Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 15:20-34

1 VaKorinde 15:20-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Asi, zvirokwazvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavete. Nokuti sezvo rufu rwakauya kubudikidza nomunhu mumwe, kumuka kuvakafa kwakauyawo kubudikidza nomunhu mumwe. Nokuti, sokufa kwakaita vanhu vose muna Adhamu, naizvozvowo muna Kristu vose vachaitwa vapenyu. Asi mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; ipapo paanouya, tevere vose vanova vake. Ipapo magumo achasvika, panguva yaachazopa umambo kuna Mwari Baba mushure mokunge aparadza ushe hwose, ukuru hwose nesimba rose. Nokuti anofanira kubata ushe kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu. Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti “zvinhu zvose” zvakaiswa pasi petsoka dzake, zviri pachena kuti izvi hazvisanganisiri Mwari pachake, iye akaisa zvinhu zvose pasi paKristu. Kana achinge aita izvi, ipapo Mwanakomanawo pachake achaiswa pasi paiye akaisa zvinhu zvose pasi pake kuti Mwari agova zvose mune zvose. Zvino kana kusina kumuka, ko, vakabhabhatidzirwa vakafa vachazoiteiko? Kana vakafa vasingamutswi, seiko vanhu vachivabhabhatidzirwa? Uye kana tiri isu, tinozviisireiko panjodzi nguva dzose? Ndinofa zuva nezuva, ndinorevesa hama dzangu, zvirokwazvo sezvandinozvirumbidza pamusoro penyu muna Kristu Jesu Ishe wedu. Kana ndakarwa nezvikara paEfeso nokuda kwezvikonzero zvapanyama, zvakandibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi, “Ngatidyei uye tinwe, nokuti mangwana tichafa.” Musanyengerwa: “Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.” Dzokai pandangariro dzenyu sezvamakafanira, uye murege kutadza; nokuti kuna vamwe vasingazivi Mwari. Ndinotaura izvi kuti munyadziswe.

1 VaKorinde 15:20-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Asi zvino Kristu akamutswa kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavata. Nokuti rufu zvarwakauya nomunhu, kumuka kwavakafa kwakauya nomunhuwo. Nokuti vose sezvavanofa muna Adhamu, saizvozvowo vose vachararamiswa muna Kristu. Asi mumwe nomumwe padzoro rake: wokutanga ndiye Kristu chibereko chokutanga; tevere, avo vari vaKristu pakuuya kwake. Ipapo kuguma kunosvika, panguva yaachazopa Mwari, Baba, ushe, panguva yaachaparadza kubata kwose, noushe hwose, nesimba. Nokuti anofanira kubata ushe, kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisira, achaparadzwa, ndirwo rufu. Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti, “Zvose zvakaiswa pasi pake, zvinoonekwa pachena kuti iye, akaisa zvose pasi pake, haaiswipo.” Zvino kana zvose zvaiswa pasi pake, ipapo noMwanakomanawo amene achaiswa pasi paiye akaisa zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvose kuna vose. Kana zvisina kudaro, ko avo vanobhabhatidzirwa vakafa, vachagoita seiko? Kana vakafa vasingatongomutswi, vakagobhabhatidzirweiko ivo vakafa? Nesu tiri panjodzi nguva dzose neiko? Ndinopika, hama dzangu, nokuzvirumbidza kwandinako pamusoro penyu muna Kristu Jesu, Ishe wedu, kuti ndinofa zuva rimwe nerimwe. Kana ndakarwa nezvikara paEfeso somunhu zvaindibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi, ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa. Musanyengerwa; ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka. Pengenukai zvakarurama, “Murege kutadza, nokuti vamwe havazivi Mwari; ndinotaura izvi kuti munyadziswe.”

1 VaKorinde 15:20-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Asi chokwadi ndechokuti Kristu akamutswa kuvafi semichero yokutanga yaavo varere. Sokuuya kwakaita rufu nokumunhu mumwechete nokumunhu mumwechetewo kwakauya kumuka kwavakafa. Sokufa kunoita vanhu vose muna Adhamu, saizvozvowo muna Kristu vanhu vose vanomutswa. Asi mumwe nomumwe achamuka pachijanha chake, Kristu ari iye muchero wokutanga; kozoti, pakuuya kwake, vanhu vanenge vari vanhu vaKristu. Ndipo panozouya magumo panenge Kristu oturira umambo kuna Mwari Baba apedza kuparadza mweya mikuru mikuru youshe neyoukuru neyavanamasimba. Nokuti Kristu anofanira kutonga kusvikira Mwari aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisa anofanira kuparadzwa, rufu. Nokuti zvinonzi, “Mwari akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Zvino kana zvichinzi zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake, zviri pachena kuti hazvibatanidziri naiye, Mwari akaisa zvinhu zvose pasi pake. Kana zvinhu zvose zvaiswa pasi pake nezvo Mwanakomana pachakewo achava pasi pouyo akaisa zvinhu zvose pasi pake kuti Mwari ave Mwari wazvose muna zvose. Ko kana zvisiri izvo vanoombekerwa vakafa vanenge vachifungei kana vakafa vasingambomutswi? Vanoombekerwei panzvimbo pavo? Ko chatinogarira munhamo nguva dzose chiiko? Hama dzangu ndinopika nemi vandinodada navo muna Kristu Jesu Tenzi wedu kuti kufa ndokwangu zuva nezuva. Kana vakafa vasingamutswi muvafi, ini somunhu ndinowanei nokurwisana kwandakaita nezvikara kuEfesusi. Zviri nani kuti titi, “Ngatidyei tinwe zvedu nokuti mangwana tichafa.” Musanyengedzwe zvenyu, shamwari dzakaipa dzinoparadza hunhu. Nyatsofungai, musiyane nezvitadzo nokuti vamwe havazivi Mwari. Ndinotaura izvi kuti munyare.

1 VaKorinde 15:20-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Asi ɀino Kristu wakamutswa kuʋakafa, akaʋa ciɓereko cokutaŋga caʋaʋata. Nokuti rufu ɀarwakaʋuya nomunhu, kumuka kwaʋakafa kwakaʋuya nomunhu ʋo. Nokuti ʋose seɀaʋanofa munaAdama, saiɀoɀo ʋo ʋose ʋacararamiswa munaKristu. Asi mumŋe nomumŋe padzoro rake: Kristu — ciɓereko cokutaŋga; teʋere, aʋo ʋari ʋaKristu pakuʋuya kwake. Ipapo kuguma kunoȿika, paŋguʋa yaacazopa Mŋari, Ƃaɓa, ʋushe, paŋguʋa yaacaparadza kuɓata kwose, noʋushe bgose, nesimba. Nokuti unofanira kuɓata ʋushe, kuȿikira aisa ʋaʋeŋgi ʋake ʋose pasi petsoka dzake. Muʋeŋgi wokupedzisira, ucaparadzwa, ndirworufu. Nokuti wakaisa ɀinhu ɀose pasi petsoka dzake. Ɀino kana aciti: Ɀose ɀakaiswa pasi pake, ɀinoʋonekwa pacena kuti iye, wakaisa ɀose pasi pake, haaiswi’po. Ɀino kana ɀose ɀaiswa pasi pake, ipapo noMŋanakomana ʋo amene ucaiswa pasi paiye wakaisa ɀose pasi pake, kuti Mŋari aʋe ɀose kunaʋose. Kana ɀisina‐kuɗaro, ko aʋo ʋanobapatidzirwa ʋakafa, ʋacagoita seiko? Kana ʋakafa ʋasiŋgatoŋgomutswi, ʋakagobapatidzirweiko iʋo ʋakafa? Nesu tiri panjodzi ŋguʋa dzose neiko? Ndinopika, hama dzaŋgu, nokuɀirumbidza kwandinako pamsoro penyu munaKristu Jesu, Ishe weɗu, kuti ndinofa zuʋa rimŋe nerimŋe. Kana ndakarwa neɀikara paEfeso somunhu ɀaindiɓatsireiko? Kana ʋakafa ʋasiŋgamutswi, ŋgatidye, ŋgatinwe, nokuti maŋgwana tinofa. Musanyeŋgerwa; ʋushamŋari bgakaipa bgunoʋodza tsika dzakanaka. Peŋgenukai ɀakarurama, murege kutadza, nokuti ʋamŋe haʋaziʋi Mŋari; ndinotaura iɀi kuti munyadziswe.

1 VaKorinde 15:20-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)