1 VaKorinde 9:25-27
1 VaKorinde 9:25-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu vose vanopinda mumutambo vanozvirovedza zvakaoma. Vanoita izvi kuti vawane korona isingagari; asi isu tinozviita kuti tiwane korona inogara nokusingaperi. Naizvozvo handimhanyi somunhu asina chinangwa; handirwi somunhu anorova mhepo. Kwete, ndinorovedzera muviri wangu uye ndinouita muranda wangu kuitira kuti mushure mokunge ndapedza kuparidzira vamwe, ini pachangu ndirege kushayiwa mubayiro.
1 VaKorinde 9:25-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mumwe nomumwe, anoshingaira pakutamba, anozvidzora pazvose. Zvino ivo vanozviita kuti vawane korona inoora, asi isu kuti tiwane isingaori. Zvino ini handimhanyi somunhu asingazivi; handirwi somunhu anorova mhepo; asi ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe ini, ndamboparidzira vamwe, ndirege kuva akaraswa ndimene.
1 VaKorinde 9:25-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumhanyi wose anozvibata muna zvose. Vanozviita kuti vawane ndaza inoparara asi isu tinozviitira ndaza isingaparari. Saka handingomhanya chimhanyemhanye. Handirove zvibhakera somunhu anorova mhepo. Ndinorova muviri wangu ndichiutonga ndichiitira kuti ndirege kuraswa, ini ndakamboparidzira vamwe.
1 VaKorinde 9:25-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mumŋe nomumŋe, unoshiŋgaira pakutamba, unoɀidzora paɀose. Ɀino iʋo ʋanoɀiita kuti ʋawane korona inoʋora, asi isu kuti tiwane isiŋgaʋori. Ɀino ini handimhanyi somunhu usiŋgaziʋi; handirwi somunhu unoroʋa mhepo; asi ndinorwadzisa muʋiri waŋgu, ndiciuita muranda; kuti ɀimŋe ini, ndamboparidzira ʋamŋe, ndirege kuʋa wakarashwa ndimene.
1 VaKorinde 9:25-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mumhanyi wose anozvibata muna zvose. Vanozviita kuti vawane ndaza inoparara asi isu tinozviitira ndaza isingaparari. Saka handingomhanya chimhanyemhanye. Handirove zvibhakera somunhu anorova mhepo. Ndinorova muviri wangu ndichiutonga ndichiitira kuti ndirege kuraswa, ini ndakamboparidzira vamwe.