1 Nhoroondo 24
24
Kugovaniswa basa kwakaitwa vapristi
1Zvikwata zvavanakomana vokwaAroni ndezvizvi izvi: vanakomana vaAroni ndiNadhabhu naAbhihu naEreazari naItamaru. 2Asi Nadhabhu naAbhihu vakatangira baba wavo kufa. Vakafa vasina vana. Saka Ereazari naItamaru ndivo vakava vapristi. 3Dhavhidhi akabatsirwa naZadhoki mumwe wavanakomana vokwaEreazari naAhimereki mumwe wavanakomana vokwaItamaru akavaronganisa maererano namabasa avo pabasa ravo. 4Mumhuri yokwaEreazari maiva navatungamiriri vakawanda kupfuura vokwaItamaru. Ipapo vokwaEreazari vakarongwa muzvikwata gumi nezvitanhatu, vokwaItamaru vakarongwa muzvikwata zvisere. 5Pamusana pokuti muvanakomana vokwaEreazari navokwaItamaru makanga muine vakuru vakuru vepanzvimbo inoera navakuru vakuru vokwaMwari, kuti vavaise muzvikwata izvozvo vakashandisa nzira imwecheteyo yechin'ange. 6Munyori Shemaya mwanakomana waNetaneri muRevhi ndiye aivanyora pana vanhu ava vanoti: mambo namakurukota ake nomupristi Zadhoki naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari navatungamiriri vedzimhuri dzokwavo dzavapristi nedzavaRevhi vachimboti torei mutungamiriri kumhuri yokwaEreazari vozotizve torei mutungamiriri kumhuri yokwaItamaru.
7Akatanga kubuda pachin'ange ndiJehoyaribhu
tevere Jedhaya
8wechitatu ari Harimu
wechina ndiSeorimu
9wechishanu Marikiya
wechitanhatu Miyamini
10wechinomwe ari Hakozi
wechisere ndiAbhiya
11wechipfumbamwe ndiJeshua
wegumi ariwo Shekaniya
12wegumi nechiposhi Eriyashibhu
wegumi nechipiri ndiJakimu
13wegumi netatu ari Hupa
wegumi nechina ariwo Jeshebheamu
14wegumi nechishanu ndiBhiriga
wegumi nechitanhatu ari Imeru
15wegumi nechinomwe ndiHeziri
wegumi nechisere ari Hapizezi
16wegumi nechipfumbamwe ndiPetahiya
wechimakumi maviri ari Jehezikeri
17wemakumi maviri nechiposhi ariwo Jakini
wamakumi maviri nechipiri ndiGamuri
18wamakumi maviri nechitatu ari Dheraya
wemakumi maviri nechina ndiMaaziya.
19Ivava ndivo vakapiwa basa rokupota vachipinda mumba yaTenzi namazoro avo avakaitirwa nababa wavo Aroni sezvaakanzi aite naTenzi, Mwari weIsiraeri.
20Vamwe vose vavanakomana vokwaRevhi ndavava ava:
kuvana vokwaAmuramu ndiShubhaeri
kuvana vaShubhaeri ndiJedheya.
21Pavana vokwaRehabhiya ndiIshiya mukuru wacho. 22Kune vokwaIzhari ndiSheromoti.
Vana vokwaSheromoti ndiJahati.
23Kuvana vakomana vaHebhuroni ndiJeriya mukuru wacho
wechipiri ndiAmariya
wechitatu ari Jahazieri
Jekameamu ariye wechina.
24Kuvanakomana vaUzieri ndiMika
vanawo vaMika ndiShamiri.
25Ishiya mukoma nomunun'una naMika havanoi vanakomana vake. Pavana vaIshiya ava ndiZekariya.
26Kuvanakomana vaMerari vanaMahiri naMushi. Muvanawo vaJaaziya ndiBheno.
27Pavanawo vaMerari aberekwa naJaaziya vakatorwa ndiBheno naShohamu naZakuri naIbhuri.
28Kwotiwo kwaMahiri ndiEreazari, akanga asina vana vakomana.
29Kwozoti kune vokwaKishi ndiJerahimieri.
30Mwanakomana waMushi ndiMahiri naEdheru naJerimoti. Ivava ava ndivo vanakomana vokwaRevhi imba nemba. 31Vakaitawo chin'ange sezvakaitawo hama dzavo dzokwaAroni paiva navanhu ava vaiti mambo Dhavhidhi naZadhoki naAhimereki navatungamiriri vavo vedzimhuri dzokwavo dzavapristi nedzevaRevhi. Vakoma navanun'una mumhuri idzodzi vakangoitirwa zvimwechetezvo.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Nhoroondo 24: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.