Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 11:16-34

1 VaKorinde 11:16-34 SNA2002

Zvino kana mumwe anenge achida kuita gakava, hatina tsika yakadaro isu, kunyange kereke dzaMwari. Zvino kana ndichikuudzai izvi, handikurumbidzii, nokuti hamuunganiri zvinopfuura nokunaka, asi zvakaipa. Nokuti shoko rokutanga, kana muchiungana mukereke, ndinonzwa kuti kupesana kuripo pakati penyu; pamwe ndinotenda kuti ndizvo. Nokuti dzidziso dzakatsauka dzinofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vaonekwe pakati penyu. Zvino kana muchiungana pamwechete, hakuzi kuti mudye chirariro chaIshe; nokuti kana modya, mumwe nomumwe anotangira vamwe kudya chirariro chake; mumwe ane nzara, mumwe anodhakwa. Ko hamuna dzimba kwamungadyira nokunwira here? Munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasina chinhu here? Ndichaiteiko kwamuri? Ndingakurumbidzai here? Handingakurumbidzii. Nokuti ini ndakagamuchira kuna Ishe icho chandakakupaiwo, kuti Ishe Jesu nousiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa; akati avonga, akachimedura, akati, “Uyu ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.” Saizvozvowo, vakati vapedza kurarira, akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu; itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira.” Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe, kusvikira achiuya. Naizvozvo mumwe nomumwe anodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waIshe, nomutoo usina kufanira, achava nemhosva yomuviri neropa raIshe. Zvino munhu ngaazviedze, kuti adye chingwa ichi achidaro, nokunwa mukombe uyu. Nokuti anodya nokunwa, asinganatsi kunzwisisa muviri waIshe, anozvidyira nokuzvinwira kurohwa. Nemaka iyi vazhinji varipo pakati penyu vasina simba, vanorwara; vazhinji vavete. Nokuti dai taizviedza isu timene, hatizairohwa. Zvino kana tichitongwa, tinorangwa naIshe, kuti tirege kutongerwa kuraswa pamwechete nenyika. Naizvozvo, hama dzangu, kana muchiunganira pakudya, miriranai. Kana munhu anenzara, ngaadye kumusha kwake; kuti murege kuunganira kutongwa. Zvimwe zvakasara ndichazvigadzira kana ndichisvika.