Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Makoronike 8:1-40

1 Makoronike 8:1-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Bhenjamini aiva baba vaBhera dangwe rake, Ashibheri mwanakomana wechipiri, Ahara wechitatu, Noha wechina naRafa wechishanu. Vanakomana vaBhera vaiva: Adha, Gera, Abhihudhi, Abhishua, Naamani Ahoa, Gera, Shefufani naHurami. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEhudhi vakanga vari vakuru vemhuri yeavo vaigara muGebha vakazodzingwa vakaendeswa kuManahati: Naamani, Ahifa naGera, uyo akavadzinga uya aiva baba vaUza naArihudhi. Vanakomana vakaberekerwa Shaharaimi muMoabhu mushure mokunge arambana navakadzi vake Hushini naBhaara. Nomukadzi wake Hodheshi akabereka Johabhi, Zibhia, Mesha Marikami, Jeuzi, Sakia naMirima. Ava ndivo vaiva vanakomana vake, vakuru vemhuri. NaHushimi akabereka Abhitubhi naEripaari. Vanakomana vaEripaari vaiva: Ebheri, Mishamu, Shemedhi (uyo akavaka Ono neRodhi pamwe chete nemisha yakaapoteredza) naBheria naShema, avo vakanga vari vakuru vemhuri dzaavo vaigara muAijaroni uye vakadzinga vagari veGati. Ahiyo, Shashaki, Jeremoti, Zebhabhia, Aradhi, Edheri, Mikaeri, Ishipa naJoha vaiva vanakomana vaBeria. Zebhadhia, Meshurami, Hiziki, Hebheri, Ishimerai, Iziria naJobhabhi vaiva vanakomana vaEripaari. Jakimi, Zikiri, Zabhidhi, Erienai, Ziretai, Erieri, Adhaya, Bheraya naShimirati vaiva vanakomana vaShimei. Ishipani, Ebheri, Erieri, Abhidhoni, Zikiri, Hanani, Hanania, Eramu Anitotiya, Ifidheya naPenueri vaiva vanakomana vaShashaki. Shamisherai, Sheharia, Ataria, Jaareshia, Eria, naZikiri vaiva vanakomana vaJerohamu. Vose ava vaiva vakuru vemhuri, vari madzishe sezvazvakanyorwa munhoroondo dzavo. Uye vaigara muJerusarema. Jeyeri, baba vaGibheoni vaigara muGibheoni. Zita romukadzi wake rainzi Maaka, uye mwanakomana wake wedangwe ainzi Abhidhoni, achiteverwa naZuri, Kishi, Bhaari, Neri, Nadhabhi, Gedhori, Ahio, Zekeri, uye Mikiroti, uyo aiva baba vaShimea. Ivo vaigarawo pedyo nehama dzavo muJerusarema. Neri aiva baba vaKishi, Kishi aiva baba vaSauro, uye Sauro aiva baba vaJonatani, Mariki-Shua, Abinadhabhi, naEshi-Bhaari. Mwanakomana waJonatani ainzi Meribhi-Bhaari uyo aiva baba vaMika. Vanakomana vaMika vaiva: Pitoni, Mereki Tarea, naAhazi. Ahazi aiva baba vaJehoadha, Jehoadha aiva baba vaAremeti, Azimavheti naZimiri uye Zimiri aiva baba vaMoza. Moza aiva baba vaBhinea Rafa aiva mwanakomana wake, Ereasa mwanakomana wake naAzeri mwanakomana wake. Azeri aiva navanakomana vatanhatu, uye aya ndiwo mazita avo: Arizakami, Bhokeru, Ishumaeri, Shearia, Obhadhia naHanani. Vose ava vaiva vanakomana vaAzeri. Vanakomana vomununʼuna wake Esheki vaiva: Uramu dangwe rake, Jeushi mwanakomana wake wechipiri naErifereti wechitatu. Vanakomana vaUramu vaiva varwi voumhare vaigona kushandisa uta. Vaiva navanakomana navazukuru vazhinji vaisvika zana namakumi mashanu pamwe chete. Vose ava vaiva zvizvarwa zvaBhenjamini.

1 Makoronike 8:1-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Bhenjamini akabereka mwana wake wedangwe Bhera, naAshibheri wechipiri, naAhara wechitatu; naNoa wechina, naRafa weshanu. Bhera akabereka vanakomana: Adhari, naGera naAbhihudhi; naAbhishua, naNaamani, naAhoa; naGera, naShefufani, naHurami. Ava ndivo vanakomana vaEhudhi: Ndivo vakuru vedzimba dzamadzibaba aigara paGebha, vakavatapa, vakaenda navo Manahati; naNaamani, naAhiya, naGera, iye akavatapa; akabereka Uza naAhihudhi. Shaharaimi akabereka vanakomana panyika yaMoabhi, adzinga vakadzi vake Hushimi naBhaara. Akabereka kumukadzi wake Hodheshi: Jobhabhu, naZibhia, naMesha, naMarikami; naJeuzi, naShakia, naMirima. Ndivo vanakomana vake, vakuru vedzimba dzamadzibaba. Hushimi akabereka Abhitubhi naEripaari. Vanakomana vaEripaari: Ebheri, naMishami, naShemedhi; ndiye wakavaka Ono, naRodhi, nemisha yawo; naBheira, naShema, ivo vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba aigara paAjaroni, vakadzinga vakanga vagere paGati; naAhiyo, naShashaki, naJeremoti; naZebhedhia, naAradhi, naEdheri; naMikaeri, naIshipa, naJoha, ivo vanakomana vaBheira; naZebhedhia, naMeshurami, naHiziki, naHebheri; naIshimerai, naIziria, naJobhabhu, ivo vanakomana vaEripaari; naJakimi, naZikiri, naZabhudhi; naErienai, naZiretai, naErieri; naAdhaya, naBheraya, naShimirati, ivo vanakomana vaShimei; naIshipani, naEbheri, naErieri; naAbhidhoni, naZikiri, naHanani; naHanania, naErami, naAnatotiya; naIfudheya, naPenueri, ivo vanakomana vaShashaki; naShamisherai, neSheharia, naAtaria; naJareshia, naEria, naZikiri, ivo vanakomana vaJehorami. Ivo vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba kumarudzi avo ose, vakuru; ivo vaigara Jerusaremu. PaGibheoni paigara baba vaGibheoni, wainzi Jeyieri, zita romukadzi wake rakanga riri Maaka. Mwanakomana wake wedangwe aiva Abhidhoni, naZuri, naKishi, naBhaari, naNadhabhi; naGedhori, naAhio, naZekariya. Mikiroti akabereka Shimea. Naivo vaigara nehama dzavo Jerusaremu, vakatarisana nehama dzavo. Neri akabereka Kishi, Kishi akabereka Sauro, Sauro akabereka Jonatani, naMarikishua, naAbhinadhabhu, naEshibhaari. Mwanakomana waJonatani akanga ari Meribhibhaari; Meribhibhaari akabereka Mika. Vanakomana vaMika: Pitoni, naMereki, naTarea, naAhazi. Ahazi akabereka Joadha, Joadha akabereka Arimeti, naAzimavheti, naZimiri; Zimiri akabereka Moza; Moza akabereka Bhinea; Rafa waiva mwanakomana wake, naEreasa mwanakomana wake, naAzeri mwanakomana wake. Azeri wakanga ana vanakomana vatanhatu; mazita avo ndiwo: Azirikami, naBhokeru, naIshimaeri, naShearia, naObhadhiya, naHanani. Ava vose vaiva vanakomana vaAzeri. Vanakomana vaEsheki munun'una wake: Urami mwanakomana wake wedangwe, naJeuzi wechipiri, naErifereti wechitatu. Vanakomana vaUrami vaiva varume vane simba noumhare, vapfuri vemiseve; vakanga vana vanakomana vazhinji, navanakomana vavanakomana vavo, vakasvika zana namakumi mashanu. Ivo vose vaiva vanakomana vaBhenjamini.

1 Makoronike 8:1-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Bhenjamini ndibaba waBhera dangwe rake, wechipiri ndiAshibheri, wechitatu ndiAhara wechina ndiNoha, wechishanu ari Rafa. Vanawo vaBhera vakomana: ndiAdha naGera naAbhihudhi naAbhishua, kwouya Naamani naAhoa kwozoti Gera naShefufani naHuramu. Ava ndivo vanakomana vaEhudhi: vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo dzavagari vokuGebha vakazoendwa navo kuutapwa kuManahati, kwaiti Naamani naAhiya naGera anonziwo Hegiramu baba waUza naAhihudhi. Mumwewo ainzi Shaharaimu akabereka vana vakomana munyika yeMoabhu mushure mokunge aramba vakadzi vake vaHushimu navaBhaara. Akazobereka vana vakomana nomukadzi wake ainzi Hodheshi vanoti: Jobhabhu naZibhia naMesha naMarikanu naJeuzi naSakia naMirima. Ivava ndivo vanakomana vake, vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo. Akaberekawo vana vakomana navaHushimu ava vanoti Abhitubhu naEripaari. Vanakomana vaEripaari: ndiEbheru naMishamu naShemedhi nyakuvaka Ono neRodhi nemisha yaro Bheriya naShema vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo dzavagari vokuAiyaroni: vakaitisa chimwandamwanda vagari vokuGati; kwozouya Ahio: naShashaki naJeremoti, kwoti Zebhadhia naAradhi naEdheru, kwotiwo Mikaeri naIshipa naJoha ndovaiva vanakomana vaBheriya. Zebhadhiya: naMeshuramu naHiziki naHebheru naIshimerai naIsiriya naJobhabhu ndivowo vanakomana vaEripaari. Jakimu: naZikiri naZabhudhi naErienai naZiretai naErieri naAdhaya naBheraya naShimurati ndivo vanakomana vaShimei. Ishipani: naEbheru naErieri naAbhudhoni naZikiri naHanani naHananiya naEramu naAnitotiya naIfedhiya naPenueri, ndivo vanakomanawo vaShashaki. Shamusherai: naShehariya naAtariya naJaareshiya naEriya naZikiri, ndivowo vanakomana vaJorohamu. Ivava ava vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo chizvarwa nechizvarwa vari madzichangamire. Ivava vaigara muJerusaremu. Jeieri: baba waGibheoni vaigara kuGibheoni. Zita romukadzi wavo rainzi Maaka. Mwanakomana wavo dangwe rainzi Abhudhoni kwouya Zuru naKishi naBhaari naNadhabhu, kwouya naGedhori naAhio naZekeru, uyewo Mikiroti baba waShimea. Zvino vose ivava vaigara pakatarisana nehama dzavo muJerusaremu pamwechete nehama dzacho. Neru ndiye baba waKishi Kishi ari baba waSauro Sauro ariye baba Jonatani naMarikushua naAbinadhabhu naEshibhaari. Mwana waJonatani: ndiMeribhaari Meribhaari ndiye baba waMika. Vanakomana vaMika: ndiPitoni naMereki naTariya naAhazi. Ahazi: ndibaba waJehoyadha. Jehoyadha ari baba waAremeti naAzimavheti naZimuri Zimuri ndiye baba waMoza. Moza ndiye babawo waBhinea mwanakomana waBhinea ndiRafa waRafa ndiEreasa waEreasa ndiAzeru. Azeru aiva navanakomana vatanhatu. Mazita avo ndiAzirikamu naBhokeru naIshimaeri naSheariya naObhadhiya naHanani vose ivava ndivo vanakomana vaAzero. Vanakomana vomunun'una wake Asheki: ndiUramu dangwe rake wechipiri ndiJeushi wechitatu ndiErifereti. Vanakomana vokwaUramu vaiva magamba okurwa hondo yokupfura nemiseve aiva navana vakomana navazukuru vazhinji zana namakumi mashanu, vose ivava vari vokwaBhenjamini.

1 Makoronike 8:1-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Benjamini wakaɓereka mŋana wake weɗaŋgwe Bera, naAshberi wecipiri, naAhara wecitatu; naNoa wecinna, naRafa weshanu. Bera akaɓereka ʋanakomana: Adari, naGera, naAbihudi; naAbishua, naNaamani, naAhoa; naGera, naShefufani, naHurami. Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaEhudi: Ndiʋo ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aigara paGeba, ʋakaʋatapa, ʋakaenda naʋo Manahati; naNaamani, naAhiya, naGera, iye akaʋatapa; akaɓereka Uza naAhihudi. Shaharaimi akaɓereka ʋanakomana panyika yaMoabi, adziŋga ʋakadzi ʋake Hushimi naBaara. Akaɓereka kumukadzi wake Hodeshi: Jobabi, naZibia, naMesha, naMarkami; naJeuzi, naShakia, naMirma. Ndiʋo ʋanakomana ʋake, ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa. Hushimi akaɓereka Abitubi naErpaari. Ʋanakomana ʋaErpaari: Eberi, naMishami, naShemedi; ndiye wakaʋaka Ono, neRodi, nemisha yawo; naBeria, naShema, iʋo ʋaiʋa ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aigara paAjaroni, ʋakadziŋga ʋakaŋga ʋagere paGati; naAhiyo, naShashaki, naJeremoti; naZebadia, naAradi, naEderi; naMikaeri, naIshpa, naJoha, iʋo ʋanakomana ʋaBeria; naZebadia, naMeshurami, naHizki, naHeberi; naIshmerai, naIzria, naJobabi, iʋo ʋanakomana ʋaErpari; naJakimi, naZikri, naZabdi; naErienai, naZiretai, naErieri; naAdaya, naBeraya, naShimrati, iʋo ʋanakomana ʋaShimei; naIshpani, naEberi, naErieri; naAbdoni, naZikri, naHanani; naHanania, naErami, naAnatotiya; naIfdeya, naPenueri, iʋo ʋanakomana ʋaShashaki; naShamsherai, naSheharia, naAtaria; naJareshia, naEria, naZikri, iʋo ʋanakomana ʋaJehorami. Iʋo ʋaiʋa ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa kumarudzi aʋo ose, ʋakuru; iʋo ʋaigara Jerusarema. PaGibeoni paigara ɓaɓa ʋaGibeoni, wainzi Jeiri; zita romukadzi wake rakaŋga riri Maaka. Mŋanakomana wake weɗaŋgwe waiʋa Abdoni, naZuri, naKishi, naBaari, naNadabi; naGedori, naAhio, naZekeri. Mikroti akaɓereka Shimea. Naiʋo ʋaigara nehama dzaʋo Jerusarema, ʋakatarisana nehama dzaʋo. Neri akaɓereka Kishi, Kishi akaɓereka Sauro, Sauro akaɓereka Jonatani, naMarkishua, naAbinadabi, naEshbaari. Mŋanakomana waJonatani wakaŋga ari Meribi‐baari; Meribi‐baari akaɓereka Mika. Ʋanakomana ʋaMika: Pitoni, naMereki, naTarea, naAhazi. Ahazi akaɓereka Joada, Joada akaɓereka Aremeti, naAzmaveti, naZimri; Zimri akaɓereka Moza; Moza akaɓereka Binea; Rafa waiʋa mŋanakomana wake, naEreasa mŋanakomana wake, naAzeri mŋanakomana wake. Azeri wakaŋga anaʋanakomana ʋatanhatu; mazita aʋo ndiwo: Azrikami, naBokeru, naIshmaeri, naShearia, naObadia, naHanani. Aʋa ʋose ʋaiʋa ʋanakomana ʋaAzeri. Ʋanakomana ʋaEsheki munuŋuna wake: Urami mŋanakomana wake weɗaŋgwe, naJeuzi wecipiri, naErifereti wecitatu. Ʋanakomana ʋaUrami ʋaiʋa ʋarume ʋanesimba noʋumhare, ʋafuri ʋemiseʋe; ʋakaŋga ʋanaʋanakomana ʋazhinji, naʋanakomana ʋaʋanakomana ʋaʋo, ʋakaȿika zana namakumi mashanu. Iʋo ʋose ʋaiʋa ʋanakomana ʋaBenjamini.

1 Makoronike 8:1-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)