Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I ƲaKorinte 13

13
Kunaka kworuɗo.
1Kunyaŋge ndikataura nendimi dzaʋanhu nedzaʋatumŋa, ndisinoruɗo, ndaʋa sendarira dzinorira, neɗare rinoŋgoti: Ŋgwereŋgwere! 2Kunyaŋge ndinecipo cokuprofita, ndicinzwisisa ɀakaʋanzika ɀose, nokuziʋa kwose; kunyaŋge ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisinoruɗo, handizi cinhu. 3Kunyaŋge ndagoʋera ʋarombo ɀose ɀandinaɀo, kunyaŋge ndikaisa muʋiri waŋgu kuti ndipiswe, ndisinoruɗo, handiɓatsirwi cinhu. 4Ruɗo runomŋoyo murefu, runomŋoyo munyoro; ruɗo harunegoɗo; ruɗo harunamanyawi, haruɀikudzi; 5haruiti ɀisiŋgafaniri, haruɀitȿakiri ɀarwo; harutsamŋi, haruneɀishura; 6harufariri ɀisakarurama, asi runofarira ɀokwaɗi; 7runofukidza ɀose, runotenda ɀose, runetariro paɀose, runotsuŋgirira paɀose. 8Ruɗo harutoŋgoperi; ɀino kana kuri kuprofita, kucabviswa; kana dziri ndimi, dzicaguma; kana kuri kuziʋa, kucabviswa. 9Nokuti tinoziʋa ɀisakakwana, tinoprofita ɀisakakwana; 10asi kana ɀakakwana ɀaȿika, iɀo ɀisakakwana ɀicabviswa. 11Ini ndiciri mŋana, ndaitaura somŋana, ndaifuŋga somŋana, ndairaŋgarira somŋana; ɀino ɀandaʋa murume, ndabvisa ɀinhu ɀomŋana. 12Nokuti ɀino tinoʋona paciʋoni‐ʋoni, tisiŋgaʋoni kwaɀo; asi neŋguʋa iyo ticaʋona neɀiso ɀakatarisana; ɀino ndinoziʋa ɀisakakwana, asi neŋguʋa iyo ndicaziʋa seɀandakazikanwa neni ʋo. 13Ɀino kutenda, netariro, noruɗo, ɀitatu iɀi, ndiɀo ɀinogara; asi cikuru pakati paɀo ndirwo ruɗo.

Zvasarudzwa nguva ino

I ƲaKorinte 13: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neI ƲaKorinte 13

YouVersion inoshandisa macookies kugadzirisa mashandisiro ako. Nekushandisa webhusaiti yedu, unobvuma kushandisa kwedu macookies sekutsanangurwa kwazvakaitwa mu Mutemo wedu weZvakavanzika