Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Makoronike 24:1-31

1 Makoronike 24:1-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Aya ndiwo aiva mapoka avanakomana vaAroni: Vanakomana vaAroni vaiva: Nadhabhi, Abhihu, Ereazari naItamari. Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa baba vavo vasati vafa, uye vakanga vasina vanakomana; saka Ereazari naItamari vakashumira savaprista. Achibatsirwa naZadhoki chizvarwa chaEreazari naAhimereki chizvarwa chaItamari, Dhavhidhi akavapatsanura akavaisa mumapoka kuti vaite basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa. Vatungamiri vazhinji vakanyanyowanikwa pane zvizvarwa zvaEreazari kupfuura pakati pezvizvarwa zvaItamari uye vakaiswa mumapoka zvakakodzerana: vakuru gumi navatanhatu kubva kuzvizvarwa zvaEreazari uye vakuru vasere kubva kuzvizvarwa zvaItamari. Vakavaisa mumapoka zvakakodzerana, nokukanda mijenya nokuti paiva navabati venzvimbo tsvene navabati vaMwari pakati pezvizvarwa zvaEreazari nezvizvarwa zvaItamari. Munyori Shemaya mwanakomana waNetaneri, muRevhi, akanyora mazita avo pamberi pamambo, napamberi pavabati vaiti: Zadhoki muprista, Ahimereki mwanakomana waAbhiatari navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi mhuri imwe chete ichitorwa kubva kuna Ereazari uye imwe chete kubva kuna Itamari. Mujenya wokutanga wakawira pana Jehoyaribhi, wechipiri pana Jedhaya, wechitatu kuna Harimi, wechina kuna Seorimi, wechishanu kuna Marikia, wechitanhatu kuna Miyamini, wechinomwe kuna Hakozi, wechisere kuna Abhija, wepfumbamwe kuna Jeshua, wegumi kuna Shekania, wegumi nomumwe kuna Eriashibhi, wegumi nembiri kuna Jakimi, wegumi nenhatu kuna Hupa, wegumi neina kuna Jeshebheabhi, wegumi neshanu kuna Bhiriga, wegumi nenhanhatu kuna Imeri, wegumi nenomwe kuna Heziri, wegumi netsere kuna Hapizezi, wegumi nepfumbamwe kuna Petahia, wemakumi maviri kuna Jehezikeri, wemakumi maviri nomumwe kuna Jakini, wemakumi maviri nembiri kuna Gamuri, wemakumi maviri nenhatu kuna Dheraya, uye wemakumi maviri neina kuna Maazia. Iri ndiro raiva basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa pavakapinda mutemberi yaJehovha, maererano nemitemo yavakanga vapiwa nababa wavo Aroni sokurayirwa kwaakanga aitwa naJehovha, Mwari waIsraeri. Kana zviri zvimwe zvizvarwa zvaRevhi: kubva kuvanakomana vaAmiramu, Shubhaeri; kubva kuvanakomana vaShubhaeri: Jedheya. Kana ari Rehabhia, kuvanakomana vake: Ishia aiva wokutanga. Kubva kuvaIzhari: Sheromoti; kubva kuvanakomana vaSheromoti: Jahati. Vanakomana vaHebhuroni vaiva: Jeria wokutanga, Amaria wechipiri, Jehazieri wechitatu naJekameami wechina. Mwanakomana waUzieri aiva: Mika; kubva kuvanakomana vaMika: Shamiri. Mununʼuna waMika: Ishia; kubva kuvanakomana vaIshia: Zekaria. Vanakomana vaMerari vaiva: Mari naMushi. Mwanakomana waJaazia aiva: Bheno. Vanakomana vaMerari vaiva: kubva kuna Jaazia: Bheno, Shoshami, Zakuri, naIbhiri. Kubva kuna Mari: Ereazari, uye akanga asina vanakomana. Kubva kuna Kishi mwanakomana waKishi aiva: Jerameeri. Uye vanakomana vaMushi vaiti: Mari, Edheri naJerimoti. Ava ndivo vaiva vaRevhi maererano nemhuri dzavo. Vakakandawo mijenya sezvaingoita hama dzavo zvizvarwa zvaAroni, pamberi paMambo Dhavhidhi naZadhoki, Ahimereki navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi. Mhuri dzomukoma pane vose dzaingoverengwa zvimwe chetezvo sedzomudiki pane vose.

1 Makoronike 24:1-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino mapoka avanakomana vaAroni akanga akadai: vanakomana vaAroni: Nadhabhi, naAbhihu, naEriazari, naItamari. Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa vasina vana, baba vavo vachiri vapenyu; saka Eriazari naItamari vakabata basa roupristi. Dhavhidhi, pamwechete naZadhoki, mumwe wavanakomana vaEriazari, naAhimereki, mumwe wavanakomana vaItamari, vakakamura sezvavakanga vagoverwa mabasa avo. Vakawana vakuru vazhinji pakati pavanakomana vaEriazari kupfuura pakati pavanakomana vaItamari; vakakamurwa kudai: Pakati pavanakomana vaEriazari kwakanga kuna vane gumi navatanhatu, vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba; napakati pavanakomana vaItamari, nedzimba dzamadzibaba avo vakanga vari vasere. Nokudaro vakakamurwa nemijenya, mumwe pano mumwe koko; nokuti kwakanga kuna machinda eimba tsvene, namachinda aMwari pakati pavanakomana vaItamari. Shemaya mwanakomana waNetaneri, munyori, akanga ari wavaRevhi, akavanyora pamberi pamambo, namachinda, nomupristi Zadhoki, naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari, navakuru vedzimba dzamadzibaba avapristi navaRevhi; vachitsaura mhuri imwe kuna Eriazari, nemhuri imwe kuna Itamari. Zvino mujenya wokutanga wakabata Jehorayaribhi, wechipiri Jedheiya; wechitatu Harimi, wechina Seorimi, weshanu Marikiya, wetanhatu, Miyamini; wechinomwe Hakozi, worusere Abhija; wepfumbamwe Jeshua, wegumi Shekania; wegumi nomumwe Eriashibhi, wegumi nemiviri Jakimi; wegumi nemitatu Hupa, wegumi nemina Jeshebheabhi; wegumi nemishanu Bhiriga, wegumi nemitanhatu Imeri; wegumi neminomwe Heziri, wegumi nemisere Hapizeri; wegumi nemipfumbamwe Petahia, wamakumi maviri Jehezekeri; wamakumi maviri nomumwe Jakini, wamakumi maviri nemiviri Gamuri; wamakumi maviri nemitatu Dheraya, wamakumi maviri nemina Maazia. Ndiko kukamurwa kwavo pamabasa avo, kuti vapinde imba yaJehovha pavakanga varairwa napo naAroni baba vavo, sezvaakarairwa naJehovha Mwari waIsiraeri. Kana vari vamwe vanakomana vaRevhi, vanakomana vaAmirami: Shubhaeri; vavanakomana vaShubhaeri: Jedheiya. VaRehabhia: vavanakomana vaRehabhia: Ishia mukuru. VavaIzhari: Sheromoti; vavanakomana vaSheromoti: Jahati. Vavanakomana vaHebhuroni: Jeria mukuru, naAmaria wechipiri, naJahazieri wechitatu, naJekemeami wechina. Vanakomana vaUzieri: Mika; vavanakomana vaMika: Shamiri. Munun'una waMika: Ishia; vavanakomana vaIshia Zekariya. Vanakomana vaMerari: Mari naMushi; vanakomana vaJazia: Bheno. Vanakomana vaMerari: vaJazia: Bheno, naShohami, naZakuri, naIbhiri. VaMari: Eriazari, wakanga asina vanakomana. VaKishi: vanakomana vaKishi: Jerameeri. Vanakomana vaMushi: Mari, naEdheri, naJerimoti. Ndivo vakanga vari vanakomana vaRevhi, nedzimba dzamadzibaba avo. Naivo vakakandawo mijenya sehama dzavo, ivo vanakomana vaAroni pamberi pamambo Dhavhidhi, naZadhoki, naAhimereki, navakuru vedzimba dzamadzibaba dzavapristi navaRevhi; dzimba dzamadzibaba dzomukuru dzaiverengwa sedzomunun'una wake.

1 Makoronike 24:1-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvikwata zvavanakomana vokwaAroni ndezvizvi izvi: vanakomana vaAroni ndiNadhabhu naAbhihu naEreazari naItamaru. Asi Nadhabhu naAbhihu vakatangira baba wavo kufa. Vakafa vasina vana. Saka Ereazari naItamaru ndivo vakava vapristi. Dhavhidhi akabatsirwa naZadhoki mumwe wavanakomana vokwaEreazari naAhimereki mumwe wavanakomana vokwaItamaru akavaronganisa maererano namabasa avo pabasa ravo. Mumhuri yokwaEreazari maiva navatungamiriri vakawanda kupfuura vokwaItamaru. Ipapo vokwaEreazari vakarongwa muzvikwata gumi nezvitanhatu, vokwaItamaru vakarongwa muzvikwata zvisere. Pamusana pokuti muvanakomana vokwaEreazari navokwaItamaru makanga muine vakuru vakuru vepanzvimbo inoera navakuru vakuru vokwaMwari, kuti vavaise muzvikwata izvozvo vakashandisa nzira imwecheteyo yechin'ange. Munyori Shemaya mwanakomana waNetaneri muRevhi ndiye aivanyora pana vanhu ava vanoti: mambo namakurukota ake nomupristi Zadhoki naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari navatungamiriri vedzimhuri dzokwavo dzavapristi nedzavaRevhi vachimboti torei mutungamiriri kumhuri yokwaEreazari vozotizve torei mutungamiriri kumhuri yokwaItamaru. Akatanga kubuda pachin'ange ndiJehoyaribhu tevere Jedhaya wechitatu ari Harimu wechina ndiSeorimu wechishanu Marikiya wechitanhatu Miyamini wechinomwe ari Hakozi wechisere ndiAbhiya wechipfumbamwe ndiJeshua wegumi ariwo Shekaniya wegumi nechiposhi Eriyashibhu wegumi nechipiri ndiJakimu wegumi netatu ari Hupa wegumi nechina ariwo Jeshebheamu wegumi nechishanu ndiBhiriga wegumi nechitanhatu ari Imeru wegumi nechinomwe ndiHeziri wegumi nechisere ari Hapizezi wegumi nechipfumbamwe ndiPetahiya wechimakumi maviri ari Jehezikeri wemakumi maviri nechiposhi ariwo Jakini wamakumi maviri nechipiri ndiGamuri wamakumi maviri nechitatu ari Dheraya wemakumi maviri nechina ndiMaaziya. Ivava ndivo vakapiwa basa rokupota vachipinda mumba yaTenzi namazoro avo avakaitirwa nababa wavo Aroni sezvaakanzi aite naTenzi, Mwari weIsiraeri. Vamwe vose vavanakomana vokwaRevhi ndavava ava: kuvana vokwaAmuramu ndiShubhaeri kuvana vaShubhaeri ndiJedheya. Pavana vokwaRehabhiya ndiIshiya mukuru wacho. Kune vokwaIzhari ndiSheromoti. Vana vokwaSheromoti ndiJahati. Kuvana vakomana vaHebhuroni ndiJeriya mukuru wacho wechipiri ndiAmariya wechitatu ari Jahazieri Jekameamu ariye wechina. Kuvanakomana vaUzieri ndiMika vanawo vaMika ndiShamiri. Ishiya mukoma nomunun'una naMika havanoi vanakomana vake. Pavana vaIshiya ava ndiZekariya. Kuvanakomana vaMerari vanaMahiri naMushi. Muvanawo vaJaaziya ndiBheno. Pavanawo vaMerari aberekwa naJaaziya vakatorwa ndiBheno naShohamu naZakuri naIbhuri. Kwotiwo kwaMahiri ndiEreazari, akanga asina vana vakomana. Kwozoti kune vokwaKishi ndiJerahimieri. Mwanakomana waMushi ndiMahiri naEdheru naJerimoti. Ivava ava ndivo vanakomana vokwaRevhi imba nemba. Vakaitawo chin'ange sezvakaitawo hama dzavo dzokwaAroni paiva navanhu ava vaiti mambo Dhavhidhi naZadhoki naAhimereki navatungamiriri vavo vedzimhuri dzokwavo dzavapristi nedzevaRevhi. Vakoma navanun'una mumhuri idzodzi vakangoitirwa zvimwechetezvo.

1 Makoronike 24:1-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino mapoka aʋanakomana ʋaAroni akaŋga akaɗai: Ʋanakomana ʋaAroni: Nadabi, naAbihu, naEreazari, naItamari. Asi Nadabi naAbihu ʋakafa ʋasinaʋana, ɓaɓa ʋaʋo ʋaciri ʋapenyu; saka Ereazari naItamari ʋakaɓate‐ɓasa roʋuprista. Davidi, pamŋe cete naZadoki, mumŋe waʋanakomana ʋaEreazari, naAhimereki, mumŋe waʋanakomana ʋaItamari, ʋakaʋakamura seɀaʋakaŋga ʋagoʋerwa maɓasa aʋo. Ʋakawana ʋakuru ʋazhinji pakati paʋanakomana ʋaEreazari kupfuʋura pakati paʋanakomana ʋaItamari; ʋakakamurwa kuɗai: Pakati paʋanakomana ʋaEreazari kwakaŋga kunaʋanegumi naʋatanhatu, ʋaiʋa ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa; napakati paʋanakomana ʋaItamari, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo ʋakaŋga ʋari ʋasere. Nokuɗaro ʋakakamurwa nemijenya, mumŋe pano mumŋe koko; nokuti kwakaŋga kunamacinda eimba tȿene, namacinda aMŋari pakati paʋanakomana ʋaEreazari, ʋuye pakati paʋanakomana ʋaItamari. Shemaya mŋanakomana waNetaneri, munyori, wakaŋga ari waʋaRevi, akaʋanyora pamberi pamambo, namacinda, nomuprista Zadoki, naAhimereki mŋanakomana waAbiyatari, naʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋaprista naʋaRevi; ʋacitsaura mhuri imŋe kunaEreazari, nemhuri imŋe kunaItamari. Ɀino mujenya wokutaŋga wakaɓata Jehoyaribi, wecipiri Jedaya; wecitatu Harimi, wecinna Seorimi, weshanu Markiya, wetanhatu Miyamini; wecinomŋe Hakozi, worusere Abija; wepfumbamŋe Jeshua, wegumi Shekania; wegumi nomumŋe Eriashibi, wegumi nemiʋiri Jakimi; wegumi nemitatu Hupa, wegumi neminna Jeshebeabi; wegumi nemishanu Birga, wegumi nemitanhatu Imeri; wegumi neminomŋe Heziri, wegumi nemisere Hapizeri; wegumi nemipfumbamŋe Petahia, wamakumi maʋiri Jehezekeri; wamakumi maʋiri nomumŋe Jakini, wamakumi maʋiri nemiʋiri Gamuri; wamakumi maʋiri nemitatu Deraya, wamakumi maʋiri neminna Maazia. Ndiko kukamurwa kwaʋo pamaɓasa aʋo, kuti ʋapinde imba yaJehova paʋakaŋga ʋarairwa napo naAroni ɓaɓa ʋaʋo, seɀaakarairwa naJehova Mŋari waIsraeri. Kana ʋari ʋamŋe ʋanakomana ʋaRevi: Ʋaʋanakomana ʋaAmrami: Shubaeri; ʋaʋanakomana ʋaShubaeri: Jedeiya. ƲaRehabia: Ʋaʋanakomana ʋaRehabia: Ishia mukuru. ƲaʋaIzhari: Sheromoti; ʋaʋanakomana ʋaSheromoti: Jahati. Ʋaʋanakomana ʋaHebroni: Jeria mukuru, naAmaria wecipiri, naJahazieri wecitatu, naJekameami wecinna. Ʋanakomana ʋaUzieri: Mika; ʋaʋanakomana ʋaMika: Shamiri. Munuŋuna waMika: Ishia; ʋaʋanakomana ʋaIshia Zekaria. Ʋanakomana ʋaMerari: Mari naMushi; ʋanakomana ʋaJazia: Beno. Ʋanakomana ʋaMerari: ƲaJazia: Beno, naShohami, naZakuri, naIbri. ƲaMari: Ereazari, wakaŋga asinaʋanakomana. ƲaKishi: Ʋanakomana ʋaKishi: Jerameeri. Ʋanakomana ʋaMushi: Mari, naEderi, naJerimoti. Ndiʋo ʋakaŋga ʋari ʋanakomana ʋaRevi, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo. Naiʋo ʋakakanda ʋo mijenya sehama dzaʋo, iʋo ʋanakomana ʋaAroni pamberi pamambo Davidi, naZadoki, naAhimereki, naʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa dzaʋaprista naʋaRevi; dzimba dzamadziɓaɓa dzomukuru dzaiʋereŋgwa sedzomunuŋuna wake.

1 Makoronike 24:1-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)