1 VaKorinde 15:56-58
1 VaKorinde 15:56-58 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rumborera rwerufu ndicho chivi, uye simba rechivi ndiwo murayiro. Asi Mwari ngaavongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu. Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba. Pashayiwe chinhu chingakuzungunusai. Muchishandira Ishe zvikuru nguva dzose, nokuti munoziva kuti kubata basa kwenyu muna She hakungavi pasina.
1 VaKorinde 15:56-58 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Rumborera rworufu ndizvo zvivi; nesimba rezvivi ndiwo murayiro. Zvino Mwari ngaavongwe, uyo anotipa kukunda naIshe wedu, Jesu Kristu. Saka, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba, murege kuzununguswa, mushandire Ishe zvikuru nguva dzose, muchiziva kuti kubata basa kwenyu hakungavi pasina muna Ishe.
1 VaKorinde 15:56-58 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rumborera rwerufu chitadzo. Simbawo rechitadzo mutemo. Mwari ngaatendwe anoita kuti tikunde nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu. Naizvozvo, hama dzangu dzadiwa, rambai makasimba musingatsukutsiki musingasiyani kwazvo nebasa raTenzi tichiziva kuti muna Tenzi basa renyu harishai maturo.
1 VaKorinde 15:56-58 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Rumborera rworufu ndiɀo ɀiʋi; nesimba reɀiʋi ndiwo murairo. Ɀino Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, uyo unotipa kukunda naShe weɗu, Jesu Kristu. Saka, hama dzaŋgu dzinoɗikanwa, mirai makasimba, murege kuzunuŋguswa, muɓatire Ishe ɀikuru ŋguʋa dzose, muciziʋa kuti kuɓata kwenyu hakuŋgaʋi pasina munaShe.
1 VaKorinde 15:56-58 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)