1 VaKorinde 15:3-9
1 VaKorinde 15:3-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti zvandakagamuchira sezvinokosha pakutanga ndizvo zvandakakupaiwo: kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro, kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro, uye kuti akazviratidza kuna Petro, tevere kuna vane gumi navaviri. Mushure mezvo akazviratidza kuhama dzaipfuura mazana mashanu panguva imwe chete, vazhinji vavo vachiri vapenyu, kunyange zvazvo vamwe vavete. Ipapo akazozviratidza kuna Jakobho, mushure mezvo kuvapostori, uye pakupedzisira akazozviratidza kwandiriwo, sokuna akazvarwa nguva isati yasvika. Nokuti ndiri muduku kuvapostori vose, uye handikodzeri kunzi mupostori, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari.
1 VaKorinde 15:3-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti pakutanga ndakakupai izvo zvandakagamuchirawo, kuti Kristu akafira zvivi zvedu, sezvakanyorwa muMagwaro; uye kuti akavigwa, akamutswa nezuva retatu, sezvakanyorwa muMagwaro; akazviratidza kuna Kefasi, ipapo kuna gane gumi navaviri; ipapo akazviratidza kuhama dzinopfuura mazana mashanu kamwe vazhinji vavo vapenyu kusvikira zvino, asi vamwe vakavata. Ipapo akazviratidza kuna Jakobho; ipapo kuna vapostori vose; pakupedzisira akazviratidza kwandiriwo, sokunoakazvarwa nguva isati yasvika. Nokuti ini ndiri muduku kuvapostori vose, handifaniri kuti ndinzi muapostora, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari.
1 VaKorinde 15:3-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakakugamuchidzai sechinhu chikuru kwazvo chokutanga chandakanga ndakagamuchirawo chokuti Kristu akafira zvitadzo zvedu sokutaura kunoita Magwaro Matsvene, uye kuti akavigwa akamutswa nezuva retatu sokutaura kwamagwaro matsvene, uye kuti akazviratidza kuna Kefasi ndokuzozviratidzawo kuna vane gumi navairi. Akazozviratidza kune vehama vanopfuura mazana mashanu panguva imwecheteyo. Vazhinji vavo vachiri vapenyu kunyange zvazvo vamwe vakafa. Akazozviratidza kuna Jemusi ndokuzotevera kuvapositori vose. Pokupedzisira, sokune munhu akazvarwa nguva yake isati yasvika akazviratidzawo kwandiri. Chikonzero chacho ndechokuti ini ndiri wokupedzisira kuvapositori, ndisingakodzeri kudaidzwa kunzi mupositori nokuti ndakashusha sangano raMwari.
1 VaKorinde 15:3-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti pakutaŋga ndakakupai iɀo ɀandakagamucira ʋo, kuti Kristu wakafira ɀiʋi ɀeɗu, seɀakanyorwa paMagwaro; ʋuye kuti wakaʋigwa, akamutswa nezuʋa retatu, seɀakanyorwa paMagwaro; akaɀiratidza kunaKefasi, ipapo kunaʋanegumi naʋaʋiri; ipapo akaɀiratidza kuhama dzinopfuʋura mazana mashanu kamŋe — ʋazhinji ʋaʋo ʋapenyu kuȿikira ɀino, asi ʋamŋe ʋaʋata. Ipapo akaɀiratidza kunaJakobo; ipapo kunaʋaapostora ʋose; pakupedzisira akaɀiratidza kwandiri ʋo, sokunowakaɀarwa ŋguʋa isati yaȿika. Nokuti ini ndiri muɗuku kuʋaapostora ʋose, handifaniri kuti ndinzi muapostora, nokuti ndakatambudza kereke yaMŋari.
1 VaKorinde 15:3-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)