1 VaKorinde 13:4-13
1 VaKorinde 13:4-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rudo runo mwoyo murefu, rudo runo mwoyo munyoro. Haruna godo, haruna manyawi haruzvikudzi. Haruiti zvokuvirimira vamwe, harutsvaki zvarwo, harukurumidzi kutsamwa, haruna pfundi pfundi. Rudo harufariri zvakaipa, asi runofarira chokwadi. Runodzivirira nguva dzose, runovimba nguva dzose, rune tariro nguva dzose, runotsungirira nguva dzose. Rudo harutongoperi. Zvino kana kuri kuprofita, kuchapera; kana dziri ndimi, dzichagumiswa; kana rwuri ruzivo, ruchapfuura. Nokuti tinoziva zvisakakwana uye tinoprofita zvisakakwana, asi kana zvakakwana zvasvika, zvisakakwana zvichabviswa. Pandaiva mwana ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana. Zvino zvandava murume, ndakabvisa zvinhu zvoumwana. Nokuti zvino tinoona asi hationi zvakanaka somuchionioni; asi nenguva iyo tichaonana chiso nechiso. Iye zvino ndinoziva zvisakakwana; asi ndichaziva zvizere, kunyange sezvandinozivikanwa zvizere. Uye zvinhu zvitatu izvi ndizvo zvinogara, zvinoti kutenda, tariro norudo. Asi chikuru pakati peizvi ndirwo rudo.
1 VaKorinde 13:4-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Rudo runomwoyo murefu, runomwoyo munyoro; rudo haruna godo; rudo haruna manyawi haruzvikudzi; haruiti zvisingafaniri, haruzvitsvakiri zvarwo; harutsamwi, haruna zvishura; harufariri zvisakarurama, asi runofarira chokwadi; runofukidza zvose, runotenda zvose, rune tariro pazvose, runotsungirira pazvose. Rudo harutongoperi; zvino kana kuri kuporofita, kuchabviswa; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana kuri kuziva, kuchabviswa. Nokuti tinoziva zvisakakwana, tinoporofita zvisakakwana; asi kana zvakwana zvasvika, izvo zvisakakwana zvichabviswa. Ini ndichiri mwana, ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana; zvino zvandava murume, ndabvisa zvinhu zvomwana. Nokuti zvino tinoona pachioni-oni, tisingaoni kwazvo; asi nenguva iyo tichaona neziso zvakatarisana; zvino ndinoziva zvisakakwana, asi nenguva iyo ndichaziva sezvandakazikanwa neniwo. Zvino kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.
1 VaKorinde 13:4-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rudo runo mwoyo murefu, rune mutsa; rudo haruna shanje uye haruzvitutumadzi haruzvikudzi. Haruiti zvisina hunhu. Rudo harungongwarira zvarwo bedzi; rudo harungoshatirwa shatirwa nhando, haruna pfundepfunde. Rudo harufariri zvisakarurama asi runofarira zviri pachokwadi. Rudo runotakura zvose. Runoramba ruine chitendero. Runoramba ruine chitarisiro, harurasi mwoyo runotirira zvose. Rudo harumboperi. Kuporofita kuchapera; kutaura nendimi kuchaguma. Ruzivo ruchapfuura, nokuti ruzivo rwedu haruna kuzara. Kuporofita kwedu hakuna kuzara. Zvino kana chakazara chouya, chisina kuzara chiya chinobva chapera basa. Pandakanga ndichiri mwana muduku ndaitaura somwana muduku; ndaifunga somwana mudiki ndairangarira somwana muduku asi pandakazova murume mukuru ndakakanda pasi zvohwana huduku. Pari zvino tinoona muchiringiriro zvamadzerere. Asi mune ramangwana tichaonanazve uso nouso. Iye zvino ndinoziva zvishoma asi mune ramangwana ndichanyatsoziva sokunyatsozivikanwa kwandakaitwa. Saka chitendero nechitarisiro norudo zviripo zviri zvitatu, asi chikuru chazvo rudo.
1 VaKorinde 13:4-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ruɗo runomŋoyo murefu, runomŋoyo munyoro; ruɗo harunegoɗo; ruɗo harunamanyawi, haruɀikudzi; haruiti ɀisiŋgafaniri, haruɀitȿakiri ɀarwo; harutsamŋi, haruneɀishura; harufariri ɀisakarurama, asi runofarira ɀokwaɗi; runofukidza ɀose, runotenda ɀose, runetariro paɀose, runotsuŋgirira paɀose. Ruɗo harutoŋgoperi; ɀino kana kuri kuprofita, kucabviswa; kana dziri ndimi, dzicaguma; kana kuri kuziʋa, kucabviswa. Nokuti tinoziʋa ɀisakakwana, tinoprofita ɀisakakwana; asi kana ɀakakwana ɀaȿika, iɀo ɀisakakwana ɀicabviswa. Ini ndiciri mŋana, ndaitaura somŋana, ndaifuŋga somŋana, ndairaŋgarira somŋana; ɀino ɀandaʋa murume, ndabvisa ɀinhu ɀomŋana. Nokuti ɀino tinoʋona paciʋoni‐ʋoni, tisiŋgaʋoni kwaɀo; asi neŋguʋa iyo ticaʋona neɀiso ɀakatarisana; ɀino ndinoziʋa ɀisakakwana, asi neŋguʋa iyo ndicaziʋa seɀandakazikanwa neni ʋo. Ɀino kutenda, netariro, noruɗo, ɀitatu iɀi, ndiɀo ɀinogara; asi cikuru pakati paɀo ndirwo ruɗo.
1 VaKorinde 13:4-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)