1 VaKorinde 9:26-27
1 VaKorinde 9:26-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo handimhanyi somunhu asina chinangwa; handirwi somunhu anorova mhepo. Kwete, ndinorovedzera muviri wangu uye ndinouita muranda wangu kuitira kuti mushure mokunge ndapedza kuparidzira vamwe, ini pachangu ndirege kushayiwa mubayiro.
1 VaKorinde 9:26-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ini handimhanyi somunhu asingazivi; handirwi somunhu anorova mhepo; asi ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe ini, ndamboparidzira vamwe, ndirege kuva akaraswa ndimene.
1 VaKorinde 9:26-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saka handingomhanya chimhanyemhanye. Handirove zvibhakera somunhu anorova mhepo. Ndinorova muviri wangu ndichiutonga ndichiitira kuti ndirege kuraswa, ini ndakamboparidzira vamwe.
1 VaKorinde 9:26-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ini handimhanyi somunhu usiŋgaziʋi; handirwi somunhu unoroʋa mhepo; asi ndinorwadzisa muʋiri waŋgu, ndiciuita muranda; kuti ɀimŋe ini, ndamboparidzira ʋamŋe, ndirege kuʋa wakarashwa ndimene.