1 VaKorinde 9:20-22
1 VaKorinde 9:20-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha. Kuna vari pasi pomurayiro ndakava somunhu ari pasi pomurayiro (kunyange ini ndisiri pasi pomurayiro), kuti ndiwane vari pasi pomurayiro. Kuna vasina murayiro, ndakava somunhu asina murayiro (kunyange zvangu ndisina kusununguka kubva pamurayiro waMwari, ndiri pasi pomurayiro waKristu), kuti ndiwane vaya vasina murayiro. Kuna vasina simba ndakava sendisina simba, kuti ndiwane vaya vasina simba. Ndakava zvose kuvanhu vose kuitira kuti ndiponese vamwe nemitoo yose inogoneka.
1 VaKorinde 9:20-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha; kuna vari pasi pomurayiro, kunyange ndisati ndiri pasi pomurayiro hangu, kuti ndiwane vari pasi pomurayiro; kuna vasina murayiro, ndakava somunhu asina murayiro, kunyange ndisati ndiri munhu asina murayiro waMwari, asi pasi pomurayiro waKristu, kuti ndiwane vasina murayiro. Kuna vasina simba ndakava asina simba, kuti ndiwane vasina simba; ndakava zvose kuvanhu vose, kuti ndiponese vamwe nemitoo yose.
1 VaKorinde 9:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
KuvaJudha ndakazviita somuJudha kuti ndiwane vaJudha. Kuna vari pasi pomutemo ndakazviita sendiri pasiwo pomutemo kunyange zvazvo ndakanga ndisiri pasi pomutemo kuti ndiwane vakanga vari pasi pomutemo. Kuna vari kunze komutemo ndakaita sendiri kunze komutemo asi kwete somunhu ari kunze komutemo kuna Mwari asi ndiri pasi pomutemo waKristu kuti ndiwane vari kunze komutemo. Kuna vasina simba ndakava munhu asina simba kuti ndiwane vasina simba. Ndakava zvinhu zvose kuna vose kuti napose pandinogona, ndinunure vamwe vavo.
1 VaKorinde 9:20-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
KuʋaJuda ndakaʋa somuJuda, kuti ndiwane ʋaJuda; kunaʋari pasi pomurairo, ndakaʋa somunhu uri pasi pomurairo, kunyaŋge ndisati ndiri pasi pomurairo haŋgu, kuti ndiwane ʋari pasi pomurairo; kunaʋasinomurairo, ndakaʋa somunhu usinomurairo, kunyaŋge ndisati ndiri munhu usinomurairo waMŋari, asi pasi pomurairo waKristu, kuti ndiwane ʋasinomurairo. Kunaʋasinesimba ndakaʋa usinesimba, kuti ndiwane ʋasinesimba; ndakaʋa ɀose kuʋanhu ʋose, kuti ndiponese ʋamŋe nemitoʋo yose.
1 VaKorinde 9:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)