VaRoma 8:1-13
VaRoma 8:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu, nokuti kubudikidza naKristu Jesu murayiro woMweya woupenyu wakandisunungura kubva pamurayiro wechivi norufu. Nokuti zvakanga zvisingakwaniswi kuitwa nomurayiro pakushayiswa simba kwawo nomunhu wechivi, Mwari akazviita nokutuma Mwanakomana wake mumufananidzo wemunhu wechivi kuti ave chipiriso chechivi. Uye akapa mhosva kuchivi chiri mumunhu wechivi, kuitira kuti kururama kunodiwa nomurayiro kuzadziswe matiri, isu tisingafambi maererano nenyama asi maererano noMweya. Nokuti vaya vanorarama namararamiro enyama, pfungwa dzavo dzinofunga zvinodiwa nenyama; asi vaya vanorarama namararamiro oMweya, pfungwa dzavo dzinofunga zvoMweya. Nokuti kufunga kwomunhu wechivi ndirwo rufu, asi kufunga kunotongwa noMweya ndihwo upenyu norugare; nokuti kufunga kwenyama kunovenga Mwari. Hakuzviisi pasi pomurayiro waMwari, uye hakugoni kuzviita. Avo vanotongwa nenyama havagoni kufadza Mwari. Asi imi hamutongwi nenyama asi noMweya, kana Mweya waMwari achigara mamuri. Uye kana munhu asina Mweya waKristu, haazi waKristu, Asi kana Kristu ari mamuri, muviri wenyu wakafa nokuda kwechivi, asi Mweya wenyu mupenyu nokuda kwokururama. Uye kana Mweya waiye akamutsa Kristu kubva kuvakafa uchigara mamuri, iye akamutsa Kristu kubva kuvakafa achapawo upenyu kumiviri yenyu inofa kubudikidza noMweya wake unogara mamuri. Naizvozvo, hama, tine mungava, asi kwete wenyama, kuti tirarame maererano nezvainoda. Nokuti kana muchirarama maererano nezvinodiwa nenyama, muchafa, asi kana muchirarama noMweya munouraya mabasa akaipa omuviri, uye muchararama
VaRoma 8:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu. Nokuti murayiro woMweya woupenyu muna Kristu Jesu wakandisunungura pamurayiro wezvivi noworufu. Nokuti, zvakanga zvisingakwaniswi nomurayiro, pakushaiwa kwawo simba nokuda kwenyama, Mwari pakutuma kwake Mwanakomana wake nomufananidzo wenyama yezvivi, nokuda kwezvivi, akapa mhosva zvivi zviri munyama; kuti zvakarehwa nomurayiro zviitike matiri, isu tisingafambi nenyama, asi nomweya. Nokuti vari venyama vanofunga zvenyama; asi vari vomweya, vanofunga zvomweya. Nokuti kufunga kwenyama ndirwo rufu; asi kufunga kwomweya ndihwo hupenyu norugare; nokuti kufunga kwenyama kunovengana naMwari; nokuti hakuzviisi pasi pomurayiro waMwari; hakugoniwo; zvino vari munyama havagoni kufadza Mwari. Asi imi hamuzi munyama, asi mumweya, kana Mweya waMwari achigara zvirokwazvo mukati mwenyu. Asi kana munhu asina Mweya waKristu, haazi wake. Kana Kristu ari mukati menyu, muviri wakafa nokuda kwezvivi, asi mweya mupenyu nokuda kwokururama. Zvino kana Mweya waiyeyo akamutsa Jesu kuvakafa achigara mukati menyu, iye akamutsa Kristu Jesu kuvakafa, achaponesa miviri yenyu inofa noMweya wake, unogara mukati menyu. Naizvozvo, hama dzangu, hatina mungava nenyama, kuti tirarame netsika dzenyama. Nokuti kana muchifamba netsika dzenyama, muchafa; asi kana muchiuraya mabasa omuviri noMweya, muchararama
VaRoma 8:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokudaro hapachisina anopiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu, nokuti muna Kristu Jesu mutemo waMweya woupenyu wakandisunungura kumutemo wechitadzo noworufu. Mwari, nokutumira kwaakaita mwana wake pachake akafanana navanhu venyama uye sechibayiro chezvitadzo, akaita zvisina kukwanisika kuitwa nomutemo pamusana poutera hwavanhu, zvokuti akatongera chitadzo chiri muvanhu mhosva yokuparadzwa. Izvi zvakaitirwa kuti zviri pamwero zvinodiwa nomutemo zvizadzikiswe matiri isu tisingagari upenyu hwenyama asi upenyu hwomweya nokuti vanogara upenyu hwenyama pfungwa dzavo dziri pazvinhu zvenyama asi vanogara upenyu hwomweya pfungwa dzavo dziri pazvinhu zvomweya. Kutorwa mwoyo nezvinhu zvenyama rufu. Asi kuisa mwoyo wako kune zvomweya upenyu norugare nokuti mwoyo wakapindwa nezvenyama unovengana naMwari, hauzviisi pasi pomutemo waMwari. Izvo zviri izvowo, haungakwanisi kuita saizvozvo. Avo vanoda kuzvifadza nyama dzavo havagoni kufadza Mwari. Asi imi hamusipo kuzvifadza nyama yenyu. Imi muina Mweya Mutsvene, kana Mweya waMwari ari mamuri zvechokwadi. Ani nani asina Mweya waKristu, haasi wake. Asi kana Kristu ari mamuri, kunyange miviri yenyu yakafa nokuda kwechitadzo, mweya yenyu mipenyu pamusana poururami. Kana Mweya waiye akamutsa Jesu muvafi achigara mamuri, iye akamutsa Kristu Jesu kuvakafa achapa upenyu kumiviri yenyu inofa nokuna iyewo Mweya anogara mamuri. Saizvozvo, hama, dzangu hatina chikwereti kunyama kuti tigare upenyu hwenyama nokuti ukagara upenyu hwenyama, uchafa asi kana ukauraya, naMweya, zviito zvomuviri uchararama.
VaRoma 8:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo hakucina‐kupiwa mhoȿa kunaʋari munaKristu Jesu. Nokuti murairo woMŋeya woʋupenyu munaKristu Jesu wakandisunuŋgura pamurairo weɀiʋi noworufu. Nokuti, ɀakaŋga ɀisiŋgakwaniswi nomurairo, pakushaiwa kwawo simba nokuɗa kwenyama, Mŋari pakutuma kwake Mŋanakomana wake nomufananidzo wenyama yeɀiʋi, nokuɗa kweɀiʋi, wakapa mhoȿa ɀiʋi ɀiri munyama; kuti ɀakarebga nomurairo ɀiitike matiri, isu tisiŋgafambi nenyama, asi nomŋeya. Nokuti ʋari ʋenyama ʋanofuŋga ɀenyama: asi ʋari ʋomŋeya, ʋanofuŋga ɀomŋeya. Nokuti kufuŋga kwenyama ndirwo rufu; asi kufuŋga kwomŋeya ndibgo ʋupenyu norugare; nokuti kufuŋga kwenyama kunoʋeŋgana naMŋari; nokuti hakuɀiisi pasi pomurairo waMŋari; hakugoni ʋo; ɀino ʋari munyama haʋagoni kufadza Mŋari. Asi imi hamuzi munyama, asi mumŋeya, kana Mŋeya waMŋari acigara ɀirokwaɀo mukati menyu. Asi kana munhu asinoMŋeya waKristu, haazi wake. Kana Kristu ari mukati menyu, muʋiri wakafa nokuɗa kweɀiʋi, asi mŋeya mupenyu nokuɗa kwokururama. Ɀino kana Mŋeya waiyeyo wakamutsa Jesu kuʋakafa acigara mukati menyu, iye wakamutsa Kristu Jesu kuʋakafa, ucaponesa miʋiri yenyu inofa noMŋeya wake, unogara mukati menyu. Naiɀoɀo, hama dzangu, hatineŋgaʋa nenyama, kuti tirarame netsika dzenyama. Nokuti kana mucifamba netsika dzenyama, mucafa; asi kana muciʋuraya maɓasa omuʋiri noMŋeya, mucararama
VaRoma 8:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)