1 VaKorinde 13:4-9
1 VaKorinde 13:4-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Rudo runomwoyo murefu, runomwoyo munyoro; rudo haruna godo; rudo haruna manyawi haruzvikudzi; haruiti zvisingafaniri, haruzvitsvakiri zvarwo; harutsamwi, haruna zvishura; harufariri zvisakarurama, asi runofarira chokwadi; runofukidza zvose, runotenda zvose, rune tariro pazvose, runotsungirira pazvose. Rudo harutongoperi; zvino kana kuri kuporofita, kuchabviswa; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana kuri kuziva, kuchabviswa. Nokuti tinoziva zvisakakwana, tinoporofita zvisakakwana
1 VaKorinde 13:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rudo runo mwoyo murefu, rudo runo mwoyo munyoro. Haruna godo, haruna manyawi haruzvikudzi. Haruiti zvokuvirimira vamwe, harutsvaki zvarwo, harukurumidzi kutsamwa, haruna pfundi pfundi. Rudo harufariri zvakaipa, asi runofarira chokwadi. Runodzivirira nguva dzose, runovimba nguva dzose, rune tariro nguva dzose, runotsungirira nguva dzose. Rudo harutongoperi. Zvino kana kuri kuprofita, kuchapera; kana dziri ndimi, dzichagumiswa; kana rwuri ruzivo, ruchapfuura. Nokuti tinoziva zvisakakwana uye tinoprofita zvisakakwana
1 VaKorinde 13:4-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rudo runo mwoyo murefu, rune mutsa; rudo haruna shanje uye haruzvitutumadzi haruzvikudzi. Haruiti zvisina hunhu. Rudo harungongwarira zvarwo bedzi; rudo harungoshatirwa shatirwa nhando, haruna pfundepfunde. Rudo harufariri zvisakarurama asi runofarira zviri pachokwadi. Rudo runotakura zvose. Runoramba ruine chitendero. Runoramba ruine chitarisiro, harurasi mwoyo runotirira zvose. Rudo harumboperi. Kuporofita kuchapera; kutaura nendimi kuchaguma. Ruzivo ruchapfuura, nokuti ruzivo rwedu haruna kuzara. Kuporofita kwedu hakuna kuzara.
1 VaKorinde 13:4-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ruɗo runomŋoyo murefu, runomŋoyo munyoro; ruɗo harunegoɗo; ruɗo harunamanyawi, haruɀikudzi; haruiti ɀisiŋgafaniri, haruɀitȿakiri ɀarwo; harutsamŋi, haruneɀishura; harufariri ɀisakarurama, asi runofarira ɀokwaɗi; runofukidza ɀose, runotenda ɀose, runetariro paɀose, runotsuŋgirira paɀose. Ruɗo harutoŋgoperi; ɀino kana kuri kuprofita, kucabviswa; kana dziri ndimi, dzicaguma; kana kuri kuziʋa, kucabviswa. Nokuti tinoziʋa ɀisakakwana, tinoprofita ɀisakakwana
1 VaKorinde 13:4-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)