1 VaKorinde 13:1-7
1 VaKorinde 13:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, asi ndisina rudo, ndakaita sedare rinorira kana ndarira dzinongoti ngwerengwere. Kana ndine chipo chokuprofita uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvose noruzivo rwose, uye kana ndino kutenda kunofambisa makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu. Kana ndikagovera zvose zvandinazvo kuvarombo uye kana ndikaisa muviri wangu kuti upiswe, asi kana ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu. Rudo runo mwoyo murefu, rudo runo mwoyo munyoro. Haruna godo, haruna manyawi haruzvikudzi. Haruiti zvokuvirimira vamwe, harutsvaki zvarwo, harukurumidzi kutsamwa, haruna pfundi pfundi. Rudo harufariri zvakaipa, asi runofarira chokwadi. Runodzivirira nguva dzose, runovimba nguva dzose, rune tariro nguva dzose, runotsungirira nguva dzose.
1 VaKorinde 13:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, ndisina rudo, ndava sendarira dzinorira, nedare rinongoti, Ngwerengwere! Kunyange ndine chipo chokuporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, nokuziva kwose; kunyange ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisina rudo, handizi chinhu. Kunyange ndagovera varombo zvose zvandinazvo, kunyange ndikaisa muviri wangu kuti ndipiswe, ndisina rudo, handibatsiri chinhu. Rudo runomwoyo murefu, runomwoyo munyoro; rudo haruna godo; rudo haruna manyawi haruzvikudzi; haruiti zvisingafaniri, haruzvitsvakiri zvarwo; harutsamwi, haruna zvishura; harufariri zvisakarurama, asi runofarira chokwadi; runofukidza zvose, runotenda zvose, rune tariro pazvose, runotsungirira pazvose.
1 VaKorinde 13:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kunyange zvangu ndikataura nendimi dzavanhu kana dzavatumwa asi ini ndisina rudo ndinongova dare rinorira kana makwakwakwa esimbi anorira. Kunyange ndiine chipo chokuporofita ndichinzwisisa zvakavandika zvose, ndiine ruzivo rwose; kunyange dai ndiine chitendero chakaperera chinosudurudza makomo asi ndisina rudo hapana zvandiri. Kunyange dai ndikagovera zvose zvandinazvo uye kunyange ndikapa muviri wangu kuti upiswe asi ndisina rudo hapana chandinowana. Rudo runo mwoyo murefu, rune mutsa; rudo haruna shanje uye haruzvitutumadzi haruzvikudzi. Haruiti zvisina hunhu. Rudo harungongwarira zvarwo bedzi; rudo harungoshatirwa shatirwa nhando, haruna pfundepfunde. Rudo harufariri zvisakarurama asi runofarira zviri pachokwadi. Rudo runotakura zvose. Runoramba ruine chitendero. Runoramba ruine chitarisiro, harurasi mwoyo runotirira zvose.
1 VaKorinde 13:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kunyaŋge ndikataura nendimi dzaʋanhu nedzaʋatumŋa, ndisinoruɗo, ndaʋa sendarira dzinorira, neɗare rinoŋgoti: Ŋgwereŋgwere! Kunyaŋge ndinecipo cokuprofita, ndicinzwisisa ɀakaʋanzika ɀose, nokuziʋa kwose; kunyaŋge ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisinoruɗo, handizi cinhu. Kunyaŋge ndagoʋera ʋarombo ɀose ɀandinaɀo, kunyaŋge ndikaisa muʋiri waŋgu kuti ndipiswe, ndisinoruɗo, handiɓatsirwi cinhu. Ruɗo runomŋoyo murefu, runomŋoyo munyoro; ruɗo harunegoɗo; ruɗo harunamanyawi, haruɀikudzi; haruiti ɀisiŋgafaniri, haruɀitȿakiri ɀarwo; harutsamŋi, haruneɀishura; harufariri ɀisakarurama, asi runofarira ɀokwaɗi; runofukidza ɀose, runotenda ɀose, runetariro paɀose, runotsuŋgirira paɀose.
1 VaKorinde 13:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)