1 VaKorinde 11:16-34
1 VaKorinde 11:16-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino kana pane anoda kuita gakava pazviri, hatina tsika dzakadaro kunyange kereke dzaMwari. Pane zvakarayirwa zvinotevera handikurumbidzei, nokuti hamuunganiri zvakanaka asi zvakaipa. Chokutanga, ndakanzwa kuti pamunoungana pamwe chete sekereke, pane kupesana pakati penyu, uye ndingangozvitenda. Nokuti dzidziso dzakatsaukana dzinofanira kuva pakati penyu, kuti zvionekwe kuti vakatendeka kuna Mwari ndavapi. Pamunoungana, hachisi chirariro chaShe chamunodya, nokuti kana modya, mumwe nomumwe wenyu anongotanga kudya asingamiriri vamwe. Mumwe anosara ane nzara, mumwewo anodhakwa. Ko, hamuna dzimba kwamungadyira nokunwira here? Kana kuti munozvidza kereke yaMwari nokunyadzisa vasina chinhu here? Zvino ndichatiiko kwamuri? Ndingakurumbidzai nokuda kwaizvozvi here? Zvirokwazvo kwete! Nokuti ndakagamuchira kubva kuna She icho chandakakupai kuti Ishe Jesu, usiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa, uye mushure mokunge avonga, akachimedura akati, “Uyu ndiwo muviri wangu, unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.” Saizvozvowo, mushure mechirariro akatora mukombe, achiti, “Mukombe uyu ndiwo sungano itsva muropa rangu; itai izvi nguva dzose kana muchiunwa, muchindirangarira.” Nokuti nguva dzose kana muchidya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe kusvikira achidzoka. Naizvozvo ani naani anodya chingwa nokunwa mukombe waShe nomutoo usina kufanira achabatwa nemhosva yokutadzira muviri neropa raShe. Munhu anofanira kuti azviedze asati adya chingwa nokunwa mukombe. Nokuti ani naani anodya nokunwa asingacherechedzi muviri waShe anozvidyira nokuzvinwira kutongwa kwake. Ndokusaka vazhinji pakati penyu vasina simba uye vachirwara, uye vamwe venyu vavete. Asi kana tikazviedza pachedu, hatingazotongwi. Kana tikatongwa naShe, tiri kurangwa kuitira kuti tirege kuzoraswa pamwe chete nenyika. Saka naizvozvo, hama dzangu, kana muchiungana pakudya, miriranai. Kana mumwe aine nzara, anofanira kudya kumba kwake, kuitira kuti pamunoungana pamwe chete murege kutongwa. Uye kana ndichinge ndasvika ndichakudzidzisai zvimwe.

1 VaKorinde 11:16-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kana mumwe anenge achida kuita gakava, hatina tsika yakadaro isu, kunyange kereke dzaMwari. Zvino kana ndichikuudzai izvi, handikurumbidzii, nokuti hamuunganiri zvinopfuura nokunaka, asi zvakaipa. Nokuti shoko rokutanga, kana muchiungana mukereke, ndinonzwa kuti kupesana kuripo pakati penyu; pamwe ndinotenda kuti ndizvo. Nokuti dzidziso dzakatsauka dzinofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vaonekwe pakati penyu. Zvino kana muchiungana pamwechete, hakuzi kuti mudye chirariro chaIshe; nokuti kana modya, mumwe nomumwe anotangira vamwe kudya chirariro chake; mumwe ane nzara, mumwe anodhakwa. Ko hamuna dzimba kwamungadyira nokunwira here? Munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasina chinhu here? Ndichaiteiko kwamuri? Ndingakurumbidzai here? Handingakurumbidzii. Nokuti ini ndakagamuchira kuna Ishe icho chandakakupaiwo, kuti Ishe Jesu nousiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa; akati avonga, akachimedura, akati, “Uyu ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.” Saizvozvowo, vakati vapedza kurarira, akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu; itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira.” Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe, kusvikira achiuya. Naizvozvo mumwe nomumwe anodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waIshe, nomutoo usina kufanira, achava nemhosva yomuviri neropa raIshe. Zvino munhu ngaazviedze, kuti adye chingwa ichi achidaro, nokunwa mukombe uyu. Nokuti anodya nokunwa, asinganatsi kunzwisisa muviri waIshe, anozvidyira nokuzvinwira kurohwa. Nemaka iyi vazhinji varipo pakati penyu vasina simba, vanorwara; vazhinji vavete. Nokuti dai taizviedza isu timene, hatizairohwa. Zvino kana tichitongwa, tinorangwa naIshe, kuti tirege kutongerwa kuraswa pamwechete nenyika. Naizvozvo, hama dzangu, kana muchiunganira pakudya, miriranai. Kana munhu anenzara, ngaadye kumusha kwake; kuti murege kuunganira kutongwa. Zvimwe zvakasara ndichazvigadzira kana ndichisvika.
1 VaKorinde 11:16-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kana pane wenharo ndezvake; asi isu kana masangano aMwari hapana imwe tsika yatinoziva. Pane zvandavakukudzidzisai iye zvino handikurumbidzei nokuti pamunoungana hapana chakanaka asi zvakaipa zvoga zvoga. Ndinodaro nokuti, chokutanga, kana maungana sesangano ndinonzwa kuti pano kukamukana kuita mapato mapato pakati penyu. Ndingangozvibvuma izvozvo, nokuti mapato anofanira kuvapo kuti vakatendeka pakati penyu vaonekwe. Kana pamunoungana hachisi chirariro chaTenzi chamunodya, nokuti pamunenge mava kudya mumwe nomumwe anozvidyira chokudya chake. Mumwe anenge ane nzara asi mumwe akadhakwa. Ndochii ichocho; hamuna dzimba dzokudyira nokunwira kana kuti kushora sangano raMwari here kana kuti kuda kudukupisa vasina chavanacho? Ndoti kudiiko kwamuri? Ndokurumbidzai here? Kwete handingakurumbidzei. Nokuti zvandakagamuchira zvichibva kuna Tenzi Jesu ndizvo zvandakakugamuchidzaiwo zvokuti Tenzi Jesu, usiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa, akatenda ndokuchimedura akati uyu muviri wangu unopirirwa imi. Itai izvi kuti mundiyeuke nazvo. Akaita zvimwechetezvo nomukombe mushure mechirariro, akati uyu Mukombe wechitenderano chitsva muropa rangu. Itai izvi panguva dzose dzamunounwa kuti mundiyeuke. Nokuti panguva dzose dzamunodya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu munoparidza rufu rwaTenzi kusvikira auya. Naizvozvo, ani naani anodya chingwa ichi nokunwa mukombe waTenzi asingakodzeri achapara mhosva yokun'oresa muviri neropa raTenzi. Saka munhu ngaatange azviongorora ndokuzoti odya chingwa ichocho nokunwa mukombe iwoyo. Nokuti aninani anodya nokunwa asinganyatsoziva kuti muviri anozvidyira nokuzvinwira kutongwa. Ndizvo zvinopa vamwe venyu kuva vanhu vasina simba uye vanorwara; vamwe vakatofa. Asi tikanyatsozviongorora hatizotongwa. Isu tinotongwa nokurangwa naTenzi kuti tirege kuzonzi tine mhosva pamwechete nenyika. Naizvozvo hama dzangu kana moungana kuzodya, miriranai. Kana pane anonzwa nzara ngaadyire kumusha kuti murege kuzopiwa mhosva pamunoungana. Zvimwe zvasara izvi ndichazvigadzira ndauyako.
1 VaKorinde 11:16-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana mumŋe aneŋge aciɗa kuita gakaʋa, hatinetsika yakaɗaro isu, kunyaŋge kereke dzaMŋari. Ɀino kana ndicikuʋudzai iɀi, handikurumbidziyi, nokuti hamuʋuŋganiri ɀinopfuʋura nokunaka, asi ɀakaipa. Nokuti shoko rokutaŋga, kana muciʋuŋgana mukereke, ndinonzwa kuti kupesana kuri’po pakati penyu; pamŋe ndinotenda kuti ndiɀo. Nokuti dzidziso dzakatsauka dzinofanira kuʋa pakati penyu, kuti aʋo ʋakatendeka ʋaʋonekwe pakati penyu. Ɀino kana muciʋuŋgana pamŋe cete, hakuzi kuti mudye cirayiro caShe; nokuti kana modya, mumŋe nomumŋe unotaŋgira ʋamŋe kudya cirayiro cake; mumŋe unenzara, mumŋe unoɓatwa. Ko hamunedzimba kwamuŋgadyira nokunwira here? Munoɀidza kereke yaMŋari, mucinyadzisa aʋo ʋasinecinhu here? Ndicaiteiko kwamuri? Ndiŋgakurumbidzai here? Handiŋgakurumbidziyi. Nokuti ini ndakagamucira kunaShe ico candakakupai ʋo, kuti Ishe Jesu noʋusiku bgaakapandukirwa, wakatora ciŋgwa; akati aʋoŋga, akacimeɗura, akati: Ici ndiwo muʋiri waŋgu unomeɗurirwa imi; itai iɀi mucindiraŋgarira. Saiɀoɀo ʋo, ʋakati ʋapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu ndiyo suŋgano itȿa muropa raŋgu; itai iɀi, ŋguʋa dzose kana mucinwa, mucindiraŋgarira. Nokuti ŋguʋa dzose, kana mucidya ciŋgwa ici, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe, kuȿikira aciʋuya. Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe unodya ciŋgwa ici, kana kunwa mukombe waShe, nomutoʋo usina‐kufanira, ucaʋa nemhoȿa yomuʋiri neropa raShe. Ɀino munhu ngaaɀiidze, kuti adye ciŋgwa ici aciɗaro, nokunwa mukombe uyu. Nokuti unodya nokunwa, asiŋganatsi kunzwisisa muʋiri waShe, unoɀidyira nokuɀinwira kurobga. Nemhaka iyi ʋazhinji ʋari’po pakati penyu ʋasinesimba, ʋanorwara; ʋazhinji ʋaʋete. Nokuti ɗai taiɀiidza isu timene, hatizairobga. Ɀino kana ticitoŋgwa, tinoraŋgwa naShe, kuti tirege kutoŋgerwa kurashwa pamŋe cete nenyika. Naiɀoɀo, hama dzaŋgu, kana muciʋuŋganira pakudya, miriranai. Kana munhu anenzara, ŋgaadye kumusha kwake; kuti murege kuʋuŋganira kutoŋgwa. Ɀimŋe ɀakasara ndicaɀigadzira kana ndiciȿika.
1 VaKorinde 11:16-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)