Ndichiitira kuti zvikubatsirei hama, ndazvitora ini naAporosi somuenzaniso, ndichiitira kuti imi mudzidze patiri kuti munhu ngaarege kupfuuridza pane zvakanyorwa, kuti pasave naanozvikudza nomunhu uyu kana nouyo. Nokuti akazoti uri mukuru pana vamwe ndiani? Chii chaunacho iwe chausina kutopiwa? Ko kana wakaita zvokutopiwa, unozvikudzireiko sokunge chisiri chipo? Imika zvenyu mune zvakakwana kare. Makatova vapfumika imi. Munotova madzimambo isu tisiri mazviri. Dai zvaingoitika kuti mutonge, kuti isu titongewo nemi. Ndinofunga kuti Mwari, isu vapositori, akatiisa kokupedzisira achitiratidza kunyika savanhu vanofanira kuuraiwa nokuti tatove chinhu chokuyevewa nenyika yose navatumwa navanhu. Tiri mapenzi zvawo pamusana paKristu asi imi makangwara muna Kristu. Isu hatina simba asi imi makasimba. Munoremekedzwa asi isu tinoshorwa. Kutaura kuno, tine nzara nenyota, uye takapfeka marengenya. Tinorohwa uye hatina musha. Tinozvishandira namaoko edu. Kana tikatukwa, isu tinoti ngavakomborerwe. Tikashushwa tinotirira. Kana tikareverwa makuhwa tinopindura zvinoyananisa. Iye zvino tiri marara zvawo apanyika namagufu azvose.
Verenga chikamu 1 Vakorinde 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Vakorinde 4:6-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo