Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I ƲaKorinte 11:16-34

I ƲaKorinte 11:16-34 SUB1949

Ɀino kana mumŋe aneŋge aciɗa kuita gakaʋa, hatinetsika yakaɗaro isu, kunyaŋge kereke dzaMŋari. Ɀino kana ndicikuʋudzai iɀi, handikurumbidziyi, nokuti hamuʋuŋganiri ɀinopfuʋura nokunaka, asi ɀakaipa. Nokuti shoko rokutaŋga, kana muciʋuŋgana mukereke, ndinonzwa kuti kupesana kuri’po pakati penyu; pamŋe ndinotenda kuti ndiɀo. Nokuti dzidziso dzakatsauka dzinofanira kuʋa pakati penyu, kuti aʋo ʋakatendeka ʋaʋonekwe pakati penyu. Ɀino kana muciʋuŋgana pamŋe cete, hakuzi kuti mudye cirayiro caShe; nokuti kana modya, mumŋe nomumŋe unotaŋgira ʋamŋe kudya cirayiro cake; mumŋe unenzara, mumŋe unoɓatwa. Ko hamunedzimba kwamuŋgadyira nokunwira here? Munoɀidza kereke yaMŋari, mucinyadzisa aʋo ʋasinecinhu here? Ndicaiteiko kwamuri? Ndiŋgakurumbidzai here? Handiŋgakurumbidziyi. Nokuti ini ndakagamucira kunaShe ico candakakupai ʋo, kuti Ishe Jesu noʋusiku bgaakapandukirwa, wakatora ciŋgwa; akati aʋoŋga, akacimeɗura, akati: Ici ndiwo muʋiri waŋgu unomeɗurirwa imi; itai iɀi mucindiraŋgarira. Saiɀoɀo ʋo, ʋakati ʋapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu ndiyo suŋgano itȿa muropa raŋgu; itai iɀi, ŋguʋa dzose kana mucinwa, mucindiraŋgarira. Nokuti ŋguʋa dzose, kana mucidya ciŋgwa ici, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe, kuȿikira aciʋuya. Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe unodya ciŋgwa ici, kana kunwa mukombe waShe, nomutoʋo usina‐kufanira, ucaʋa nemhoȿa yomuʋiri neropa raShe. Ɀino munhu ngaaɀiidze, kuti adye ciŋgwa ici aciɗaro, nokunwa mukombe uyu. Nokuti unodya nokunwa, asiŋganatsi kunzwisisa muʋiri waShe, unoɀidyira nokuɀinwira kurobga. Nemhaka iyi ʋazhinji ʋari’po pakati penyu ʋasinesimba, ʋanorwara; ʋazhinji ʋaʋete. Nokuti ɗai taiɀiidza isu timene, hatizairobga. Ɀino kana ticitoŋgwa, tinoraŋgwa naShe, kuti tirege kutoŋgerwa kurashwa pamŋe cete nenyika. Naiɀoɀo, hama dzaŋgu, kana muciʋuŋganira pakudya, miriranai. Kana munhu anenzara, ŋgaadye kumusha kwake; kuti murege kuʋuŋganira kutoŋgwa. Ɀimŋe ɀakasara ndicaɀigadzira kana ndiciȿika.