Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 16

16
1Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jehu mwanakomana waHanani, pamusoro paBhaasha, richiti, 2“Ndakakukudza ndikakubvisa paguruva, ndikakuita mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri; asi wakafamba nenzira yaJerobhoamu, wakatadzisa vanhu vangu vaIsiraeri, vakamutsa shungu dzangu nezvivi zvavo. 3Tarira, ndichabvisa Bhaasha neimba yake chose; ndichaita imba yako sezvandakaita imba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati.
4“Ani nani weimba yaBhaasha unofira muguta, uchadyiwa nembwa; ani nani unofira kusango, uchadyiwa neshiri dzokudenga.”
5Mamwe mabasa aBhaasha, nezvaakaita, nesimba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri? 6Bhaasha akavata namadzibaba ake, akavigwa paTiriza, Era mwanakomana wake, akamutevera paushe.
7Shoko raJehovha rikauyawo nomuromo womuporofita Jehu mwanakomana waHanani, pamusoro paBhaasha, napamusoro peimba yake, nokuda kwezvakaipa zvose zvaakaita pamberi paJehovha, akamutsa shungu dzake pamusoro pamabasa amaoko ake, akanga akafanana neeimba yaJerobhoamu, uye nokuti wakanga amuparadza.
Madzimambo Era, naZimiri, naOmiri
8Negore ramakumi maviri namatanhatu raAsa mambo waJudha, Era mwanakomana waBhaasha, wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paTiriza, akabata makore maviri. 9Ipapo muranda wake Zimiri, mukuru wehafu yengoro dzake, akamumukira; zvino iye wakanga ari paTiriza, achinwa achibatwa mumba maAriza mutariri weimba yake paTiriza.
10Zimiri akapinda, akamubaya, akamuuraya negore ramakumi maviri namanomwe raAsa mambo waJudha, akamutevera paushe.
11Zvino pakutanga kwake kubata ushe, achangogara pachigaro chake choushe, akauraya vose veimba yaBhaasha; haana kumusiyira mwana mumwe womukomana, kana mumwe wehama dzake, kana mumwe weshamwari dzake. 12Naizvozvo Zimiri wakaparadza imba yose yaBhaasha, sezvakanga zvarehwa naJehovha, shoko iro raakataura pamusoro paBhaasha nomuporofita Jehu, 13nokuda kwezvivi zvose zvaBhaasha, nezvivi zvaEra mwanakomana wake, zvavakaita, nezvavakatadzisa Isiraeri nazvo, vakamutsa shungu dzaJehovha Mwari waIsiraeri, nezvinhu zvavo zvisina maturo. 14Mamwe mabasa aEra, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri?
15Negore ramakumi maviri namanomwe raAsa mambo waJudha, Zimiri akabata ushe paTiriza mazuva manomwe. Zvino vanhu vakanga vari kumisasa, vachida kurwa navaGibhetoni raiva ravaFirisitia. 16Zvino vanhu, vakanga vari kumisasa, vakanzwa, zvichinzi, “Zimiri wamukira mambo akamuuraya; naizvozvo vaIsiraeri vose, vakanga vari kumisasa, vakagadza Omiri, mukuru wehondo, ave mambo waIsiraeri zuva iro.” 17Ipapo Omiri akabva paGibhetoni, akaenda navaIsiraeri vose kuzokomba Tiriza. 18Zvino Zimiri wakati achiona kuti guta rakundwa, akapinda munhare paimba yamambo, akapisira imba yamambo pamusoro pake, akafa; 19nokuda kwezvivi zvake pakuita kwake zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba nenzira yaJerobhoamu, nomuzvivi zvake zvaakaita, achitadzisa Isiraeri nazvo. 20Mamwe mabasa aZimiri, nokumukira kwake mambo, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri?
21Zvino vanhu vaIsiraeri vakaparadzana, vakaita mapoka maviri; vamwe vakatevera Tibhini mwanakomana waGinati, vachida kumuita mambo wavo, asi vamwe vakatevera Omiri. 22Asi vanhu, vakatevera Omiri, vakakunda vanhu vakatevera Tibhini mwanakomana waGinati; naizvozvo Tibhini akafa, Omiri akabata ushe. 23Negore ramakumi matatu nerimwe raAsa mambo waJudha, Omiri akatanga kubata ushe hwaIsiraeri, akabata makore ane gumi namaviri; akabata ushe paTiriza makore matanhatu. 24Akatenga gomo reSamaria kuna Shemeri namatarenda maviri esirivha, akavaka pagomo, akatumidza zita reguta raakavaka Samaria, achitevedzera zita raShemeri, mwene wegomo.
25Asi Omiri wakaita zvakaipa pamberi paJehovha, akapfuura vose vakamutangira pakuita zvakaipa. 26Nokuti wakafamba nenzira yose yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, nomuzvivi zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, vakamutsa shungu dzaJehovha Mwari waIsiraeri nezvinhu zvavo zvakanga zvisina maturo. 27Mamwe mabasa aOmiri, aakaita, nesimba rakaonekwa kwaari, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri? 28Naizvozvo Omiri akavata namadzibaba ake, akavigwa paSamaria, Ahabhi mwanakomana wake, akamutevera paushe.
Ahabhi mambo waIsiraeri
29Negore ramakumi matatu namasere raAsa mambo waJudha, Ahabhi mwanakomana waOmiri wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri; Ahabhi mwanakomana waOmiri akabata ushe hwaIsiraeri paSamaria makore makumi maviri namaviri. 30Ahabhi mwanakomana waOmiri akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akakunda vose vakamutangira. 31Chakanga chiri chinhu chiduku hacho kwaari kufamba muzvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, asi wakawana Izebheri mukunda waEtibhaari, mambo wavaZidhoni, akandoshumira Bhaari, akanamata kwaari. 32Akavakira Bhaari aritari muimba yaBhaari, yaakavaka paSamaria. 33Ahabhi akaitawo matanda okunamata nawo, Ahabhi akawedzera kumutsa shungu dzaJehovha Mwari waIsiraeri, kupfuura madzimambo ose akamutangira. 34Pamazuva ake Hieri muBheteri akavaka Jeriko; akafirwa nedangwe rake, Abhiramu, nguva yakaronga nheyo dzaro, uye akafirwa nomwanakomana wake worugotwe, Segubhi, panguva yaakamisa musuo; sezvazvakarehwa naJehovha nomuromo waJoshua mwanakomana waNuni.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Madzimambo 16: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda