1 VaKorinde 3:7-9
1 VaKorinde 3:7-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka naizvozvo anosima kana anodiridza haazi chinhu, asi Mwari chete, iye anomeresa zvinhu. Munhu anosima nomunhu anodiridza vane chinangwa chimwe, uye mumwe nomumwe wavo achapiwa mubayiro maererano nezvaakabata pabasa rake. Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.
1 VaKorinde 3:7-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo anosima haazi chinhu, kana anodiridza; asi Mwari anomeresa. Zvino anosima noanodiridza ndavamwe; asi mumwe nomumwe achapiwa mubayiro wake, sezvaakabata basa. Nokuti tiri vabati pamwechete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.
1 VaKorinde 3:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saka anodyara naanodiridza hapana zvavari asi Mwari ndiye chete anoita kuti zvikure. Anodyara naanodiridza vakangoenzana. Mumwe nomumwe wavo achagamuchira mubayiro wake sokushanda kwaakaita nokuti tiri vashandipamwe vaMwari. Imi muri munda waMwari, imba yaMwari.
1 VaKorinde 3:7-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo unosima haazi cinhu, kana unoɗiridza; asi Mŋari unomeresa. Ɀino unosima nounoɗiridza ndaʋamŋe; asi mumŋe nomumŋe ucapiwa muɓairo wake, seɀaakaɓata. Nokuti tiri ʋaɓati pamŋe cete naMŋari; muri munda waMŋari, muri imba yaMŋari.
1 VaKorinde 3:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)