Mabasa aVapostori 14
14
Pauro naBhanabhasi paIkoniumu neDhebhe neRisitira
1Zvino paIkoniumu vakapinda kamwe vose musinagoge ravaJudha, vakataura nokudaro kuti vazhinji zhinji vavaJudha navaGiriki vakatenda. 2Asi vaJudha vasina kuteerera, vakamutsa mwoyo yavahedheni, kuti vavenge hama. 3Naizvozvo vakagarapo nguva refu, vachitaura muna Ishe vasingatyi; iye akapupurira shoko renyasha dzake, akavapa simba kuti zviratidzo nezvishamiso zviitwe namaoko avo. 4Asi vanhu vazhinji veguta vakapesana, vamwe vakava kuvaJudha, vamwe kuvapostori.
5Zvino vahedheni, navaJudha, navabati vavo vakati vachivavarira kuvaitira zvakaipa nokuvataka namabwe; 6ivo vakazviziva, vakatizira Risitira neDhebhe, aiva maguta eRikonia, nokunyika yakapoteredza; 7vakaparidzira Vhangeri ikoko.
8Zvino paRisitira paigara mumwe murume akanga asina simba patsoka dzake, chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba. 9Iye akanzwa Pauro achitaura; zvino iye akati achimutarisisa, akaona kuti anokutenda kuti angaporeswa, 10akati nezwi guru, “Mira kwazvo netsoka dzako.” Iye akavazuka, akafamba.
11Vanhu vazhinji vakati vaona zvaitwa naPauro, vakadanidzira norurimi rwavaRikonia, vachiti, “Vamwari vaburukira kwatiri, vaita savanhu.”
12Bhanabhasi vakamutumidza Jupiteri, naPauro Merikuro, nokuti ndiye aiva mutauri mukuru. 13Ipapo mupristi waJupiteri aiva netemberi yake pamberi peguta, akauya pamusuwo nenzombe namaruva okushonga, achida kuvabayira, ana vanhu vazhinji naye.
14Zvino vapostori, Bhanabhasi naPauro, vakati vachinzwa izvozvo, vakabvarura nguo dzavo, vakamhanyira pakati pavanhu vazhinji, vakadanidzira, 15vachiti, “Varume, munoitireiko izvozvi? Nesu tiri vanhu semiwo; tinokuparidzirai mashoko akanaka, kuti mubve pana izvozvo zvisina maturo, mutendeukire kuna Mwari mupenyu akaita denga napasi; negungwa, nezvose zviri mukati mazvo. 16Iye, panguva dzakapfuura akatendera vahedheni vose kufamba nenzira dzavo. 17Asi haana kurega kuzvipupurira, achiita zvakanaka, achikupai mvura yokudenga, nenguva yezviyo zvizhinji, achizadza mwoyo yenyu nezvokudya nomufaro.” 18Nokutaura kwavo saizvozvo, vakatambura kwazvo kudzivisa vanhu kuti varege kuvabayira.
19Ipapo vaJudha vakabva Andiyoku neIkoniumu, vakasvika, vakamutsa mwoyo yavanhu, vakataka Pauro namabwe, vakamukwevera kunze kweguta vachiti wafa. 20Asi vadzidzi vakati vamukomba iye akasimuka, akapinda muguta. Fume mangwana akaenda Dhebhe naBhanabhasi.
21Vakati vaparidza Vhangeri paguta iro, vakaita vadzidzi vazhinji, ndokudzokera Risitira, neIkoniumu, neAndiyoku, 22vachisimbisa mweya yavadzidzi, vachivarayira kuti vatsungirire pakutenda, vachiti, “Tinofanira kupinda ushe hwaMwari namatambudziko mazhinji.” 23Vakavasanangurira vakuru pachechi imwe neimwe, vakanyengetera, vachizvinyima zvokudya, vakavaisa kuna Ishe, wavaitenda.
24Vakagura nePisidhia, ndokusvika Pamufiria. 25Vakati vaparidza shoko paPega, vakaburukira Ataria.
26Vakabvapo, vakaenda Andiyoku nechikepe, apo pavakanga vaiswa panyasha dzaMwari kubata basa ravakanga vapedzisa zvino.
27Vakati vasvika, vakaunganidza Chechi, vakarondedzera zvose zvakanga zvaitwa naMwari navo, uye kuti akanga azarurira vahedheni musuwo wokutenda. 28Vakagara nguva huru navadzidzi.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa aVapostori 14: SUB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.