1 VaKorinde 4:6-13
1 VaKorinde 4:6-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino, hama dzangu, ndakaita zvinhu izvi kuupenyu hwangu uye nokuna Aporosi nokuda kwenyu, kuitira kuti mudzidze kubva kwatiri zvinoreva chirevo chokuti, “Usaita zvinopfuura zvakanyorwa.” Ipapo hamungazvikudzi pamusoro pomumwe munhu muchimuenzanisa nomumwe. Nokuti ndianiko akakutsaura iwe kubva kuno mumwe? Chiiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, seiko uchizvikudza sousina kupiwa? Matova nezvose zvamunoda kare! Makatopfumiswa kare! Mava madzimambo, uye isu tisipo! Ndinoshuva sei kuti dai makava madzimambo kuitira kuti tigova madzimambo pamwe chete nemi! Nokuti ini ndinoona kuti Mwari akatigadza kuti tive vapostori vanoonekwa pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu. Takaitwa chiseko kunyika yose, kuvatumwa uyewo nokuvanhu. Tiri mapenzi nokuda kwaKristu, asi imi makachenjera kwazvo muna Kristu! Isu tinoshayiwa simba, asi imi mune simba! Munokudzwa, isu tinozvidzwa! Kusvikira panguva ino isu tine nzara, uye tine nyota, takapfeka mamvemve, tinorohwa zvakaoma kwazvo, hatina pokugara. Tinoshanda nesimba namaoko edu. Kana tikatukwa tinoropafadza; kana tichitambudzwa, tinotsungirira; kana tichipomerwa mhosva, tinopindura zvinyoronyoro. Kusvikira panguva ino takaitwa setsvina yenyika, marara enyika.
1 VaKorinde 4:6-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino, hama dzangu, zvinhu izvi ndakanyora ndichizvifananidzira ini naAporo, nokuda kwenyu; kuti mudzidze kwatiri kusapfuura izvo zvakanyorwa, kuti, “Mumwe arege kuzvikudza, achitsaura mumwe kunomumwe.” Nokuti ndianiko akakutsaura iwe? Chinyiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, unozvikudzireiko sousina kupiwa? Matoguta, matopfuma, mabata ushe kunze kwedu; dai maibata ushe hwenyu, kuti isu tibatewo pamwechete nemi. Nokuti ndinoti Mwari akatigadza isu vapostori pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu; nokuti takaitwa chinhu chinoshamisa nyika, navatumwa, navanhu. Isu tiri mapenzi nokuda kwaKristu, asi imi makachenjera muna Kristu; isu tinoshayiwa simba, asi imi mune simba; imi munokudzwa, asi isu tinozvidzwa. Kusvikira nguva ino isu tine nzara, tine nyota, hatina chatingafuka, tinorohwa netsiva, hatina nzvimbo kwayo yokugara; tinotambudzika, tichibata namaoko edu; kana tichitukwa, tinoropafadza, kana tichitambudzwa, tinotsunga mwoyo; kana tichipomerwa mhosva, tinovarayidza; takaitwa setsvina yenyika, marara avose kusvikira zvino.
1 VaKorinde 4:6-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndichiitira kuti zvikubatsirei hama, ndazvitora ini naAporosi somuenzaniso, ndichiitira kuti imi mudzidze patiri kuti munhu ngaarege kupfuuridza pane zvakanyorwa, kuti pasave naanozvikudza nomunhu uyu kana nouyo. Nokuti akazoti uri mukuru pana vamwe ndiani? Chii chaunacho iwe chausina kutopiwa? Ko kana wakaita zvokutopiwa, unozvikudzireiko sokunge chisiri chipo? Imika zvenyu mune zvakakwana kare. Makatova vapfumika imi. Munotova madzimambo isu tisiri mazviri. Dai zvaingoitika kuti mutonge, kuti isu titongewo nemi. Ndinofunga kuti Mwari, isu vapositori, akatiisa kokupedzisira achitiratidza kunyika savanhu vanofanira kuuraiwa nokuti tatove chinhu chokuyevewa nenyika yose navatumwa navanhu. Tiri mapenzi zvawo pamusana paKristu asi imi makangwara muna Kristu. Isu hatina simba asi imi makasimba. Munoremekedzwa asi isu tinoshorwa. Kutaura kuno, tine nzara nenyota, uye takapfeka marengenya. Tinorohwa uye hatina musha. Tinozvishandira namaoko edu. Kana tikatukwa, isu tinoti ngavakomborerwe. Tikashushwa tinotirira. Kana tikareverwa makuhwa tinopindura zvinoyananisa. Iye zvino tiri marara zvawo apanyika namagufu azvose.
1 VaKorinde 4:6-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino, hama dzaŋgu, ɀinhu iɀi ndakanyora ndiciɀifananidzira ini naAporo, nokuɗa kwenyu; kuti mudzidze kwatiri kusapfuʋura iɀo ɀakanyorwa, kuti mumŋe arege kuɀikudza. acitsaura mumŋe kunomumŋe. Nokuti ndianiko wakakutsaura iwe? Cinyiko caunaco causina‐kupiwa? Ɀino kana wakapiwa, unoɀikudzireiko sousina‐kupiwa? Matoguta, matofuma, maɓata ʋushe kunze kweɗu; ɗai maiɓata ʋushe henyu, kuti isu tiɓate ʋo pamŋe cete nemi. Nokuti ndinoti Mŋari wakatigadza isu ʋaapostora pakupedzisira, saʋanhu ʋakatoŋgerwa rufu; nokuti takaitwa cinhu cinoshamisa nyika, naʋatumŋa, naʋanhu. Isu tiri mapenzi nokuɗa kwaKristu, asi imi makacenjera munaKristu; isu tinoshaiwa simba, asi imi munesimba; imi munokudzwa, asi isu tinoɀidzwa. Kuȿikira ŋguʋa ino isu tinenzara, tinenyota, hatina‐catiŋgafuka, tinorobga netsiʋa, hatinenɀimbo kwayo yokugara; tinotambudzika, ticiɓata namaʋoko eɗu; kana ticitukwa, tinoropafadza, kana ticitambudzwa, tinotsuŋga mŋoyo; kana ticipomerwa, tinoʋaraidza; takaitwa setȿina yenyika, marara aʋose kuȿikira ɀino.
1 VaKorinde 4:6-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)