Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaRoma 8:1-13

VaRoma 8:1-13 BDSC

Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu, nokuti kubudikidza naKristu Jesu murayiro woMweya woupenyu wakandisunungura kubva pamurayiro wechivi norufu. Nokuti zvakanga zvisingakwaniswi kuitwa nomurayiro pakushayiswa simba kwawo nomunhu wechivi, Mwari akazviita nokutuma Mwanakomana wake mumufananidzo wemunhu wechivi kuti ave chipiriso chechivi. Uye akapa mhosva kuchivi chiri mumunhu wechivi, kuitira kuti kururama kunodiwa nomurayiro kuzadziswe matiri, isu tisingafambi maererano nenyama asi maererano noMweya. Nokuti vaya vanorarama namararamiro enyama, pfungwa dzavo dzinofunga zvinodiwa nenyama; asi vaya vanorarama namararamiro oMweya, pfungwa dzavo dzinofunga zvoMweya. Nokuti kufunga kwomunhu wechivi ndirwo rufu, asi kufunga kunotongwa noMweya ndihwo upenyu norugare; nokuti kufunga kwenyama kunovenga Mwari. Hakuzviisi pasi pomurayiro waMwari, uye hakugoni kuzviita. Avo vanotongwa nenyama havagoni kufadza Mwari. Asi imi hamutongwi nenyama asi noMweya, kana Mweya waMwari achigara mamuri. Uye kana munhu asina Mweya waKristu, haazi waKristu, Asi kana Kristu ari mamuri, muviri wenyu wakafa nokuda kwechivi, asi Mweya wenyu mupenyu nokuda kwokururama. Uye kana Mweya waiye akamutsa Kristu kubva kuvakafa uchigara mamuri, iye akamutsa Kristu kubva kuvakafa achapawo upenyu kumiviri yenyu inofa kubudikidza noMweya wake unogara mamuri. Naizvozvo, hama, tine mungava, asi kwete wenyama, kuti tirarame maererano nezvainoda. Nokuti kana muchirarama maererano nezvinodiwa nenyama, muchafa, asi kana muchirarama noMweya munouraya mabasa akaipa omuviri, uye muchararama