1 Vakorinde 13
13
Rudo
1Kunyange zvangu ndikataura nendimi dzavanhu kana dzavatumwa asi ini ndisina rudo ndinongova dare rinorira kana makwakwakwa esimbi anorira. 2Kunyange ndiine chipo chokuporofita ndichinzwisisa zvakavandika zvose, ndiine ruzivo rwose; kunyange dai ndiine chitendero chakaperera chinosudurudza makomo asi ndisina rudo hapana zvandiri. 3Kunyange dai ndikagovera zvose zvandinazvo uye kunyange ndikapa muviri wangu kuti upiswe asi ndisina rudo hapana chandinowana.
4Rudo runo mwoyo murefu, rune mutsa;
rudo haruna shanje uye haruzvitutumadzi haruzvikudzi.
5Haruiti zvisina hunhu.
Rudo harungongwarira zvarwo bedzi;
rudo harungoshatirwa shatirwa nhando,
haruna pfundepfunde.
6Rudo harufariri zvisakarurama
asi runofarira zviri pachokwadi.
7Rudo runotakura zvose.
Runoramba ruine chitendero.
Runoramba ruine chitarisiro, harurasi mwoyo
runotirira zvose.
8Rudo harumboperi.
Kuporofita kuchapera;
kutaura nendimi kuchaguma.
Ruzivo ruchapfuura,
9nokuti ruzivo rwedu haruna kuzara.
Kuporofita kwedu hakuna kuzara.
10Zvino kana chakazara chouya,
chisina kuzara chiya chinobva chapera basa.
11Pandakanga ndichiri mwana muduku ndaitaura somwana muduku; ndaifunga somwana mudiki ndairangarira somwana muduku asi pandakazova murume mukuru ndakakanda pasi zvohwana huduku. 12Pari zvino tinoona muchiringiriro zvamadzerere. Asi mune ramangwana tichaonanazve uso nouso. Iye zvino ndinoziva zvishoma asi mune ramangwana ndichanyatsoziva sokunyatsozivikanwa kwandakaitwa. 13Saka chitendero nechitarisiro norudo zviripo zviri zvitatu, asi chikuru chazvo rudo.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Vakorinde 13: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.