɀaakaita, acitadzisa Israeri naɀo. Mamŋe maɓasa aZimri, nokumukira kwake mambo, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?

1 Madzimambo 16:8-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)