Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Makoronike 28:2-10

1 Makoronike 28:2-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mambo Dhavhidhi akasimuka akamira akati, “Teererai kwandiri, hama dzangu navanhu vangu. Zvakanga zviri mumwoyo mangu kuti ndivake imba senzvimbo yokuzororera yeareka yesungano yaJehovha, kuti zvive chitsiko chetsoka dzaMwari wedu, uye ndakaita urongwa hwokuivaka. Asi Mwari akati kwandiri, ‘Iwe hausi kuzovakira Zita rangu imba, nokuti uri murwi uye wakateura ropa.’ “Asi Jehovha, Mwari waIsraeri, akandisarudza kubva kumhuri yangu yose kuti ndive mambo pamusoro paIsraeri nokusingaperi. Akasarudza Judha kuti ave mhuri yangu, uye kubva muvanakomana vababa vangu akafadzwa nokundiita mambo pamusoro peIsraeri. Pavanakomana vangu vose, uye Jehovha akandipa vakawanda kwazvo, iye akasarudza mwanakomana wangu Soromoni kuti agare pachigaro choumambo hwaJehovha pamusoro paIsraeri. Akati kwandiri, ‘Soromoni mwanakomana wako ndiye achavaka imba yangu nezvivanze zvangu, ndichava baba vake. Ndichasimbisa umambo hwake nokusingaperi kana iye akatsungirira mukuita zvandakarayira nemitemo yangu sezviri kuitwa panguva ino.’ “Saka zvino ndinokurayira pamberi peIsraeri yose uye napamberi peungano yaJehovha, uye Mwari wedu achinzwa: Chenjerera kuti utevere kurayira kwose kwaJehovha senhaka kuvana vako nokusingaperi. “Newewo mwanakomana wangu Soromoni, ziva Mwari wababa vako, uye umushumire nomwoyo wose uye nepfungwa dzako dzose, nokuti Jehovha anonzvera mwoyo uye anonzwisisa chinangwa chipi nechipi chiri mupfungwa. Ukamutsvaga achawanikwa newe, asi kana ukamurasa, iye achakuramba nokusingaperi. Funga zvino, nokuti Jehovha akusarudza kuti uvake temberi senzvimbo tsvene. Iva nesimba uye uite basa iri.”

1 Makoronike 28:2-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ipapo mambo Dhavhidhi akasimuka, akamira namakumbo ake, akati, “Chindinzwai hama dzangu, navanhu vangu! Kana ndirini, ndakanga ndichiti mumwoyo mangu ndichavakira areka yesungano yaJehovha nechitsiko chaMwari wedu imba yokuzorora; zvino ndakanga ndagadzira zvose zvokuvaka nazvo. Asi Mwari akati kwandiri, ‘Iwe haufaniri kuvakira zita rangu imba, nokuti uri munhu wokurwa, wakateura ropa.’ Asi Jehovha, Mwari waIsiraeri, akanditsaura paimba yose yababa vangu kuti ndive mambo waIsiraeri nokusingaperi; nokuti akatsaura Judha kuti ave mutungamiriri; paimba yaJudha akatsaura imba yababa vangu akandifarira ini, akandiita mambo wavaIsiraeri vose. Zvino pakati pavanakomana vangu vose (nokuti Jehovha akandipa vanakomana vazhinji) akatsaura mwanakomana wangu Soromoni, kuti agare pachigaro choushe chaJehovha muna Isiraeri. “Akati kwandiri, ‘Soromoni mwanakomana wako ndiye achavaka imba yangu nevazhe dzangu; nokuti ndakamutsaura kuti ave mwanakomana wangu, neni ndichava baba vake. Ndichasimbisa ushe hwake nokusingaperi, kana iye achitsungirira kuita zvandakaraira nezvandakatonga, sezvaanoita nhasi.’ “Naizvozvo zvino, pamberi pavaIsiraeri vose, neungano yose yaJehovha, Mwari wedu achizvinzwa, chengetai nokutsvaka mirairo yose yaJehovha Mwari wenyu; kuti nyika ino yakanaka ive yenyu, mugoisiyira vana venyu vanokuteverai, ive nhaka yavo nokusingaperi. “Zvino iwe Soromoni, mwanakomana wangu, ziva Mwari wababa vako, umushumire nomwoyo wakarurama, uye nomweya unoda kwazvo; nokuti Jehovha anonzvera mwoyo yose, anonzwisisa ndangariro dzose dzemifungo kana ukamutsvaka, iye achawanikwa newe; asi kana ukamusiya, iye achakurasha nokusingaperi. Zvino chenjera, nokuti Jehovha akakutsaura, kuti uvake imba ive nzvimbo tsvene; chiva nesimba, uzviite.”

1 Makoronike 28:2-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mambo Dhavhidhi akasimuka akati, “Chimbondinzwaiwo hama dzangu nemi vanhu vangu, ndakanga ndine pfungwa mumwoyo mangu yokuti ndivakire bhokisi raTenzi rechitenderano imba yokuti rizorore ivewo pokuisa tsoka dzake. Zvino ndakatogadzirira zvokuvaka. Asi Mwari akati kwandiri, ‘Haungandivakire imba nokuti iwe uri murwi wehondo uyezve wakadeura ropa.’ Kunyange zvakadaro zvazvo Tenzi, Mwari weIsiraeri akasarudza ini mumhuri yose yababa wangu kuti ndive mambo weIsiraeri narini wose nokuti akasarudza vokwaJudha kuti vave vokutungamirira. Mumba maJudha imomo akasarudza mhuri yokwababa vangu, muvanakomana vababa vangu akafadzwa neni akandigadza umambo hweIsiraeri yose. Pavanakomana vangu vose (nokuti Tenzi akandipawo vana vakomana vakawanda) akasarudza mwana wangu Soromoni kuti agare pachigaro choumambo hwaTenzi muIsiraeri. “Akati kwandiri, ‘Mwanakomana wako Soromoni ndiye achavaka imba yangu nenhandare dzangu nokuti ndamusarudza kuti ave mwana kwandiri ini ndive baba kwaari. Ndichaita kuti umambo hwake hudzike midzi narini narini, ndokunge chete iye aramba akachengeta zvirevo zvangu nemirao yangu sezvazviri nhasi uno.’ “Saka zvino pamberi peIsiraeri yose, gungano rose raTenzi, Mwari weduwo achizvinzwa, chengetai munyatsodzidza mirao yose yaTenzi, Mwari wenyu kuti nyika ino yakanaka ive yenyu mugoisiyirawo senhaka kuvana venyu vachauya mushure menyu nokusingaperi. “Zvino Soromoni mwanangu, ziva Mwari wababa vako umushandire nomwoyo wose uye nomwoyo unoda nokuti Tenzi anoonyatsoongorora mwoyo yose uye anoziva pane mwoyo womunhu nezviri mupfungwa. Ukanyatsotsvaka Mwari unomuwanawo, asi kana ukamufuratira iye achakurasa narini wose. Zvino wochichenjera pamusana pokuti Tenzi akakusarudza kuti umuvakire imba yenzvimbo inoera. Chishinga uite izvozvo.”

1 Makoronike 28:2-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ipapo mambo Davidi akasimuka, akamira namakumbo ake, akati: Cindinzwai hama dzaŋgu, naʋanhu ʋaŋgu! Kana ndirini, ndakaŋga ndiciti mumŋoyo maŋgu ndicaʋakira areka yesuŋgano yaJehova necitsiko caMŋari weɗu imba yokuzorora; ɀino ndakaŋga ndagadzira ɀose ɀokuʋaka naɀo. Asi Mŋari wakati kwandiri: Iwe haufaniri kuʋakira zita raŋgu imba, nokuti uri munhu wokurwa, wakateʋura ropa. Asi Jehova, Mŋari waIsraeri, wakanditsaura paimba yose yaɓaɓa ʋaŋgu kuti ndiʋe mambo waIsraeri nokusiŋgaperi; nokuti wakatsaura Juda kuti aʋe mutuŋgamiriri; paimba yaJuda akatsaura imba yaɓaɓa ʋaŋgu; pakati paʋanakomana ʋaɓaɓa ʋaŋgu wakandifarira ini, akandiita mambo waʋaIsraeri ʋose. Ɀino pakati paʋanakomana ʋaŋgu ʋose (nokuti Jehova wakandipa ʋanakomana ʋazhinji) wakatsaura mŋanakomana waŋgu Soromoni, kuti agare pacigaro coʋushe caJehova munaIsraeri. Akati kwandiri: Soromoni mŋanakomana wako ndiye ucaʋaka imba yaŋgu neʋazhe dzaŋgu; nokuti ndakamutsaura kuti aʋe mŋanakomana waŋgu, neni ndicaʋa ɓaɓa ʋake. Ndicasimbisa ʋushe bgake nokusiŋgaperi, kana iye acitsuŋgirira kuita ɀandakaraira neɀandakatoŋga, seɀaanoita nhasi. Naiɀoɀo ɀino, pamberi paʋaIsraeri ʋose, neʋuŋgano yose yaJehova, Mŋari weɗu aciɀinzwa, ceŋgetai nokutȿaka mirairo yose yaJehova Mŋari wenyu; kuti nyika ino yakanaka iʋe yenyu, mugoisiyira ʋana ʋenyu ʋanokuteʋerai, iʋe nhaka yaʋo nokusiŋgaperi. Ɀino iwe Soromoni, mŋanakomana waŋgu, ziʋa Mŋari waɓaɓa ʋako, umushumire nomŋoyo wakarurama, ʋuye nomŋeya unoɗa kwaɀo; nokuti Jehova unonɀera mŋoyo yose, unonzwisisa ndaŋgariro dzose dzemifuŋgo; kana ukamutȿaka, iye ucawanikwa newe; asi kana ukamusiya, iye ucakurasha nokusiŋgaperi. Ɀino cenjera, nokuti Jehova wakakutsaura, kuti uʋake imba iʋe nɀimbo tȿene; ciʋa nesimba, uɀiite.

1 Makoronike 28:2-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)